< Mateo 23 >

1 Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake, 2 achiti: Vanyori neVaFarisi vagere pachigaro chaMozisi; 3 saka zvese chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. 4 Nokuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemunwe wavo. 5 Asi mabasa avo ese vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo; 6 vanoda chinzvimbo chakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge, 7 nekwaziso pamisika, nekunzi nevanhu: Rabhi, Rabhi. 8 Asi imwi musaidzwa Rabhi, nokuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mese muri hama. 9 Musaidza munhu panyika baba venyu; nokuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga. 10 Musaidzwawo vadzidzisi; nokuti umwe ndiye Mudzidzisi wenyu, iye Kristu. 11 Asi mukurusa pamuri achava muranda wenyu. 12 Zvino ani nani anozvikwiridzira achaderedzwa; uye ani nani anozvideredza, achakwiridzirwa. 13 Asi mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nokuti imwi hamupindi, zvekare hamutenderi vanopinda kupinda. 14 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa. 15 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana ava saizvozvo, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri. (Geenna g1067) 16 Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani anopika netembere, hachisi chinhu, asi ani nani anopika negoridhe yetembere, ane ngava. 17 Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Goridhe, kana tembere inoita goridhe rive dzvene? 18 Uye: Ani nani anopika nearitari, hachisi chinhu; asi ani nani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ane ngava. 19 Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Chipo, kana aritari inoita chipo chive chitsvene? 20 Naizvozvo anopika nearitari, anopika nayo nezvese zviri pamusoro payo. 21 Neanopika netembere, anopika nayo, neanogara mairi. 22 Neanopika nedenga, anopika nechigaro cheushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho. 23 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopa chegumi cheminte neadhiri nekumini, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Mutongo netsitsi nekutendeka; izvi zvakafanira kuita nekusarega zvimwe. 24 Vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera. 25 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora. 26 MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo. 27 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda akadzudzurwa kuitwa machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemafupa evakafa netsvina yese. 28 Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi. 29 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama, 30 muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita. 31 Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana vevakauraya vaporofita. 32 Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu! 33 Imwi nyoka, zvizvarwa zvezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena? (Geenna g1067) 34 Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita nevakachenjera nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta. 35 Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rese rakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakauraya pakati petembere nearitari. 36 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvese zvichauya pamusoro pezera iri. 37 Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo muzasi memapapiro, asi hamuna kuda. 38 Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo. 39 Nokuti ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni kubva zvino, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe.

< Mateo 23 >