< Mateo 19 >

1 Zvino zvakaitika apo Jesu apedza mashoko awa, akabva kuGarirea, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJoridhani. 2 Zvaunga zvikuru zvikamutevera, akazviporesapo. 3 VaFarisi vakauyawo kwaari, vachimuidza vachiti kwaari: Zvinotenderwa here kumunhu kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi? 4 Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti iye wakavaita kubva pakutanga wakavaita murume nemukadzi? 5 Akati: Nekuda kwaizvozvi munhu achasiya baba namai, uye achanamatira kumukadzi wake; avo vaviri vachava nyama imwe. 6 Naizvozvo havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakabatanidza munhu ngaarege kuparadzanisa. 7 Vakati kwaari: Mozisi wakagorairei kupa rugwaro rwekurambana, nekumuramba? 8 Akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu; asi kubva pakutanga zvakange zvisina kudaro. 9 Asi ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka yeupombwe, akawana umwe, anopomba; neanowana wakarambwa anopomba. 10 Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana nyaya yemunhu nemukadzi yakadaro, hazvibatsiri kuwana. 11 Asi akati kwavari: Vese havagamuchiri shoko iri, kunze kwevakaripiwa. 12 Nokuti kune vatenwa, vakaberekwa vakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune vatenwa, vakaitwa vatenwa nevanhu; uye kune vatenwa vakazviita vatenwa nekuda kweushe hwekumatenga. Anogona kugamuchira izvi, ngaagamuchire. 13 Zvino kwakauyiswa kwaari vana vadiki, kuti aise maoko pamusoro pavo, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura. 14 Asi Jesu wakati: Tenderai vana vadiki, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekumatenga ndehwevakadai. 15 Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo. 16 Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi? (aiōnios g166) 17 Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, ndiye Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo. 18 Akati kwaari: Ipi? Jesu ndokuti: Usauraya, usapomba, usaba, usapupura nhema, 19 kudza baba vako namai, uye, ude umwe wako sezvaunozvida iwe. 20 Jaya rikati kwaari: Izvozvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu; ndichiri kushaiwei? 21 Jesu akati kwariri: Kana uchida kuva wakaperera, enda utengese zvaunazvo upe varombo, uye uchava nefuma kudenga; ugouya pano unditevere. 22 Asi jaya rakati ranzwa shoko iro rikaenda richishungurudzika; nokuti rakange rine nhumbi zhinji. 23 Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwekumatenga. 24 Ndinotizve kwamuri: Zvakarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari. 25 Vadzidzi vake vakati vazvinzwa, vakashamisika kwazvo, vachiti: Saka ndiani angagona kuponeswa? 26 Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvese zvinobvira. 27 Ipapo Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai; zvino tichava nei? 28 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana wemunhu agara pachigaro cheushe chekubwinya kwake, imwiwo muchagara pazvigaro zveushe gumi nezviviri, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri. 29 Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi. (aiōnios g166) 30 Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.

< Mateo 19 >