< Mateo 25 >

1 Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.
Тогда уподобися Царствие Небесное десятим девам, яже прияша светилники своя и изыдоша в сретение жениху:
2 Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, uye vashanu vari mapenzi.
пять же бе от них мудры и пять юродивы.
3 Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.
Юродивыя же, приемшя светилники своя, не взяша с собою елеа:
4 Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.
мудрыя же прияша елей в сосудех со светилники своими:
5 Zvino muwani wakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara.
коснящу же жениху, воздремашася вся и спаху.
6 Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!
Полунощи же вопль бысть: се, жених грядет, исходите в сретение его.
7 Zvino vasikana avo vese vakamuka, vakagadzira marambi avo.
Тогда восташа вся девы тыя и украсиша светилники своя.
8 Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nokuti marambi edu odzima.
Юродивыя же мудрым реша: дадите нам от елеа вашего, яко светилницы наши угасают.
9 Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.
Отвещаша же мудрыя, глаголющя: еда како не достанет нам и вам: идите же паче к продающым и купите себе.
10 Vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.
Идущым же им купити, прииде жених: и готовыя внидоша с ним на браки, и затворены быша двери.
11 Zvino pashure kwakauyawo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, ishe, tizarurirei!
Последи же приидоша и прочыя девы, глаголющя: Господи, Господи, отверзи нам.
12 Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.
Он же отвещав рече им: аминь глаголю вам, не вем вас.
13 Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana awa Mwanakomana wemunhu raachauya mariri.
Бдите убо, яко не весте дне ни часа, в оньже Сын Человеческий приидет.
14 Nokuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.
Якоже бо человек некий отходя призва своя рабы и предаде им имение свое:
15 Uye kune umwe wakapa matarenda mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo.
и овому убо даде пять талант, овому же два, овому же един, комуждо противу силы его: и отиде абие.
16 Uye wakagamuchira matarenda mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.
Шед же приемый пять талант, дела в них и сотвори другия пять талант:
17 Saizvozvowo wemaviri, iye akawanawo mamwe maviri.
такожде и иже два, приобрете и той другая два:
18 Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
приемый же един, шед вкопа (его) в землю и скры сребро господина своего.
19 Shure kwenguva refu, ishe wevaranda avo wakasvika, akagadzira zvemari navo.
По мнозе же времени прииде господин раб тех и стязася с ними о словеси.
20 Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.
И приступль пять талант приемый, принесе другия пять талант, глаголя: господи, пять талант ми еси предал: се, другия пять талант приобретох ими.
21 Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
Рече же ему господь его: добре, рабе благий и верный: о мале был еси верен, над многими тя поставлю: вниди в радость господа твоего.
22 Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.
Приступль же и иже два таланта приемый, рече: господи, два таланта ми еси предал: се, другая два таланта приобретох има.
23 Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
Рече (же) ему господь его: добре, рабе благий и верный: о мале (ми) был еси верен, над многими тя поставлю: вниди в радость господа твоего.
24 Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;
Приступль же и приемый един талант, рече: господи, ведях тя, яко жесток еси человек, жнеши, идеже не сеял еси, и собираеши идеже не расточил еси:
25 zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!
и убоявся, шед скрых талант твой в земли: (и) се, имаши твое.
26 Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.
Отвещав же господь его рече ему: лукавый рабе и ленивый, ведел еси, яко жну идеже не сеях, и собираю идеже не расточих:
27 Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.
подобаше убо тебе вдати сребро мое торжником, и пришед аз взял бых свое с лихвою:
28 Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune ane matarenda gumi.
возмите убо от него талант и дадите имущему десять талант:
29 Nokuti wese anazvo achapiwa ave nezvakawandisa; asi kubva kune asina kuchatorwa nechaanacho.
имущему бо везде дано будет и преизбудет: от неимущаго же, и еже мнится имея, взято будет от него:
30 Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze kwekupedzisira; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
и неключимаго раба вверзите во тму кромешнюю: ту будет плачь и скрежет зубом. Сия глаголя возгласи: имеяй ушы слышати да слышит.
31 Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vese vanaye, ipapo achagara pachigaro cheushe chekubwinya kwake.
Егда же приидет Сын Человеческий в славе Своей и вси святии Ангели с Ним, тогда сядет на престоле славы Своея,
32 Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzese; uye achadziparadzanisa vamwe kubva kune vamwe, semufudzi anoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.
и соберутся пред Ним вси языцы: и разлучит их друг от друга, якоже пастырь разлучает овцы от козлищ:
33 Achamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.
и поставит овцы одесную Себе, а козлища ошуюю.
34 Zvino Mambo achati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.
Тогда речет Царь сущым одесную Его: приидите, благословеннии Отца Моего, наследуйте уготованное вам Царствие от сложения мира:
35 Nokuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekunwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira;
взалкахся бо, и дасте Ми ясти: возжадахся, и напоисте Мя: странен бех, и введосте Мене:
36 ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.
наг, и одеясте Мя: болен, и посетисте Мене: в темнице бех, и приидосте ко Мне.
37 Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota, tikapa chekunwa?
Тогда отвещают Ему праведницы, глаголюще: Господи, когда Тя видехом алчуща, и напитахом? Или жаждуща, и напоихом?
38 Takakuonai rinhi muri mweni, tikakugamuchirai, kana makashama, tikapfekedza?
Когда же Тя видехом странна, и введохом? Или нага, и одеяхом?
39 Takakuonai rinhi muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?
Когда же Тя видехом боляща, или в темнице, и приидохом к Тебе?
40 Uye Mambo achapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudikisa, makaitira ini.
И отвещав Царь речет им: аминь глаголю вам, понеже сотвористе единому сих братий Моих менших, Мне сотвористе.
41 Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake. (aiōnios g166)
Тогда речет и сущым ошуюю (Его): идите от Мене, проклятии, во огнь вечный, уготованный диаволу и аггелом его: (aiōnios g166)
42 Nokuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa;
взалкахся бо, и не дасте Ми ясти: возжадахся, и не напоисте Мене:
43 ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.
странен бех, и не введосте Мене: наг, и не одеясте Мене: болен и в темнице, и не посетисте Мене.
44 Ipapo avawo vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?
Тогда отвещают Ему и тии, глаголюще: Господи, когда Тя видехом алчуща, или жаждуща, или странна, или нага, или больна, или в темнице, и не послужихом Тебе?
45 Zvino achavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadikisa ava, hamuna kuitirawo ini.
Тогда отвещает им, глаголя: аминь глаголю вам, понеже не сотвористе единому сих менших, ни Мне сотвористе.
46 Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
И идут сии в муку вечную, праведницы же в живот вечный. (aiōnios g166)

< Mateo 25 >