< Mako 1 >

1 Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari; 2 sezvazvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako. 3 Inzwi reanodanidzira murenje, richiti: Gadzirai mugwagwa waIshe; ruramisai nzira dzake. 4 Johwani wakati achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukanganwiro yezvivi; 5 zvino kwakabudira kwaari nyika yese yeJudhiya, naivo veJerusarema, ndokubhabhatidzwa vese naye murwizi rweJoridhani vachireurura zvivi zvavo. 6 Uye Johwani wakange akapfeka makushe ekamera, nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake, waidya mhashu neuchi hwedondo. 7 Akaparidza, achiti: Kunouya ane simba kupfuura ini shure kwangu, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure tambo yeshangu dzake. 8 Ini zvirokwazvo ndakubhabhatidzai nemvura; asi iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene. 9 Zvino zvakaitika nemazuva ayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGarirea, akabhabhatidzwa naJohwani muna Joridhani. 10 Pakarepo achibuda mumvura, wakaona matenga akazarurwa, neMweya senjiva achiburukira pamusoro pake. 11 Zvino kwakaitika inzwi richibva kumatenga richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo. 12 Zvino pakarepo Mweya wakamutinhira kurenje. 13 Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye wakange ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushandira. 14 Zvino shure kwekukumikidzwa kwaJohwani, Jesu wakasvika muGarirea, achiparidza evhangeri yeushe hwaMwari, 15 achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera; tendeukai, mutende evhangeri. 16 Wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea, akaona Simoni naAndiriya munin'ina wake vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi. 17 Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu. 18 Pakarepo vakasiya mimbure yavo, ndokumutevera. 19 Wakati apfuura zvishoma ipapo, akaona Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake, naivo vari muchikepe vachigadzira mimbure. 20 Pakarepo akavadana; ndokusiya baba vavo Zebhedhi muchikepe nevarikichi, vakamutevera. 21 Zvino vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa. 22 Vakashamisika nedzidziso yake; nokuti wakavadzidzisa seane simba, kwete sevanyori. 23 Zvino kwaiva musinagoge ravo nemunhu wakange ane mweya wetsvina, akadanidzira, 24 achiti: Regai, tinei nemwi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari. 25 Jesu ndokumutsiura achiti: Nyarara, ubude maari! 26 Zvino mweya wetsvina wakati amugwinhisa, ndokudanidzira nenzwi guru, akabuda kwaari. 27 Vakashamisika vese, kusvikira vabvunzana, vachiti: Chii ichi? Idzidziso itsva yei iyi? Nokuti nesimba anoraira kunyange mweya yetsvina, uye inomuteerera. 28 Zvino pakarepo shoko rake rikabudira panyika yese yakapoteredza Garirea. 29 Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya vana Jakobho naJohwani. 30 Asi mai vemukadzi waSimoni vakange varere vane fivhiri, pakarepo vakamuudza nezvavo; 31 akaswedera, akavabata ruoko, akavamutsa; fivhiri ikavarega pakarepo, vakavashandira. 32 Zvino ava madekwani, zuva rovira, vakauisa kwaari vese vakange vachirwara nevakange vane madhimoni. 33 Zvino guta rese rakange rakaungana pamukova. 34 Akaporesa vazhinji vakange vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, nekubudisa madhimoni mazhinji; uye haana kutendera madhimoni kutaura, nokuti aimuziva. 35 Zvino mangwanani kuchine rima guru, wakasimuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akanonyengeterapo. 36 Simoni nevakange vanaye vakamutsvakisisa. 37 Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vese vanokutsvakai. 38 Ndokubva ati kwavari: Ngatiende kumisha iri pedo, kuti ndinoparidzawo ikoko, nokuti ndizvo zvandakabudira. 39 Akabva aparidza mumasinagoge avo paGarirea rese, achibudisa madhimoni. 40 Zvino kwakauya kwaari ane maperembudzi, achimukumbirisa, ndokumufugamira achiti kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa. 41 Jesu akanzwa tsitsi, akatandavadza ruoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, natswa; 42 achangotaura, maperembudzi akabva kwaari pakarepo, akanatswa. 43 Zvino akamuraira zvikuru, akamurega achienda pakarepo, 44 akati kwaari: Ona kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubaire pamusoro pekunatswa kwako Mozisi zvaakaraira, chive chapupu kwavari. 45 Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nekuvavaza kunze shoko iro, zvekuti wakange asingachagoni kupinda muguta pachena, asi wakange ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakauya kwaari vachibva kumativi ese.

< Mako 1 >