< Mateo 22 >

1 Zvino Jesu wakapindura akataurazve kwavari nemifananidzo, achiti: 2 Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato; 3 akatuma varanda vake kunodana vakange vakokwa kumuchato, asi havana kuda kuuya. 4 Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabaiwa, uye zvinhu zvese zvagadzirwa; uyai kumuchato. 5 Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake pachake, umwe kukutengeserana kwake; 6 vakasara vavo vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya. 7 Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo. 8 Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vakange vakokwa vakange vasina kufanira. 9 Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumuchato vese vamunowana. 10 Varanda avo vakabudira kunzira, vakaunganidza vese nekuwanda kwevavakawana, zvese vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya. 11 Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu asina kupfeka chipfeko chemuchato; 12 akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo. 13 Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. 14 Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vanosanangurwa. 15 Zvino VaFarisi vakaenda vakanorangana kuti vangamuteya sei pakutaura. 16 Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane VaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nokuti hamutariri chimiro chevanhu. 17 Naizvozvo tiudzei: Munofungei? Zvinotenderwa kupa Kesari mutero here, kana kwete? 18 Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzirei, vanyepedzeri? 19 Ndiratidzei mari yemutero. Vakamuvigira dhenario. 20 Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ndezvani? 21 Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. 22 Vakati vanzwa vakashamisika, vakamusiya, vakaenda. 23 Nezuva iro kwakauya kwaari VaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza, 24 vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin'ina wake achawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu. 25 Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin'ina wake. 26 Saizvozvowo wechipiri, newechitatu, kusvikira kune wechinomwe. 27 Pakupedzisira kwevese mukadzi akafawo. 28 Zvino pakumuka, achava mukadzi waani pavanomwe? Nokuti vese vakava naye. 29 Jesu ndokupindura, akati kwavari: Munorasika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari; 30 nokuti pakumuka havawanani, havawaniswi; asi vakaita sevatumwa vaMwari kudenga. 31 Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti: 32 Ini ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu. 33 Zvino zvaunga zvichizvinzwa zvakashamisika nedzidziso yake. 34 VaFarisi vakati vachinzwa kuti washaisa VaSadhusi remuromo, vakaungana pamwe. 35 Zvino umwe wavo, nyanzvi yemutemo, wakamubvunza, achimuidza, ichiti: 36 Mudzidzisi, ndeupi mutemo mukuru pamurairo? 37 Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nemurangariro wako umwe neumwe. 38 Ndiwo murairo wekutanga uye mukuru. 39 Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida umwe wako sezvaunozvida iwe. 40 Pamirairo iyi miviri, murairo wese nevaporofita zvakaremberedzwa. 41 Zvino VaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza, 42 achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi. 43 Akati kwavari: Ko Dhavhidhi wakagomutumidza sei muMweya kuti Ishe, achiti: 44 Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako? 45 Zvino kana Dhavhidhi achimuti Ishe, anova mwanakomana wake sei? 46 Zvino hakuna akagona kumupindura shoko; uye kwakange kusina munhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.

< Mateo 22 >