< Zvakazarurwa 11 >

1 Zvino kwakapiwa kwandiri rutsanga rwakaita semudonzvo, mutumwa ndokumira achiti: Simuka, zvino yera tembere yaMwari, nearitari, nevanonamata mairi.
I was given a reed like a measuring rod. And the angel stood saying: “Rise and measure the temple of God and the altar, and those who worship there.
2 Asi chivanze chiri kunze kwetembere urasire panze, uye usachiyera; nokuti chakapiwa kuvechirudzi; uye vachatsikira guta dzvene pasi mwedzi makumi mana nemiviri.
But leave out the outer court of the temple and do not measure it, because it has been given to the nations; and they will trample the holy city for forty-two months.
3 Zvino ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, zvino zvichaporofita mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu, zvakapfeka masaga.
And I will give authority to my two witnesses, and they will prophesy one thousand two hundred and sixty days, clothed in sackcloth.”
4 Ava miti miviri yemiorivhi, nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.
These are the two olive trees, even the two lampstands that stand before the Lord of the earth.
5 Zvino kana kune anoshuva kuvakuvadza, moto unobuda mumuromo wavo uchiparadza vavengi vavo; uye kana umwe achishuva kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo.
And if anyone wants to harm them fire comes out of their mouths and consumes their enemies. So if anyone wants to harm them he must be killed in this way.
6 Ava vane simba rekupfiga denga, kuti kusanaya mvura pamazuva ekuporofita kwavo, uye vane simba pamusoro pemvura, kuti vaishandure ive ropa, nekurova nyika nematambudziko ese nguva dzese dzavanoda.
They have authority to shut up the sky so that no rain falls during the days of their prophecy; and they have authority over the waters to turn them into blood, and to strike the earth with every plague, as often as they wish.
7 Uye kana vapedza uchapupu hwavo, chikara chinokwira kubva mugomba risina chigadziko chichaita hondo navo, ndokuvakunda nekuvauraya. (Abyssos g12)
When they finish their witness, the Beast of prey that comes up out of the Abyss will make war with them, overcome them and kill them (Abyssos g12)
8 Uye zvitunha zvavo zvichava panzira dzemuguta guru, rinonzi pamweya Sodhoma neEgipita, pakarovererwawo Ishe wedu.
—and leave their corpses in the street of the great city! (which is called Sodom and Egypt, spiritually speaking), even where their Lord was crucified.
9 Zvino vanobva kuvanhu nevemarudzi nevendimi nevendudzi vachaona zvitunha zvavo mazuva matatu nehafu, uye havangatenderi zvitunha zvavo kuti zviiswe mumakuva.
And those from the peoples, tribes, languages and ethnic nations look at their corpses three and a half days, and will not allow their corpses to be buried.
10 Neavo vanogara panyika vachafara pamusoro pavo nekupembera, uye vachatumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza vanogara panyika.
And those who dwell on the earth rejoice over them, and they will enjoy themselves and send gifts to one another, because these two prophets tormented those who dwell on the earth.
11 Zvino shure kwemazuva matatu nehafu, mweya weupenyu kubva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukuru kukawira vakavaona.
And after three and a half days a breath of life from God entered them and they stood on their feet, and a great fear fell on those who were watching them.
12 Zvino vakanzwa inzwi guru richibva kudenga, richiti kwavari: Kwirai pano. Zvino vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo ndokuvaona.
And I heard a loud voice from the heaven saying to them, “Come up here!” And they went up to heaven in a cloud, and their enemies watched them.
13 Zvino nenguva iyoyo kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, chegumi cheguta ndokuwa, nemazita evanhu zvuru zvinomwe vakaurawa mukudengenyeka kwenyika; vakasara ndokuvhunduswa, vakapa rumbidzo kuna Mwari wekudenga.
And in that day there was a severe earthquake and a tenth of the city fell, and seven thousand individuals were killed in the earthquake. And the rest became fearful and gave glory to the God of heaven.)
14 Nhamo yechipiri yapfuura; zvino tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kuuya.
The second woe is past. Look out, here comes the third woe!
15 Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru ndokuva kudenga, achiti: Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, nehwaKristu wake; uye achatonga kusvika rinhi narinhi. (aiōn g165)
So the seventh angel trumpeted, and there were loud voices in heaven saying: “The kingdom of the world has become the kingdom of our Lord and of His Christ, and He shall reign forever and ever!” (aiōn g165)
16 Uye vakuru makumi maviri nevana vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zveushe vakawa nezviso zvavo vakanamata Mwari,
And the twenty-four elders, who sit on their thrones in God's presence, fell on their faces and worshiped God
17 vachiti: Tinokuvongai, Ishe Mwari Wemasimbaose, aripo, wakange aripo, neachauya, nokuti makatora simba renyu guru, uye makatonga.
saying: “We thank You, O Lord God Almighty, He who is and who was and who is coming, because You have taken up your great power and begun to reign.
18 Zvino marudzi akatsamwa, uye kutsamwa kwenyu kwasvika, nenguva yevakafa kuti vatongwe, uye kuti mupe mubairo kuvaranda venyu vaporofita, nekuvatsvene, nevanotya zita renyu, vadiki nevakuru, uye yekuparadza vanoparadza nyika.
The nations were angry and your wrath came, even the time for the dead to be judged and to give the reward to Your slaves the prophets, and to the saints and those who fear your name, small and great, and to destroy those who have corrupted the earth.”
19 Zvino kwakazarurwa tembere yaMwari kudenga; kukaonekwa areka yesungano yake mutembere yake; ndokuvapo mheni nemanzwi nekutinhira nekudengenyeka kwenyika nechimvuramabwe chikuru.
And the temple of God in heaven was opened, and the ark of the covenant of the Lord was seen in His temple. And there were lightnings, noises, thunderings and huge hail.

< Zvakazarurwa 11 >