< Ruka 6 >

1 Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, achigura nemuminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura, vakadya, vachidzipukuta nemaoko. 2 Asi vamwe veVaFarisi vakati kwavari: Munoitirei zvisiri pamutemo kuita nemasabata? 3 Zvino Jesu achivapindura, wakati: Hamuna kuverenga izvo kunyange Dhavhidhi zvaakaita, paakange ava nenzara iye nevakange vanaye, 4 kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora akadya zvingwa zvekuratidza, akapa nevakange vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi nevapristi vega? 5 Ndokuti kwavari: Mwanakomana wemunhu ndiIshe wesabatawo. 6 Zvino zvakaitikawo nerimwe sabata kuti wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakange kune munhu ipapo uye ruoko rwake rwerudyi rwakange rwakawonyana. 7 Vanyori neVaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angaporesa nesabata, kuti vawane mhosva yavangamupomera. 8 Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakange ane ruoko rwakawonyana: Simuka, uende unomira pakati. Akasimuka akamira. 9 Zvino Jesu akati kwavari: Ndichakubvunzai chimwe chinhu: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu kana kuparadza? 10 Zvino akaringa-ringa kwavari vese, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akaita saizvozvo. Ruoko rwake rwukaporeswa ndokugwinya serumwe. 11 Ivo vakazara neupengo; vakataurirana umwe neumwe, kuti vangamuitei Jesu. 12 Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti wakabuda akaenda kugomo kunonyengetera; agara usiku hwese mukunyengetera kuna Mwari. 13 Zvino kwakati kwaedza, akadanira vadzidzi vake kwaari; akasanangura kwavari gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti vaapositori; 14 Simoni, waakatumidzawo Petro, naAndiriya munin'ina wake, Jakobho naJohwani, Firipi naBhatoromiyo, 15 Matewu naTomasi, Jakobho waArifiyosi, naSimoni wainzi Ziroti; 16 Judhasi waJakobho, naJudhasi Isikariyoti, wakavawo mutengesi. 17 Akaburuka navo, akamira panzvimbo pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chevanhu vaibva Judhiya rese neJerusarema, nepagungwa reTire neSidhoni, vakauya kuzomunzwa, nekuporeswa pazvifo zvavo; 18 nevakange vachitambudziwa nemweya yetsvina, vakaporeswa. 19 Chaunga chese chikatsvaka kumubata; nokuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vese. 20 Ndokusimudzira meso ake kuvadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa varombo, nokuti ushe hwaMwari ndohwenyu. 21 Makaropafadzwa imwi mune nzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imwi munochema ikozvino, nokuti muchaseka. 22 Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, uye kana vachikusarurai, vachikunyombai, vachirasa zita renyu serakashata, nekuda kweMwanakomana wemunhu. 23 Farai nezuva iro, muuruke nemufaro; nokuti tarirai, mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti zvakaita madzibaba avo saizvozvo kuvaporofita. 24 Asi mune nhamo imwi vakafuma! Nokuti magamuchira nyaradzo yenyu. 25 Mune nhamo imwi munoguta! Nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imwi munoseka zvino! Nokuti muchachema nekuwungudza. 26 Mune nhamo kana vanhu vese vachitaura zvakanaka pamusoro penyu! Nokuti madzibaba avo akaita saizvozvo kuvaporofita venhema. 27 Asi ndinoti kwamuri munonzwa: Idai mhandu dzenyu, itai zvakanaka kune vanokuvengai, 28 ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa. 29 Kune anokurova padama, umupe rimwewo; anokutorera nguvo, usarambidza neshati. 30 Asi upe umwe neumwe anokumbira kwauri; neanokutorera zvako, usazvirevazve. 31 Uye sezvamunoda kuti vanhu vaite kwamuri, imwi muvaitirewo saizvozvo. 32 Uye kana muchida avo vanokudai, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadziwo vanoda vanovada. 33 Uye kana muchiitira zvakanaka kune avo vanokuitirai zvakanaka, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadzi vanoitawo izvozvo. 34 Uye kana muchikweretesa vamunotarisira kugamuchira kwavari, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadzi vanokweretesawo vatadzi, kuti vagamuchirezve zvakaenzana nazvo. 35 Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mukweretese musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana veWekumusoro-soro; nokuti iye ane moyo munyoro kune vasingavongi nevakaipa. 36 Naizvozvo ivai netsitsi, sababa venyuwo vane tsitsi. 37 Musatonga, uye hamungazotongwi; musapa mhosva, uye hamungazopiwi mhosva; regererai, mugoregererwawo. 38 Ipai, nemwi muchapiwa; chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, nekuzunguzirwa, chinopfachukira vachakupai pachifuva chenyu. Nokuti nechiyero ichocho chamunoyera nacho muchayerwa nacho zvekare. 39 Akataura mufananidzo kwavari akati: Ko bofu ringatungamirira bofu here? Ko haangawiri mugomba ari maviri here? 40 Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi wake; asi umwe neumwe kana apedzeredzwa achava semudzidzisi wake. 41 Uye unotarirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi danda riri muziso rako pachako haurinanzereri? 42 Kana unogona kureva sei kune umwe wako, uchiti: Umwe wangu, rega ndibudise rubanzu rwuri muziso rako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso rako? Iwe munyepedzeri, budisa pakutanga danda kubva muziso rako, zvino ipapo uchaona zvakanaka kubudisa rubanzu rwuri muziso reumwe wako. 43 Nokuti hausi muti wakanaka unobereka chibereko chakaipa; kana muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka. 44 Nokuti muti umwe neumwe unozikanwa nechibereko chawo pachawo. Nokuti paminzwa, havatanhi maonde, kana parukato kutanha mazambiringa. 45 Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yemoyo wake anobudisa zvakanaka, nemunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yemoyo wake anobudisa zvakaipa; nokuti kubva pazvizere mumoyo muromo wake anotaura. 46 Zvino munondiidzirei Ishe, Ishe, musingaiti zvinhu zvandinoreva? 47 Ani nani anouya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ndichakuratidzai kuti wakafanana nani; 48 wakafanana nemunhu wakavaka imba, akachera akadzikisa, akateya nheyo paruware; zvino mafashame akati auya, rukova rukarova zvine simba paimba iyo, rukasagona kuizunungusa; nokuti yakange yakateyiwa paruware. 49 Asi anonzwa asingaiti, wakafanana nemunhu wakavaka imba pavhu isina nheyo; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa, kuwa kweimba iyo kukava kukuru.

< Ruka 6 >