< Ruka 8 >

1 Zvino zvakaitika shure kweizvozvo, kuti iye wakagura nemuguta nemusha umwe neumwe, achidanidzira nekuparidza mashoko akanaka eushe hwaMwari; nevanegumi nevaviri vanaye,
It happened soon afterwards, that he went about through cities and villages, proclaiming and bringing the good news of the Kingdom of God. With him were the twelve,
2 nevamwe vakadzi vakange vaporeswa pamweya yakaipa neurwere, Maria anonzi Magidharini, maari makabuda madhimoni manomwe,
and certain women who had been healed of evil spirits and infirmities: Maryam who was called Magdalitha, from whom seven demons had gone out;
3 naJohwana mukadzi waKuza mutariri waHerodhe, naSusana, nevamwe vazhinji, vaimubatsira nenhumbi dzavo.
and Yokhan, the wife of Kuza, Herod' steward; Shushan; and many others; who provided for them from their possessions.
4 Zvino chaunga chikuru chakati chaungana, uye vaibva kuguta ripi neripi vachiuya kwaari, akataura nemufananidzo akati:
When a large crowd came together, and people from every city were coming to him, he spoke by a parable.
5 Mukushi wakabuda kunokusha mbeu yake; zvino pakukusha kwake, imwe yakawira kurutivi rwenzira, ndokutsikwa netsoka, shiri dzekudenga dzikaidya dzikaipedza.
"The farmer went out to sow his seed. As he sowed, some fell along the road, and it was trampled under foot, and the birds of the sky devoured it.
6 Uye imwe ikawira paruware; zvino yakamera, ikawoma, nokuti yakashaiwa unyoro.
Other seed fell on the rock, and as soon as it grew, it withered away, because it had no moisture.
7 Neimwe ikawira pakati peminzwa, minzwa ikakura nayo, ikaivhunga.
Other fell amid the thorns, and the thorns grew with it, and choked it.
8 Uye imwe yakawira muvhu rakanaka, ikamera, ikabereka zvibereko zvinezana. Wakati ataura zvinhu izvi, akadanidzira achiti: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
Other fell into the good ground, and grew, and brought forth fruit one hundred times." As he said these things, he called out, "He who has ears to hear, let him hear."
9 Vadzidzi vake ndokumubvunza vachiti: Mufananidzo uyu ungavei?
Then his disciples asked him, "What does this parable mean?"
10 Ndokubva ati: Kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zveushe hwaMwari; asi kune vamwe zviri mumifananidzo, kuti vachiona vasaona; uye vachinzwa vasanzwisisa.
He said, "To you it is given to know the mysteries of the Kingdom of God, but to the rest in parables; that 'seeing they may not see, and hearing they may not understand.'
11 Zvino mufananidzo ndiwoyu: Mbeu ishoko raMwari.
Now the parable is this: The seed is the word of God.
12 Avo vaparutivi rwenzira ndivo vanonzwa, ipapo dhiabhorosi anouya ndokubvisa shoko pamoyo wavo, kuti varege kutenda, vaponeswe.
Those along the road are those who hear, then the devil comes, and takes away the word from their heart, that they may not believe and be saved.
13 Nevaparuware ndevaya, vanoti kana vanzwa, vanogamuchira shoko nemufaro; asi ava havana mudzi, vanotenda kwenguva, asi nenguva yemuedzo vanowa.
Those on the rock are they who, when they hear, receive the word with joy; but these have no root, who believe for a while, then fall away in time of temptation.
14 Neyakawira paminzwa, ndevaya kana vanzwa, zvino vanoenda ndokuvhungwa nekufunganya nefuma nemafaro eupenyu, vakasasvitsa zvibereko.
That which fell among the thorns, these are those who have heard, and as they go on their way they are choked with cares, riches, and pleasures of life, and bring no fruit to maturity.
15 Asi iri muvhu rakanaka, ndevaya vanoti vanzwa shoko, vanorichengeta mumoyo wakarurama nowakanaka, vachibereka zvibereko nekutsungirira.
That in the good ground, these are such as in an honest and good heart, having heard the word, hold it tightly, and bring forth fruit with patience.
16 Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje, anoufukidzira nemudziyo, kana kuisa pasi pemubhedha; asi anouisa pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.
"No one, when he has lit a lamp, covers it with a container, or puts it under a bed; but puts it on a stand, that those who enter in may see the light.
17 Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazovi pachena, kana chakavigwa, chisingazozikanwi nekubuda pachena.
For nothing is hidden, that will not be revealed; nor anything secret, that will not be known and come to light.
18 Naizvozvo chenjerai, kuti munonzwa sei; nokuti ani nani anazvo, achapiwa; asi ani nani asina, achatorerwa kunyange icho chaanofunga kuti anacho.
So consider carefully how you listen. For whoever has, to him will be given; and whoever does not have, from him will be taken away even that which he thinks he has."
19 Zvino kwakauya kwaari mai nevanin'ina vake, vakasagona kusvika kwaari nekuda kwechaunga.
His mother and brothers came to him, and they could not come near him for the crowd.
20 Akaudzwa nevamwe vakati: Mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vanoda kukuonai.
It was told him by some saying, "Your mother and your brothers stand outside, desiring to see you."
21 Asi wakapindura akati kwavari: Mai vangu nevanin'ina vangu ndeava vanonzwa shoko raMwari vachiriita.
But he answered them, "My mother and my brothers are these who hear the word of God, and do it."
22 Zvino zvakaitika nerimwe remazuva kuti wakapinda muchikepe iye nevadzidzi vake, akati kwavari: Ngatiyambukire kune rumwe rutivi rwegungwa; vakasimuka nechikepe.
Now it happened on one of those days, that he entered into a boat, himself and his disciples, and he said to them, "Let us go over to the other side of the lake." So they launched out.
23 Zvino vakati vachienda nechikepe, akarara hope; kukauya dutu guru remhepo padziva; vakazarirwa nemvura, vakava munjodzi.
But as they sailed, he fell asleep. A wind storm came down on the lake, and they were taking on dangerous amounts of water.
24 Vakaswedera vakamumutsa, vachiti: Tenzi, tenzi, toparara! Ipapo akamuka, akatsiura mhepo nemafungu emvura; zvikaguma, kukava nekudzikama.
So they came to him, and awoke him, saying, "Master, master, we are dying." And he awoke, and rebuked the wind and the raging of the water, and they ceased, and it was calm.
25 Ndokubva ati kwavari: Rutendo rwenyu rwuripi? Asi vachitya vakashamisika, vakataurirana vachiti: Ko ndeupi uyu, kuti anoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?
He said to them, "Where is your faith?" But they were terrified and astonished, saying to one another, "Who is this, then, that he commands even the winds and the water, and they obey him?"
26 Zvino vakaenda nechikepe kunyika yeVaGadharini, yakatarisana neGarirea.
They arrived at the country of the Gerasenes, which is opposite Galila.
27 Wakati achibudira panyika, akamuchingamidza umwe murume achibva muguta, wakange ane madhimoni kwenguva refu, uye asingapfeki nguvo, asingagari mumba, asi kumarinda.
And when he came out onto the land he was met by a certain man from the town who had demons. For a long time he had worn no clothes, and did not live in a house, but in the tombs.
28 Wakati achiona Jesu, akadanidzira ndokuwira pasi pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, musanditambudza.
When he saw Yeshua, he shouted, and fell down before him, and with a loud voice said, "What do I have to do with you, Yeshua, you Son of the Most High God? I beg you, do not torment me."
29 Nokuti wakange araira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu; nokuti wakange wamubata nguva zhinji uye waichengetwa akasungwa nemaketani nemabote; asi akadambura zvisungo, achitinhirwa kumarenje nedhimoni.
For Yeshua was commanding the unclean spirit to come out of the man. For the unclean spirit had often seized the man. He was kept under guard, and bound with chains and fetters. Breaking the bands apart, he was driven by the demon into the desert.
30 Jesu ndokumubvunza achiti: Zita rako ndiani? Akati: Regiyoni; nokuti madhimoni mazhinji akange apinda maari.
Yeshua asked him, "What is your name?" He said, "Legion," for many demons had entered into him.
31 Akamukumbirisa kuti arege kumaraira kuti aende kugomba risina chigadziko. (Abyssos g12)
They pleaded with him that he would not command them to go into the abyss. (Abyssos g12)
32 Zvino kwakange kuripo ipapo boka renguruve zhinji dzaifura mugomo; akamukumbirisa kuti amatendere kupinda madziri. Akamatendera.
Now there was there a herd of many pigs feeding on the mountain, and they begged him that he would allow them to enter into those. He allowed them.
33 Zvino madhimoni akabuda kumunhu, akapinda munguruve; boka ndokupitirikira kumawere richienda kudziva, rikabitirirwa.
The demons came out from the man, and entered into the pigs, and the herd rushed down the steep bank into the lake, and were drowned.
34 Zvino vaidzifudza vachiona zvaitika, vakatiza, vakaenda kunotaura muguta nemumaruwa.
When those who fed them saw what had happened, they fled, and told it in the city and in the country.
35 Zvino vakabuda kunoona zvaitika; vakasvika kuna Jesu, vakawana munhu, wakange abuda madhimoni maari agere patsoka dzaJesu, akapfeka uye akakwana mupfungwa; vakatya.
Then people went out to see what had happened. They came to Yeshua, and found the man from whom the demons had gone out, sitting at Yeshua's feet, clothed and in his right mind; and they were afraid.
36 Vakange vazvionawo vakavaudza kuti akaponeswa sei aiva nemadhimoni.
Those who saw it told them how he who had been possessed by demons was healed.
37 Zvino chaunga chese chedunhu rakapoteredza VaGadharini chakakumbirisa kwaari kuti abve kwavari, nokuti vabatwa nekutya kukuru; akapinda muchikepe, akadzokera.
All the people of the surrounding region of the Geresenes asked him to leave them, for they were very much afraid; and he entered into the boat and returned.
38 Asi murume wakange abuda madhimoni maari, wakakumbirisa kwaari kuti ave naye. Asi Jesu wakamurega achienda, achiti:
But the man from whom the demons had gone out begged him that he might go with him, but Yeshua sent him away, saying,
39 Dzokera kumba kwako, unotaura kuti zvikuru sei Mwari zvaaita kwauri. Akaenda, akaparidza muguta rese kuti zvikuru sei Jesu zvaakamuitira.
"Return to your house, and declare what great things God has done for you." He went his way, proclaiming throughout the whole city what great things Yeshua had done for him.
40 Zvino zvakaitika kuti pakudzoka kwaJesu, chaunga chakamugamuchira; nokuti vese vakange vakamurindira.
When Yeshua returned, the crowd welcomed him, for they were all waiting for him.
41 Zvino tarira, kwakasvika murume, zita rake rainzi Jairosi, iye wakange ari mukuru wesinagoge, ndokuwira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti apinde mumba make;
And look, there came a man named Yuarash, and he was a ruler of the synagogue. He fell down at Yeshua's feet, and pleaded with him to come into his house,
42 nokuti wakange ane mukunda wakaberekwa umwe wega wemakore anenge gumi nemaviri, uye iye wakange achitandadza. Zvino wakati achaenda, zvaunga zvikamumbandidzira.
for he had an only daughter, about twelve years of age, and she was dying. But as he went, the crowds pressed against him.
43 Uye mukadzi, waiva nekubuda ropa kwemakore gumi nemaviri, wakange apedzera zvese zveupenyu hwake kuvarapi, asingagoni kurapwa kwete neumwe.
A woman who had a flow of blood for twelve years (who had spent all her living on physicians) and could not be healed by any,
44 Akauya mushure make, akabata mupendero wenguvo yake; pakarepo kubuda kweropa kwake kukaguma.
came behind him, and touched the fringe of his garment, and immediately the flow of her blood stopped.
45 Jesu ndokuti: Ndiani wandibata? Zvino vese vakati vachiramba, Petro nevaiva naye vakati: Tenzi, zvaunga zvinokumbandidzirai nekukutsikirirai zvino moti: Ndiani wandibata?
Yeshua said, "Who touched me?" When all denied it, Kipha and those with him said, "Master, the crowds press and jostle you."
46 Asi Jesu wakati: Aripo wandibata; nokuti ini ndaziva kuti simba rabuda kwandiri.
But Yeshua said, "Someone did touch me, for I perceived that power has gone out of me."
47 Zvino mukadzi wakati achiona kuti haana kuvanzika, akauya achibvunda, akawira pasi pamberi pake, akarondedzera kwaari pamberi pevanhu vese kuti wakamubata nechikonzero chipi, uye kuti wakaporeswa pakarepo sei.
When the woman saw that she was not hidden, she came trembling, and falling down before him declared to him in the presence of all the people the reason why she had touched him, and how she was healed immediately.
48 Zvino akati kwaari: Mukunda, tsunga moyo, rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.
He said to her, "Daughter, your faith has made you well. Go in peace."
49 Wakati achataura, kwakauya umwe achibva kumba kwemukuru wesinagoge, achiti kwaari: Mukunda wenyu wafa; musatambudza Mudzidzisi.
While he still spoke, one from the ruler of the synagogue's house came, saying to him, "Your daughter is dead. Do not trouble the Teacher."
50 Asi Jesu wakati achinzwa, akamupindura, achiti: Usatya, tenda chete, uye achaponeswa.
But Yeshua hearing it, answered him, "Do not be afraid. Only believe, and she will be healed."
51 Zvino wakati apinda mumba, haana kutendera munhu kupinda, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani, nababa vemusikana, namai.
When he came to the house, he did not allow anyone to enter in with him, except Kipha, Yukhanan, Yaquv, the father of the child, and her mother.
52 Uye vese vakachema, vachimuririra. Asi wakati: Musachema, haana kufa, asi arere.
All were weeping and mourning her, but he said, "Do not weep. She is not dead, but sleeping."
53 Vakamuseka nekumhura, vachiziva kuti wafa.
They were ridiculing him, knowing that she was dead.
54 Asi wakavabudisira vese panze, akamubata ruoko, akadanidzira, achiti: Musikana, muka!
But he, taking her by the hand, called, saying, "Child, arise."
55 Mweya wake ukadzoka, akamuka pakarepo; akaraira kuti apiwe kudya.
Her spirit returned, and she rose up immediately. He commanded that something be given to her to eat.
56 Zvino vabereki vake vakavhiringidzika; asi wakavaraira kuti varege kuudza munhu zvakaitika.
Her parents were amazed, but he commanded them to tell no one what had been done.

< Ruka 8 >