< Mateo 12 >

1 Nenguva iyo Jesu wakagura nemumunda wezviyo nesabata; zvino vadzidzi vake vakange vane nzara, vakatanga kutanha hura ndokudya. 2 Asi VaFarisi vakati vachiona vakati kwaari: Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nesabata. 3 Asi wakati kwavari: Hamuna kuverenga here Dhavhidhi zvaakaita paakange ava nenzara, iye nevakange vanaye; 4 kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvekuratidza, zvaakange asingatenderwi kuzvidya iye kunyange nevaiva naye, kunze kwevapristi chete? 5 Kana hamuna kuverenga here pamurairo, kuti nemasabata vapristi vanosvibisa masabata mutembere asi vasina chavangapomerwa? 6 Asi ndinoti kwamuri: Pano pane mukuru kutembere. 7 Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi kwete chibairo, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva. 8 Nokuti Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata. 9 Zvino wakati abvapo akapinda musinagoge ravo. 10 Zvino tarira, kwakange kune munhu akange ane ruoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? kuti vamupe mhosva. 11 Asi wakati kwavari: Ndeupi munhu pakati penyu achava negwai rimwe, iro kana rikawira mugomba nemasabata, angarega kuribata akasimudza? 12 Naizvozvo munhu anopfuura gwai zvikuru sei! Naizvozvo zvakatenderwa kuita zvakanaka nemasabata. 13 Zvino akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akarutandavadza, rwukaporeswa rwukagwinya serumwe. 14 Zvino VaFarisi vakabuda, vakaita dare pamusoro pake kuti vangamuparadza sei. 15 Asi Jesu wakati aziva, akabvapo; zvaunga zvikuru zvikamutevera, akavaporesa vese. 16 Akavarairisa kuti varege kumubudisa pachena. 17 Kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti: 18 Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwi wangu, mweya wangu maunofara maari kwazvo. Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achazivisa vahedheni kutonga. 19 Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakuna achanzwa inzwi rake munzira dzemumaguta. 20 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangadzimi; kusvikira achituma kutonga mukukunda. 21 Uye vahedheni vachavimba muzita rake. 22 Zvino kwakauyiswa kwaari wakagarwa nedhimoni, bofu uye mbeveve; akamuporesa, zvekuti bofu mbeveve rakati kutaura rikati kuona. 23 Zvaunga zvese zvikashamisika zvikati: Ko uyu haasi Mwanakomana waDhavhidhi here? 24 Asi VaFarisi vakati vachinzwa vakati: Uyu haabudisi madhimoni, kunze naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni. 25 Zvino Jesu wakaziva ndangariro dzavo, akati kwavari: Ushe humwe nehumwe hwakapesana huchizvipikisa hunoparadzwa, neguta rimwe nerimwe kana imba yakapesana ichizvipikisa haingamiri. 26 Uye kana Satani achibudisa Satani, anopesana achizvipikisa; zvino ushe hwake huchamira sei? 27 Uye kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanoabudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu. 28 Asi kana ini ndichibudisa madhimoni neMweya waMwari, saka ushe hwaMwari hwasvika kwamuri. 29 Kana munhu angapinda sei mumba mechikakarara akapamba nhumbi dzacho kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara? Ipapo achapamba imba yake. 30 Uyo asina ini, anopikisana neni, neasingaunganidzi neni, anoparadzira. 31 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakanganwirwa chivi chese nekunyomba, asi kunyomba Mweya hakungakanganwirwi vanhu. 32 Uye ani nani anotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu achakanganwirwa; asi ani nani anotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya. (aiōn g165) 33 Kana itai muti uve wakanaka nechibereko chawo chakanaka, kana itai muti uve wakaipa nechibereko chawo chakaipa, nokuti muti unozikanwa nechibereko. 34 Vana venyoka, mungagona sei kutaura zvinhu zvakanaka makaipa? Nokuti muromo unotaura kubva pazvizere mumoyo. 35 Munhu wakanaka anobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakanaka yemoyo; nemunhu wakaipa anobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yakaipa. 36 Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo vanhu ravanoreva, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rekutongwa. 37 Nokuti nemashoko ako uchanzi wakarurama, uye nemashoko ako uchapiwa mhosva. 38 Zvino vamwe vevanyori neveVaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri. 39 Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. 40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu. 41 Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa nezera iri, vacharipa mhosva; nokuti vakatendeuka nemharidzo yaJona; zvino tarirai, mukuru kuna Jona ari pano. 42 Mambokadzi wechamhembe achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano. 43 Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unofamba uchigura nzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo, asi uchishaiwa. 44 Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; uye uchisvika unoiwana isina chinhu, yakatsvairwa yakarongedzwa. 45 Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura pachake, ndokupinda ikagaramo; kugumawo kwemunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga. Zvichava saizvozvowo kuzera iri rakaipa. 46 Wakati achataura nezvaunga, tarira, mai nevanin'ina vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye. 47 Umwe ndokuti kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi. 48 Asi wakapindura akati kuna iye wakamuudza: Mai vangu ndiani? Nevanin'ina vangu ndivana ani? 49 Zvino wakatandavadzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu nevanin'ina vangu. 50 Nokuti ani nani unoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi namai.

< Mateo 12 >