< Zvakazarurwa 6 >

1 Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chemicherechedzo, ndokunzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti, senzwi remutinhiro: Uya uone.
I saw that [Jesus, the one who is like a] lamb, opened the first of the seven seals [of the scroll]. Then I heard one of the four living [creatures] say in a voice [as loud] as [SIM] thunder, “Come!”
2 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva wakange ane uta; korona ndokupiwa kwaari, zvino akabuda achikunda, uye kuti akunde.
Then I saw a white horse [come out]. The one who sat on it had a bow [and arrows]. [God] gave him a crown [to show that he was the king]. Then the one who conquers [people] went out to continue to conquer [people].
3 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.
When the [one who was like a] lamb opened the second seal, I heard the second living [creature] say, “Come!”
4 Zvino kwakabuda rimwe bhiza dzvuku; newakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, nokuti vaurayane; ndokupiwa kwaari munondo mukuru.
Then a red horse came out. The one sitting on it was allowed {[God] allowed the one sitting on it} to cause [people] to no longer [live] peacefully, but instead to be killing each other. [For this purpose] he was given {[God’s agent] gave to him} a large sword.
5 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Zvino ndikaona, uye tarira, bhiza dema, newakange akaritasva wakange ane chiyereso muruoko rwake.
When [the one who is like a] lamb opened the third seal, I heard the third living [creature] say, “Come!” This time, I saw a black horse [come out]. The one who sat on it had a pair of scales in his hand.
6 Zvino ndakanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: Chiyero chezviyo nedhenario, nezviyero zvitatu zvebhari nedhenario; nemafuta newaini usazvitadzira.
I heard a voice [that sounded] like [it was coming from] among the four living [creatures]. It was saying ([to the horseman/to the man who was sitting on the black horse]), “A quart of wheat [will cost so much that] a man must work a whole day to earn enough money to buy it, and three quarts of barley will sell for the same price. But do not cut off [the supply of] olive oil or the wine [MTY]!”
7 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.
When the [one who is like a] lamb opened the fourth seal, I heard the fourth living [creature] say, “Come!”
8 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newakange akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika. (Hadēs g86)
This time I saw a pale horse [come out]. The one who sat on it is named ‘[The one who causes] death [PRS]’, and [the one that is named ‘The place where dead people go’] accompanied him. [God] gave them authority over one quarter of the people on earth to incite them to kill each other with weapons [SYN], and also authority to kill them (by [causing them to] starve, by [their causing them to become] sick from epidemics, and by [their causing them to be attacked by] wild animals. (Hadēs g86)
9 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yevakange vaurawa nekuda kweshoko raMwari, uye nekuda kweuchapupu hwavaiva nahwo.
When the [one who is like a] lamb opened the fifth seal, I saw under (OR, at the base of) the altar [in heaven] the souls of [God’s servants] who had been killed {whom [people had] killed} because of [their believing] God’s message, and because they told others [the message about Jesus].
10 Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvikira rinhi, Tenzi, mutsvene uye wechokwadi, regai kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika?
They spoke loudly [to God] saying, “Sovereign/Almighty Lord, you are holy and faithful. How long [will it be] before you judge [and punish] the people on earth who murdered [us(exc)]?”
11 Zvino kwakapiwa umwe neumwe nguvo refu chena, zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chidiki kusvikira vamwewo varanda pamwe navo nehama dzavo dzaiva dzoda kuurawa saivowo vakwaniswa.
[God] gave to each of them a long white robe, and [he] told them to rest a little longer until [people] killed all the believers who served [the Lord] with them. They were believers whom [God wanted to die in just the same way] that these others had been killed.
12 Zvino ndakaona parakange razarura mucherechedzo wechitanhatu, uye tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye zuva rakasviba sesaga remvere, nemwedzi ukaita seropa;
I saw that when [the one who is like a] lamb opened the sixth seal, the earth shook violently. The sun became as black as cloth made (of [black] wool/of pitch). The whole moon became [red] [SIM] like blood.
13 nenyeredzi dzedenga dzakawira panyika, semuonde unowisa maonde awo eshure, uchizuzwa nemhepo huru.
The stars fell to the earth [in great numbers], just [SIM] like immature figs fall when a fig tree is shaken by a strong wind {when a strong wind shakes a fig tree}.
14 Zvino denga rakabva serugwaro rwakapetwa; negomo rega-rega nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
The sky split open and [rolled up on either side] just [SIM] like an [old] scroll rolls up [when it is split in two]. Every mountain and island moved out of its place.
15 Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, nevafumi, nevatungamiriri vehondo, nevane simba, nevaranda vese, nevakasununguka vese vakanozvivanza mumapako nemumabwe emakomo,
[As a result, all the rebellious people] of the earth, [including] kings, high-ranking people, generals, the rich people, the powerful people, along with everyone [else], both slave and free, hid themselves in caves and between the mountain rocks.
16 zvino vakati kumakomo nekumabwe: Wirai pamusoro pedu, mutivige pachiso chaiye anogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana;
They shouted to the mountains and to the rocks, “Fall on us [(exc)] and hide us [(exc)] in order that the one who sits upon the throne will not be able to see us [(exc)] [MTY], and [in order that] the [one who is like a] lamb will not be able to punish [MTY] us [(exc)].
17 nokuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani anogona kumira?
This is the terrible day on which they will punish [MTY] us [(exc)], and [when that happens], no one will be able to survive! [RHQ]”

< Zvakazarurwa 6 >