< Zvakazarurwa 11 >

1 Zvino kwakapiwa kwandiri rutsanga rwakaita semudonzvo, mutumwa ndokumira achiti: Simuka, zvino yera tembere yaMwari, nearitari, nevanonamata mairi.
Aka ba ni ƙara kamar sandan awo aka kuma ce mini, “Tafi ka auna haikalin Allah da bagaden, ka kuma ƙirga waɗanda suke sujada a can.
2 Asi chivanze chiri kunze kwetembere urasire panze, uye usachiyera; nokuti chakapiwa kuvechirudzi; uye vachatsikira guta dzvene pasi mwedzi makumi mana nemiviri.
Sai dai kada ka haɗa da harabar waje; kada ka auna ta, domin an ba da ita ga Al’ummai. Za su tattaka birni mai tsarki har watanni 42.
3 Zvino ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, zvino zvichaporofita mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu, zvakapfeka masaga.
Zan kuma ba wa shaiduna nan biyu iko, za su kuwa yi annabci na kwanaki 1,260, saye da gwadon makoki.”
4 Ava miti miviri yemiorivhi, nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.
Waɗannan su ne itatuwan zaitun biyu da kuma alkukai biyu da suke tsaye a gaban Ubangijin duniya.
5 Zvino kana kune anoshuva kuvakuvadza, moto unobuda mumuromo wavo uchiparadza vavengi vavo; uye kana umwe achishuva kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo.
Duk wanda ya yi ƙoƙari yin musu lahani, wuta za tă fito daga bakunansu ta cinye abokan gābansu. Haka ne duk mai niyyar yin musu lahani zai mutu.
6 Ava vane simba rekupfiga denga, kuti kusanaya mvura pamazuva ekuporofita kwavo, uye vane simba pamusoro pemvura, kuti vaishandure ive ropa, nekurova nyika nematambudziko ese nguva dzese dzavanoda.
Waɗannan mutane suna da iko su kulle sararin sama don kada a yi ruwan sama a lokacin da suke annabci; suna kuma da iko su juye ruwaye su zama jini su kuma bugi duniya da kowace irin annoba a duk lokacin da suke so.
7 Uye kana vapedza uchapupu hwavo, chikara chinokwira kubva mugomba risina chigadziko chichaita hondo navo, ndokuvakunda nekuvauraya. (Abyssos g12)
To, da suka gama shaidarsu, dabbar da takan fito daga Abis za tă kai musu hari, tă kuwa sha ƙarfinsu tă kuma kashe su. (Abyssos g12)
8 Uye zvitunha zvavo zvichava panzira dzemuguta guru, rinonzi pamweya Sodhoma neEgipita, pakarovererwawo Ishe wedu.
Gawawwakinsu za su kasance a kwance a titin babban birni, wanda a misalce ake kira Sodom da Masar, inda kuma aka gicciye Ubangijinsu.
9 Zvino vanobva kuvanhu nevemarudzi nevendimi nevendudzi vachaona zvitunha zvavo mazuva matatu nehafu, uye havangatenderi zvitunha zvavo kuti zviiswe mumakuva.
Kwana uku da rabi mutane daga kowace jama’a, kabila, harshe da kuma al’umma za su yi ta kallon gawawwakinsu su kuma ƙi binne su.
10 Neavo vanogara panyika vachafara pamusoro pavo nekupembera, uye vachatumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza vanogara panyika.
Mazaunan duniya za su ƙyaface su kuma yi biki ta wurin aika kyautai wa juna, domin waɗannan annabawan nan biyu ne suka azabtar da mazaunan duniya.
11 Zvino shure kwemazuva matatu nehafu, mweya weupenyu kubva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukuru kukawira vakavaona.
Amma bayan kwana uku da rabi ɗin numfashin rai daga Allah ya shige su, suka kuwa tashi tsaye, tsoro kuma ya kama waɗanda suka gan su.
12 Zvino vakanzwa inzwi guru richibva kudenga, richiti kwavari: Kwirai pano. Zvino vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo ndokuvaona.
Sai suka ji wata babbar murya daga sama tana ce musu, “Ku hauro nan.” Suka kuwa haura zuwa sama cikin girgije, yayinda abokan gābansu suna kallo.
13 Zvino nenguva iyoyo kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, chegumi cheguta ndokuwa, nemazita evanhu zvuru zvinomwe vakaurawa mukudengenyeka kwenyika; vakasara ndokuvhunduswa, vakapa rumbidzo kuna Mwari wekudenga.
A wannan sa’a aka yi wata babbar girgizar ƙasa kashi ɗaya bisa goma kuma na birnin ya rushe. Aka kashe mutane dubu bakwai a girgizar ƙasar, waɗanda suka tsira kuwa suka ji tsoro suka ɗaukaka Allah na sama.
14 Nhamo yechipiri yapfuura; zvino tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kuuya.
Kaito na biyu ya wuce; kaito na uku yana zuwa ba da daɗewa ba.
15 Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru ndokuva kudenga, achiti: Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, nehwaKristu wake; uye achatonga kusvika rinhi narinhi. (aiōn g165)
Mala’ika na bakwai ya busa ƙahonsa, sai aka ji muryoyi masu ƙarfi a sama da suka ce, “Mulkin duniya ya zama mulkin Ubangijinmu da na Kiristinsa, zai kuwa yi mulki har abada abadin.” (aiōn g165)
16 Uye vakuru makumi maviri nevana vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zveushe vakawa nezviso zvavo vakanamata Mwari,
Sai dattawan nan ashirin da huɗu da suke zaune a kursiyoyinsu a gaban Allah, suka fāɗi da fuskokinsu a ƙasa suka kuma yi wa Allah sujada,
17 vachiti: Tinokuvongai, Ishe Mwari Wemasimbaose, aripo, wakange aripo, neachauya, nokuti makatora simba renyu guru, uye makatonga.
suna cewa, “Muna maka godiya ya Ubangiji Allah, Maɗaukaki, wanda yake a yanzu, shi ne kuma a dā, domin ka karɓi ikonka mai girma ka kuma fara mulki.
18 Zvino marudzi akatsamwa, uye kutsamwa kwenyu kwasvika, nenguva yevakafa kuti vatongwe, uye kuti mupe mubairo kuvaranda venyu vaporofita, nekuvatsvene, nevanotya zita renyu, vadiki nevakuru, uye yekuparadza vanoparadza nyika.
Al’ummai suka yi fushi; fushinka kuwa ya zo. Lokaci ya yi don a shari’anta matattu, da kuma don sākawa wa bayinka annabawa da tsarkakanka da kuma su waɗanda suke girmama sunanka, ƙarami da babba, don kuma hallakar da waɗanda suka hallaka duniya.”
19 Zvino kwakazarurwa tembere yaMwari kudenga; kukaonekwa areka yesungano yake mutembere yake; ndokuvapo mheni nemanzwi nekutinhira nekudengenyeka kwenyika nechimvuramabwe chikuru.
Sa’an nan aka buɗe haikalin Allah da yake a sama, kuma a cikin haikalinsa aka ga akwatin alkawarinsa. Sai kuwa ga walƙiya, ƙararraki, tsawa, girgizar ƙasa, da kuma ƙanƙara masu girma.

< Zvakazarurwa 11 >