< Mateo 18 >

1 Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga?
В той час приступиша ученицы ко Иисусу, глаголюще: кто убо болий есть в Царствии Небеснем?
2 Jesu akadanira kwaari mucheche akamumisa pakati pavo.
И призвав Иисус отроча, постави е посреде их
3 Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.
и рече: аминь глаголю вам, аще не обратитеся и будете яко дети, не внидете в Царство Небесное:
4 Naizvozvo ani nani anozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga.
иже убо смирится яко отроча сие, той есть болий во Царствии Небеснем:
5 Zvino ani nani anogamuchira mucheche umwe wakadai muzita rangu anogamuchira ini.
и иже аще приимет отроча таково во имя Мое, Мене приемлет:
6 Asi ani nani anogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa.
а иже аще соблазнит единаго малых сих верующих в Мя, уне есть ему, да обесится жернов оселский на выи его, и потонет в пучине морстей.
7 Ine nhamo nyika nemhaka yezvigumbuso! Nokuti kunodikanwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye!
Горе миру от соблазн: нужда бо есть приити соблазном: обаче горе человеку тому, имже соблазн приходит.
8 Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi. (aiōnios g166)
Аще ли рука твоя или нога твоя соблажняет тя, отсецы ю и верзи от себе: добрейше ти есть внити в живот хрому или бедну, неже две руце и две нозе имущу ввержену быти во огнь вечный: (aiōnios g166)
9 Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto. (Geenna g1067)
и аще око твое соблажняет тя, изми е и верзи от себе: добрейше ти есть со единем оком в живот внити, неже две оце имущу ввержену быти в геенну огненную. (Geenna g1067)
10 Chenjerai musazvidza umwe wevadiki ava, nokuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga.
Блюдите, да не презрите единаго (от) малых сих: глаголю бо вам, яко Ангели их на небесех выну видят лице Отца Моего Небеснаго.
11 Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzoponesa chakange chakarasika.
Прииде бо Сын Человеческий (взыскати и) спасти погибшаго.
12 Munofunga sei? Kana umwe munhu ane makwai zana, rimwe rawo rikarasika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarasika?
Что вам мнится? Аще будет некоему человеку сто овец, и заблудит едина от них: не оставит ли девятьдесят и девять в горах и шед ищет заблуждшия?
13 Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Anorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.
И аще будет обрести ю, аминь глаголю вам, яко радуется о ней паче, неже о девятидесятих и девяти не заблуждших.
14 Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevadiki ava aparare.
Тако несть воля пред Отцем вашим Небесным, да погибнет един от малых сих.
15 Asi kana umwe wako akutadzira, enda umudzore pakati pako naye mega; kana akakunzwa, wawana umwe wako.
Аще же согрешит к тебе брат твой, иди и обличи его между тобою и тем единем: аще тебе послушает, приобрел еси брата твоего:
16 Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rese risimbiswe.
аще ли тебе не послушает, поими с собою еще единаго или два, да при устех двою или триех свидетелей станет всяк глагол:
17 Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi.
аще же не послушает их, повеждь церкви: аще же и церковь преслушает, буди тебе якоже язычник и мытарь.
18 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.
Аминь (бо) глаголю вам: елика аще свяжете на земли, будут связана на небеси: и елика аще разрешите на земли, будут разрешена на небесех.
19 Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga.
Паки аминь глаголю вам, яко аще два от вас совещаета на земли о всяцей вещи, еяже аще просита, будет има от Отца Моего, Иже на небесех:
20 Nokuti apo vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ipapo ndiripo pakati pavo.
идеже бо еста два или трие собрани во имя Мое, ту есмь посреде их.
21 Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, umwe wangu uchanditadzira kangani, ndichimukanganwira? Kusvikira kanomwe here?
Тогда приступль к Нему Петр рече: Господи, колькраты аще согрешит в мя брат мой, и отпущу ли ему до седмь крат?
22 Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvikira kanomwe; asi: Kusvikira makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe.
Глагола ему Иисус: не глаголю тебе: до седмь крат, но до седмьдесят крат седмерицею.
23 Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, wakange achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake.
Сего ради уподобися Царствие Небесное человеку царю, иже восхоте стязатися о словеси с рабы своими.
24 Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari wakange ane chikwereti chematarenda gumi rezvuru.
Наченшу же ему стязатися, приведоша ему единаго должника тмою талант:
25 Asi zvaakange asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe pamwe nemukadzi wake nevana, nezvese zvaakange anazvo, kuti muripo uitwe.
не имущу же ему воздати, повеле и господь его продати, и жену его, и чада, и вся, елика имеяше, и отдати.
26 Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichakuripirai zvese.
Пад убо раб той, кланяшеся ему, глаголя: господи, потерпи на мне, и вся ти воздам.
27 Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwereti.
Милосердовав же господь раба того, прости его и долг отпусти ему.
28 Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe wevaranda vaibata pamwe naye, wakange ane ngava kwaari remadhenario zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe zvaunofanira.
Изшед же раб той, обрете единаго (от) клеврет своих, иже бе должен ему стом пенязь: и емь его давляше, глаголя: отдаждь ми, имже (ми) еси должен.
29 Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichakuripira zvese.
Пад убо клеврет его на нозе его, моляше его, глаголя: потерпи на мне, и вся воздам ти.
30 Asi iye haana kuda, asi wakaenda, akamukanda mutirongo, kusvikira aripa chikwereti.
Он же не хотяше, но вед всади его в темницу, дондеже воздаст должное.
31 Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvakange zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvese zvakaitika.
Видевше же клеврети его бывшая, сжалиша си зело и пришедше сказаша господину своему вся бывшая.
32 Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwereti icho chose, nokuti wakandigombetedza.
Тогда призвав его господин его, глагола ему: рабе лукавый, весь долг он отпустих тебе, понеже умолил мя еси:
33 Ko newe hausaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi?
не подобаше ли и тебе помиловати клеврета твоего, якоже и аз тя помиловах?
34 Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvikira aripa zvese zvakafanira kwaari.
И прогневався господь его, предаде его мучителем, дондеже воздаст весь долг свой.
35 Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiri umwe neumwe umwe wake zvitadzo zvavo nemoyo yenyu yese.
Тако и Отец Мой Небесный сотворит вам, аще не отпустите кийждо брату своему от сердец ваших прегрешения их.

< Mateo 18 >