< Mateo 13 >

1 Nezuva iro, Jesu wakabuda mumba akagara pasi parutivi rwegungwa.
On that day Jesus went out of the house and sat beside the sea.
2 Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chese chakamira pamahombekombe.
A very large crowd gathered around him, so he got into a boat and sat in it, while the whole crowd stood on the beach.
3 Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
Then Jesus said many things to them in parables. He said, “Behold, a farmer went out to sow seed.
4 Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya.
As he sowed, some seeds fell beside the road, and the birds came and devoured them.
5 Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti pakange pasina udziku hwevhu.
Other seeds fell on rocky ground, where they did not have much soil. Immediately they sprang up, because the soil had no depth.
6 Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava.
But when the sun had risen, they were scorched because they had no root, and they withered away.
7 Asi imwe yakawira paminzwa; minzwa ikakura, ikaivhunga.
Other seeds fell among the thorn plants. The thorn plants grew up and choked them.
8 Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, neimwe makumi matanhatu, neimwe makumi matatu.
Other seeds fell on good soil and produced a crop, some one hundred times as much, some sixty, and some thirty.
9 Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
He who has ears, let him listen.”
10 Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo?
The disciples came and said to Jesus, “Why do you talk to the crowd in parables?”
11 Akapindura akati kwavari: Nokuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa.
Jesus answered and said to them, “You have been given the privilege of understanding mysteries of the kingdom of heaven, but to them it is not given.
12 Nokuti ani nani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani nani asina achatorerwa kunyange nezvaanazvo.
For whoever has will be given more, and he will have an abundance. But whoever does not have, even what he has will be taken away from him.
13 Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi.
This is why I talk to them in parables: Though they are seeing, they do not see; and though they are hearing, they do not hear, or understand.
14 Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi.
To them the prophecy of Isaiah is fulfilled, that which says, 'While hearing you will hear, but you will in no way understand; while seeing you will see, but you will in no way perceive.
15 Nokuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsururu, nemeso avo vakaatsinzina; zvimwe varege kuona nemeso, uye vanzwe nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, vatendeukewo, ndigovaporesa.
For this people's heart has become dull, and they are hard of hearing, and they have closed their eyes, so they should not see with their eyes, or hear with their ears, or understand with their hearts, so they would turn again, and I would heal them.'
16 Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa.
But blessed are your eyes, for they see; and your ears, for they hear.
17 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa.
Truly I say to you that many prophets and righteous men desired to see the things that you see, and did not see them. They desired to hear the things that you hear, and did not hear them.
18 Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi.
Listen then to the parable of the farmer who sowed his seed.
19 Umwe neumwe anonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa anosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira.
When anyone hears the word of the kingdom but does not understand it, the evil one comes and snatches away what has been sown in his heart. This is the seed that was sown beside the road.
20 Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye anonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro;
What was sown on rocky ground is the person who hears the word and immediately receives it with joy,
21 asi haana mudzi maari, asi anogara kwenguva, uye kana dambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo anogumburwa.
yet he has no root in himself and he endures for a while. When tribulation or persecution arises because of the word, he quickly falls away.
22 Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki. (aiōn g165)
What was sown among the thorn plants, this is the person who hears the word, but the cares of the world and the deceitfulness of riches choke the word, and he becomes unfruitful. (aiōn g165)
23 Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu.
What was sown on the good soil, this is the person who hears the word and understands it. He bears fruit and makes a crop, some yielding one hundred times as much as was planted, some sixty, and some thirty times as much.”
24 Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
Jesus presented another parable to them. He said, “The kingdom of heaven is like a man who sowed good seed in his field.
25 Asi vanhu vakati varere, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.
But while people slept, his enemy came and also sowed weeds among the wheat and then went away.
26 Asi chipande chakati chamera nekubereka chibereko, zvino mashawi akaonekwawo.
When the blades sprouted and then produced their crop, then the weeds appeared also.
27 Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi?
The servants of the landowner came and said to him, 'Sir, did you not sow good seed in your field? How does it now have weeds?'
28 Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Saka munoda kuti tinoaunganidza here?
He said to them, 'An enemy has done this.' The servants said to him, 'So do you want us to go and pull them out?'
29 Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyo nawo.
The landowner said, 'No. Because while you are pulling out the weeds, you might uproot the wheat with them.
30 Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu.
Let both grow together until the harvest. At the time of the harvest I will say to the reapers, “First pull out the weeds and tie them in bundles to burn them, but gather the wheat into my barn.”'”
31 Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make.
Then Jesus presented another parable to them. He said, “The kingdom of heaven is like a mustard seed which a man took and sowed in his field.
32 Iyo idiki zvirokwazvo pambeu dzese, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inova muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo.
This seed is indeed the smallest of all seeds. But when it has grown, it is greater than the garden plants. It becomes a tree, so that the birds of the air come and nest in its branches.”
33 Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwese hwaviriswa.
Jesus then told them another parable. “The kingdom of heaven is like yeast that a woman took and mixed with three measures of flour until all the dough had risen.”
34 Izvi zvinhu zvese Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari;
All these things Jesus said to the crowds in parables; and he said nothing to them without a parable.
35 kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika.
This was in order that what had been said through the prophet might come true, when he said, “I will open my mouth in parables. I will say things that were hidden from the foundation of the world.”
36 Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda.
Then Jesus left the crowds and went into the house. His disciples came to him and said, “Explain to us the parable of the weeds of the field.”
37 Akapindura akati kwavari: Anokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu;
Jesus answered and said, “He who sows the good seed is the Son of Man.
38 uye munda inyika; nembeu yakanaka ndivo vana veushe; asi mashawi vana vewakaipa.
The field is the world; and the good seed, these are the sons of the kingdom. The weeds are the sons of the evil one,
39 Uye muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; uye kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa. (aiōn g165)
and the enemy who sowed them is the devil. The harvest is the end of the age, and the reapers are angels. (aiōn g165)
40 Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino. (aiōn g165)
Therefore, as the weeds are gathered up and burned with fire, so will it be at the end of the age. (aiōn g165)
41 Mwanakomana wemunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvese nevanoita zvakaipa;
The Son of Man will send out his angels, and they will gather out of his kingdom all the things that cause sin and those who commit iniquity.
42 zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
They will throw them into the furnace of fire, where there will be weeping and grinding of teeth.
43 Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
Then will the righteous people shine like the sun in the kingdom of their Father. He who has ears, let him listen.
44 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, anoiviga; zvino nemufaro wake anoenda akanotengesa zvese zvaanazvo akatenga munda uyo.
The kingdom of heaven is like a treasure hidden in a field. A man found it and hid it. In his joy he goes, sells everything he possesses, and buys that field.
45 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadzi anotsvaka maparera akanaka;
Again, the kingdom of heaven is like a man who is a merchant looking for valuable pearls.
46 akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvese zvaakange anazvo, akaritenga.
When he found one pearl of very great value, he went and sold everything that he possessed and bought it.
47 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ese ehove.
Again, the kingdom of heaven is like a net that was cast into the sea, and that gathered creatures of every kind.
48 Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze.
When it was filled, the fishermen drew it up on the beach. Then they sat down and gathered the good things into containers, but the worthless things they threw away.
49 Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama, (aiōn g165)
It will be this way at the end of the age. The angels will come and separate the wicked from among the righteous. (aiōn g165)
50 uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
They will throw them into the furnace of fire, where there will be weeping and grinding of teeth.
51 Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvese here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.
Have you understood all these things?” The disciples said to him, “Yes.”
52 Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.
Then Jesus said to them, “Therefore every scribe who has become a disciple to the kingdom of heaven is like a man who is the owner of a house, who draws out old and new things from his treasure.”
53 Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo.
Then it came about that when Jesus had finished these parables, he departed from that place.
54 Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kune uyu kuchenjera uku nemabasa esimba?
Then Jesus entered his own region and taught the people in their synagogue. The result was that they were astonished and said, “Where does this man get his wisdom and these miracles from?
55 Uyu haasi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here?
Is not this man the carpenter's son? Is not his mother called Mary? Are not his brothers James, Joseph, Simon, and Judas?
56 Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzese here? Ko zvinobvepi kune uyu zvinhu izvozvi zvese?
Are not all his sisters with us? Where did he get all these things?”
57 Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi asina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make.
They were offended by him. But Jesus said to them, “A prophet is not without honor except in his own country and in his own family.”
58 Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo.
He did not do many miracles there because of their unbelief.

< Mateo 13 >