< Вторая книга Паралипоменон 19 >

1 И возвратися Иосафат царь Иудин в дом свой мирно во Иерусалим.
Jehoshafati mambo weJudha paakadzoka zvakanaka kumuzinda wake muJerusarema,
2 И изыде во сретение ему Ииуй сын Ананиин пророк и рече к нему: царю Иосафате, нечестиву ли даеши помощь, или ненавидимому от Господа дружиши? И рече ему Ииуй: сего ради бысть на тя гнев Господень:
Jehu muoni, mwanakomana waHanani, akabuda kundosangana naye akati kuna mambo, “Mungabatsira here vanhu vakaipa uye mugoda avo vanovenga Jehovha? Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaJehovha kwava pamusoro penyu.
3 но токмо дела благая обретошася в тебе, зане отял еси кумиры от земли Иудины и исправил еси сердце твое взыскати Господа.
Kunyange zvakadaro hazvo, mamuri mune zvakanaka nokuti makabvisa matanda aAshera munyika uye makaisa mwoyo wenyu pakutsvaka Mwari.”
4 И вселися Иосафат во Иерусалиме, и паки изыде к людем от Вирсавеи даже до горы Ефремли, и возврати их ко Господу Богу отец своих.
Jehoshafati aigara muJerusarema, uye akaendazve pakati pavanhu vokuBheeri Shebha kunyika yezvikomo yaEfuremu akavadzosa kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo.
5 И постави судии во всех градех Иудиных крепких, во всяцем граде,
Akagadza vatongi munyika muguta rimwe nerimwe reJudha rakakomberedzwa namasvingo.
6 и рече судиям: видите, что вы творите, не человеческий бо вы суд творите, но Господень, и с вами словеса суда:
Akavaudza kuti, “Cherechedzai zvikuru zvamunoita, nokuti hamusi kutongera vanhu asi Jehovha, uyo anenge anemi pamunopa mitongo.
7 и ныне да будет страх Господень на вас, и храните и творите, яко несть у Господа Бога нашего неправды, ниже дивления лицу, ни приятия мзды.
Zvino kutya Jehovha ngakuve pamusoro penyu mutonge zvakanaka, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna kusaruramisira kana kutsaura vanhu kana kugamuchira fufuro.”
8 Во Иерусалиме же постави Иосафат левитов и священников и отценачалников от Израиля в суд Господень, да судят живущих во Иерусалиме.
MuJerusarema, Jehoshafati akagadza vamwe vevaRevhi, vaprista navakuru vemhuri dzavaIsraeri kuti vagochengetedza murayiro waJehovha uye kuti vapedze gakava, uye vakagara muJerusarema.
9 Повеле же им, глаголя: тако творите во страсе Господни, во истине и сердцем совершенным:
Akavapa mirayiro iyi: “Munofanira kubata basa makatendeka nomwoyo wose muchitya Jehovha.
10 всякую распрю, яже приидет к вам, братий ваших обитающих во градех своих, между кровию крове, и между повелением и заповедию, и оправданьми и судбами, разсудите им, да не согрешают Господеви, и не приидет гнев на вас и на братию вашу: тако творите и не согрешите:
Munyaya ipi neipi inouya kwamuri kubva kuna vamwe vomunyika yenyu vanogara mumaguta, kungava kuteuka kweropa kana zvimwewo zvinotaurwa nomurayiro, zvakarayirwa, mitemo kana zvirevo, munofanira kuvayambira kuti vasatadzira Jehovha; mukasadaro kutsamwa kwake kuchauya pamusoro penyu nehama dzenyu. Itai izvi uye hamuzotadzi.
11 и се Амариа, священник вождь над вами во всяко слово Господне: и Завдиа сын Исмаиль вождь в дому Иудине во всякому слову цареву: и книжницы и левити пред вами: укрепитеся и творите, и будет Господь со благим.
“Amaria muprista mukuru ndiye achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naJehovha. Uye Zebhadhia mwanakomana waIshumaeri mutungamiri worudzi rwaJudha, achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naMambo uye vaRevhi vachashanda savatariri pamberi penyu. Itai zvose nokushinga uye Jehovha ngaave navose vanoita zvakanaka.”

< Вторая книга Паралипоменон 19 >