< Исход 16 >

1 Воздвигошася же от Елима, и прииде весь сонм сынов Израилевых в пустыню Син, яже есть между Елимом и между Синою. В пятый же надесять день втораго месяца изшедшым им от земли Египетския,
Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti.
2 возропта весь сонм сынов Израилевых на Моисеа и Аарона,
Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni.
3 и рекоша к ним сынове Израилевы: о дабы быхом измерли мы уязвени от Господа в земли Египетстей, егда седяхом над котлы мясными и ядохом хлебы до сытости: яко изведосте ны в пустыню сию уморити весь сонм сей гладом.
VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.”
4 Рече же Господь к Моисею: се, Аз одождю вам хлебы с небесе: и изыдут людие, и соберут доволное дню, на (всяк) день, яко да искушу их, аще пойдут в законе Моем, или ни.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe vagounganidza zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira.
5 И будет в день шестый, и уготовят, еже внесут, и да будет сугубо, еже собираша на всяк день.
Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pane mamwe mazuva.”
6 Рече же Моисей и Аарон ко всему сонму сынов Израилевых: в вечер (сей) увесте, яко Господь изведе вы от земли Египетския,
Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti,
7 и заутра узрите славу Господню, внегда услышати Господу роптание ваше на Бога: мы же что есмы, яко ропщете на ны?
uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko, zvamunotipopotera?”
8 И рече Моисей: егда даст Господь вам в вечер мяса ясти и хлебы заутра до сытости, понеже услыша Господь роптание ваше, имже ропщете на ны: мы же что есмы? Не на нас бо роптание ваше, но точию на Бога.
Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.”
9 И рече Моисей ко Аарону: глаголи ко всему сонму сынов Израилевых: приидите пред Бога, услыша бо роптание ваше.
Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’”
10 Егда же глаголаше Аарон всему сонму сынов Израилевых, и обратишася в пустыню, и слава Господня явися во облаце,
Aroni achiri kutaura neungano yose yavaIsraeri vakatarisa kurenje vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore.
11 и рече Господь к Моисею глаголя:
Jehovha akati kuna Mozisi,
12 слышах роптание сынов Израилевых: рцы к ним глаголя: к вечеру да снесте мяса и заутра насытитеся хлебов, и увесте, яко Аз есмь Господь Бог ваш.
“Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’”
13 Бысть же вечер, и приидоша крастели и покрыша полк. Заутра же бысть спадшей росе около полка,
Madekwana iwayo zvihuta zvakauya zvikafukidza musasa, uye mangwanani pakanga pane dova rakapoteredza musasa.
14 и се, на лицы пустыни мелко яко кориандр, бело аки лед на земли.
Dova rakati rapera, mahwendefa matete akanga akaita samazaya echando akaonekwa pasi murenje.
15 Узревше же то сынове Израилевы, реша друг ко другу: что есть сие? Не ведяху бо, что бяше. Рече же Моисей к ним: сей хлеб, егоже даде Господь вам ясти:
VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.
16 сей глаголгол, егоже завеща Господь: соберите от него кийждо на домашния, гомор поглавно по числу душ ваших, кийждо вас с домашними своими соберите.
Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha achiti, ‘Mumwe nomumwe anofanira kuunganidza zvinomukwanira. Utorere munhu mumwe nomumwe waunaye mutende rako omeri rimwe chete.’”
17 И сотвориша тако сынове Израилевы, и собраша ов много, ов же мало:
VaIsraeri vakaita sezvavakaudzwa; vamwe vakaunganidza zvakawanda, vamwe zvishoma.
18 и измеривше гомором, не преизбыточествова иже много, и иже мало, не мнее прият: кийждо на домашних своих собраша.
Uye pavakayera neomeri, uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira.
19 И рече Моисей к ним: никтоже да оставит на утрие от него.
Ipapo Mozisi akati kwavari, “Hakuna munhu anofanira kusara nezvimwe kusvikira mangwanani.”
20 И не послушаша Моисеа, но оставиша нецыи от него на утрие, и воскипе червми и возсмердеся. И оскорбися на них Моисей.
Kunyange zvakadaro, vamwe vavo havana kuteerera kuna Mozisi, vakachengeta zvimwe zvacho kusvikira mangwanani, asi zvakanga zvazara nehonye uye zvatanga kunhuhwa. Saka Mozisi akavatsamwira.
21 И собираша оное рано рано, кийждо надлежащее себе: егда же огреваше солнце, растаяваше.
Mangwanani oga oga munhu mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira, uye zuva parakanga ropisa, zvakanyungudika.
22 Бысть же в день шестый, собраша потребное сугубо, два гомора комуждо. Приидоша же вси князи сонма и поведаша Моисею.
Pazuva rechitanhatu, vakaunganidza zviyero zviviri, maomeri maviri pamunhu mumwe nomumwe, uye vatungamiri veungano vakauya vakazivisa izvi kuna Mozisi.
23 Рече же Моисей к ним: сие слово есть, еже глагола Господь: суббота покой свят Господу заутра: елика аще печете, пецыте, и елика аще варите, варите, все же избыточное оставите в скрове на утрие.
Iye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: ‘Mangwana izuva rokuzorora, Sabata dzvene kuna Jehovha. Saka bikai zvamunofanira kubika uye muvidze zvamunofanira kuvidza. Chengetai zvose zvinenge zvasara, mugozvichengeta kusvikira mangwanani.’”
24 И оставиша от того до утрия, якоже заповеда им Моисей: и не возсмердеся, ниже червь бысть в нем.
Saka vakazvichengeta kusvikira mangwanani, sezvavakarayirwa naMozisi, uye hazvina kunhuhwa kana kuva namakonye mazviri.
25 Рече же Моисей: ядите днесь, есть бо суббота покой Господу: днесь не обрящете на поли:
Mozisi akati, “Muzvidye iye nhasi, nokuti nhasi iSabata kuna Jehovha. Hamuzombowani chimwe chazvo pasi iye nhasi.
26 шесть дний собирайте, в седмый же день суббота: яко не будет в нем.
Muzviunganidze kwamazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe, iSabata, hakuzombovi nechinhu.”
27 Бысть же в седмый день, изыдоша нецыи от людий собирати, и не обретоша.
Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vanhu vakabuda kundounganidza nezuva rechinomwe, asi havana chavakawana.
28 Рече же Господь Моисеови: доколе не хощете послушати заповедий Моих и закона Моего?
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muchasvika riniko muchiramba kuchengeta mirayiro yangu nezvandakakurayirai?
29 Зрите: Господь бо даде вам субботу день сей: сего ради Той даде вам в день шестый хлеба на два дни: седите кийждо вас в дому своем у себе, никтоже да исходит от места своего в день седмый.
Rangarirai kuti Jehovha akakupai Sabata; ndokusaka pazuva rechitanhatu achikupai chingwa chamazuva maviri. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuramba agere paari ipapo pazuva rechinomwe; hakuna anobuda kunze.”
30 И субботствоваша людие в день седмый.
Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe.
31 И прозваша сынове Израилевы имя тому манна: бяше же яко семя кориандрово бело, вкус же его аки мука с медом.
Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa chine uchi.
32 Рече же им Моисей: сей глаголгол, егоже завеща Господь: наполните гомор от манны в скров в роды вашя: да видят хлеб, егоже ядосте вы в пустыни, егда изведе вас Господь от земли Египетския.
Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Mutore omeri yemana mugoichengetera zvizvarwa zvinotevera, kuti vagoona chingwa chandakakupai kuti mudye muri murenje pandakakubudisai kubva munyika yeIjipiti.’”
33 И рече Моисей ко Аарону: возми стамну златую едину и вложи в ню гомор полный от манны, и положиши тую пред Богом в соблюдение в роды вашя.
Saka Mozisi akati kuna Aroni, “Tora mudziyo ugoisa omeri yemana imomo. Ipapo ugozviisa pamberi paJehovha kuti zvichengeterwe zvizvarwa zvinotevera.”
34 Якоже заповеда Господь Моисею, положи ю Аарон пред свидением в соблюдение.
Sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi, Aroni akaisa mana pamberi peChipupuriro, kuti ichengetwepo.
35 Сынове же Израилевы ядоша манну лет четыредесять, дондеже приидоша в землю обитаемую, и ядоша манну, дондеже приидоша во страну Финикийскую:
VaIsraeri vakadya mana kwamakore makumi mana, kusvikira vasvika kunyika yaiva navanhu; vakadya mana kusvikira vasvika pamuganhu weKenani.
36 гомор же десятая часть трех мер бяше.
(Omeri ndiro chegumi cheefa.)

< Исход 16 >