< Ruka 7 >

1 Zvino wakati apedza mashoko ake ese munzeve dzevanhu, akapinda muKapenaume.
When he had ended all his discourse in the hearing of the people, he entered Capernaum.
2 Zvino muranda weumwe mukuru wezana, waiva akakosha kwaari, wakange achirwara, achitandadza.
And a certain centurion's servant, who was dear to him, was sick, and about to die.
3 Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma kwaari vakuru veVaJudha, achikumbira kuti auye aporese muranda wake.
And having heard about Jesus, he sent to him elders of the Jews, and besought him to come and save his servant.
4 Zvino ivo vakati vachisvika kuna Jesu, vakamukumbirisa zvikuru, vachiti: Wakafanira kuti mumuitire izvozvi;
And they came to Jesus, and besought him earnestly, saying, He is worthy that thou shouldst do this for him;
5 nokuti anoda rudzi rwedu, uye ndiye wakativakira sinagoge.
for he loveth our nation, and himself built the synagogue for us.
6 Zvino Jesu akaenda navo. Zvino apo akange asisiri kure neimba, mukuru wezana akatuma shamwari kwaari, achiti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga reimba yangu;
And Jesus went with them. And when he was now not far from the house, the centurion sent friends, saying, Lord, trouble not thyself; for I am not worthy that thou shouldst come under my roof;
7 naizvozvo handina kutongofunga ini pachangu ndakafanira kuuya kwamuri; asi taurai neshoko, muranda wangu achaporeswa.
on which account I did not think myself worthy to come to thee; but command with a word, and let my servant be healed.
8 Nokuti iniwo ndiri munhu wakaiswa pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; ndinoti kune uyu: Enda, anoenda; uye kune umwe: Uya, anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi, achiita.
For even I am a man set under authority, having soldiers under me; and I say to this one, Go, and he goeth; and to another, Come, and he cometh; and to my servant, Do this, and he doeth it.
9 Jesu wakati anzwa zvinhu izvi, akashamisika naye, akatendeuka, akati kuchaunga chaimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.
And Jesus hearing this, wondered at him; and turning round said to the multitude that followed him, I say to you, Not even in Israel have I found such faith.
10 Zvino avo vakange vatumwa vodzokera kumba vakawana muranda airwara ava mutano.
And they who were sent, returning to the house, found the servant well.
11 Zvino zvakaitika zuva raitevera, kuti wakaenda kuguta rainzi Naini; zvino vazhinji vevadzidzi vake nechaunga chikuru vakaenda naye.
And it came to pass the day after, that he was going to a city called Nain; and many of his disciples were with him, and a great multitude.
12 Zvino, wakati achiswedera pasuwo reguta, zvino tarira, mushakabvu achibudiswa kunze, mwanakomana umwe wega wamai vake, uye ivo vaiva chirikadzi; nechaunga chikuru cheguta chakange chinaye.
And as he came near the gate of the city, lo! there was carried out dead an only son of his mother, and she was a widow; and a great multitude from the city was with her.
13 Zvino Ishe wakati amuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.
And when the Lord saw her, he was moved with compassion for her, and said to her, Weep not.
14 Zvino akaswedera akabata hwanyanza; zvino vatakuri vakamira; akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka!
And he came up, and touched the bier; and they who bore it stood still; and he said, Young man, I say to thee, Rise.
15 Mushakabvu akamuka ndokugara, akatanga kutaura; akamupa kuna mai vake.
And he that was dead sat up and began to speak; and he gave him to his mother.
16 Kutya ndokubata vese; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wamuka pakati pedu; nekuti: Mwari washanyira vanhu vake.
And fear seized on all, and they gave glory to God, saying, A great prophet hath risen up among us; and, God hath visited his people.
17 Zvino iri shoko maererano naye rikabudira muJudhiya rese nenharaunda yese yakapoteredza.
And this report about him went forth in all Judaea, and in all the neighboring country.
18 Vadzidzi vaJohwani ndokumupira zvezvinhu izvozvi zvese.
And the disciples of John told him all these things.
19 Johwani akadanira kwaari vamwe vaviri vevadzidzi vake, akavatuma kuna Jesu achiti: Imwi ndimwi anouya here, kana tichakataririra umwe?
And calling to him two of his disciples, John sent them to the Lord, saying, Art thou he that is to come, or are we to look for another?
20 Zvino varume vakati vasvika kwaari, vakati: Johwani Mubhabhatidzi watituma kwamuri achiti: Imwi ndimwi anouya here, kana titaririre umwe?
And the men came to him and said, John the Baptist hath sent us to thee, saying, Art thou he that is to come, or are we to look for another?
21 Zvino munguva iyoyo akaporesa vazhinji pazvifo neurwere, nepamweya yakaipa; nekumapofu mazhinji akapa kuona.
In that hour he cured many of diseases, and plagues, and evil spirits, and to many who were blind he gave sight.
22 Zvino Jesu achipindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvamakaona nezvamakanzwa; zvekuti, mapofu anoonazve, vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatsva, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa, varombo vanoparidzirwa evhangeri.
And he answered and said to them, Go and tell John what ye have seen and heard; that the blind receive sight, the lame walk, lepers are cleansed, the deaf hear, the dead are raised, to the poor good tidings are brought;
23 Uye wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni.
and blessed is he, whoever shall find no occasion of stumbling in me.
24 Zvino vatumwa vaJohwani vakati vabva, wakatanga kutaura kuzvaunga pamusoro paJohwani, achiti: Makabudira kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozununguswa nemhepo here?
And when the messengers of John had departed, he began to say to the multitudes concerning John, What have ye gone out into the wilderness to see? the reeds shaken by the wind?
25 Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vari munguvo dzinobwinya, vachirarama zvakanaka, vari mudzimba dzemadzimambo.
But what have ye gone out to see? a man clothed in soft raiment? Lo! they who wear gorgeous apparel, and live luxuriously, are in kings' palaces.
26 Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura zvikuru muporofita.
But what have ye gone out to see? A prophet? Yea, I say to you, and more than a prophet.
27 Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
This is he of whom it is written, “Lo! I send my messenger before thy face, who shall prepare thy way before thee.”
28 Nokuti ndinoti kwamuri: Pakati pevakaberekwa nevakadzi, hakuna muporofita mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi; asi mudikisa muushe hwaMwari mukuru kwaari.
I say to you, Among those born of women there is no greater prophet than John; but he that is least in the kingdom of God is greater than he.
29 Zvino vanhu vese nevateresi vakati vachizvinzwa vakati Mwari wakarurama, zvavakange vabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwaJohwani.
And all the people when they heard him, and the publicans, acknowledged God as righteous by being baptized with the baptism of John.
30 Asi VaFarisi nenyanzvi dzemutemo vakaramba zano raMwari vachizvipikisa, vakasabhabhatidzwa naye.
But the Pharisees and the lawyers rejected the purpose of God toward themselves, not being baptized by him.
31 Asi Ishe akati: Zvino vanhu vezera iri ndichavafananidza nei? Vakafanana nei?
To what then shall I compare the men of this generation, and what are they like?
32 Vakafanana nevana vadiki vagere pamisika vachidanidzirana vachiti: Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba, takakuririrai asi hamuna kuchema.
They are like children sitting in the market-place, and calling one to another, saying, We piped to you, and ye did not dance; we sung a dirge, and ye did not weep.
33 Nokuti Johwani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini, zvino moti: Ane dhimoni;
For John the Baptist hath come not eating bread, nor drinking wine; and ye say, He hath a demon.
34 Mwanakomana wemunhu wauya achidya, achinwa, zvino moti: Tarirai munhu wemakaro nemunwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi.
The Son of man hath come eating and drinking; and ye say, Behold, a glutton and a wine-bibber, a friend of publicans and sinners!
35 Asi uchenjeri hunonzi hwakarurama nevana vahwo vese.
But wisdom is acknowledged by all her children.
36 Zvino umwe weVaFarisi wakamukumbira kuti adye naye; akapinda mumba memuFarisi, akagara pakudya.
And one of the Pharisees asked him to eat with him; and he went into the Pharisee's house, and reclined at the table.
37 Zvino tarira, mukadzi muguta iro, waiva mutadzi, wakati aziva kuti agere pakudya mumba memuFarisi, akauya nechinu chearibhasiteri chechizoro.
And lo! a woman who was in the city, a sinner, learning that he was at table in the Pharisee's house, brought an alabaster-bottle of ointment,
38 Akamira patsoka dzake mushure make achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akapukuta nevhudzi remusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro.
and standing behind at his feet, weeping, began to wet his feet with tears, and wiped them with the hair of her head, and kissed his feet, and anointed them with the ointment.
39 Zvino muFarisi wakange amudana wakati achizviona, akataura mukati make, achiti: Uyu dai aiva muporofita, angadai aiziva kuti ndiani, uye ndewakadini mukadzi anomubata, nokuti mutadzi.
And the Pharisee who had invited him, when he saw this, said within himself, This man, if he were a prophet, would know who, and what sort of woman, this is that toucheth him; for she is a sinner.
40 Jesu ndokupindura akati kwaari: Simoni, ndine chekutaura kwauri. Iye ndokuti: Mudzidzisi, revai.
And Jesus answering said to him, Simon, I have somewhat to say to thee. And he saith, Teacher, say on.
41 Kwakange kune vakwereti vaviri kune umwe mukweretesi; umwe wakange ane chikwereti chamadhenario mazana mashanu, uye umwe makumi mashanu.
A certain money-lender had two debtors; one owed five hundred denaries, and the other fifty.
42 Vakati vasina chekuripisa, akavakanganwira vari vaviri. Naizvozvo ndeupi wavo, taura, achamuda kupfuura umwe?
When they had nothing to pay, he freely remitted the debt of both. Which of them, now, will love him the most?
43 Simoni akapindura akati: Ndinofunga ndouyo waakakanganwira kupfuura umwe. Akati kwaari: Watonga zvakarurama.
Simon answering said, He, I suppose, to whom he remitted the most. And he said to him, Thou hast judged rightly.
44 Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni: Unoona mukadzi uyu here? Ndapinda mumba mako, mvura yetsoka dzangu hauna kundipa; asi uyu wanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi, akapusika nevhudzi remusoro wake.
And turning to the woman, he said to Simon, Seest thou this woman? I entered thy house, no water didst thou give me for my feet; but she wet my feet with tears, and wiped them with her hair.
45 Hauna kunditsvoda, asi iye chinguri chandapinda, haana kumira kutsvoda tsoka dzangu.
No kiss didst thou give me; but she, from the time I came in, did not cease to kiss my feet.
46 Nemafuta musoro wangu hauna kuuzodza; asi iye wazodza tsoka dzangu nechizoro.
My head with oil thou didst not anoint; but she anointed my feet with costly ointment.
47 Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake zvizhinji zvakanganwirwa, nokuti wada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.
Wherefore, I say to thee, her many sins have been forgiven; for she loved much; but he to whom little is forgiven loveth little.
48 Zvino akati kwaari: Zvivi zvako zvakanganwirwa.
And he said to her, Thy sins have been forgiven.
49 Zvino avo vakange vagere pakudya naye vakatanga kureva mukati mavo, vachiti: Ndiani uyu anokanganwirawo zvivi?
And those who were at table with him began to say within themselves, Who is this that even forgiveth sins?
50 Akati kumukadzi: Rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.
But he said to the woman, Thy faith hath saved thee; go in peace.

< Ruka 7 >