< Ruka 6 >

1 Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, achigura nemuminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura, vakadya, vachidzipukuta nemaoko.
And it came to pass, on a Sabbath, that he was passing along through cornfields, and his disciples were plucking and eating the ears of corn, rubbing them with their hands.
2 Asi vamwe veVaFarisi vakati kwavari: Munoitirei zvisiri pamutemo kuita nemasabata?
But, certain of the Pharisees, said—Why are ye doing what is not allowed on the Sabbath?
3 Zvino Jesu achivapindura, wakati: Hamuna kuverenga izvo kunyange Dhavhidhi zvaakaita, paakange ava nenzara iye nevakange vanaye,
And, making answer unto them, Jesus said—Have ye never read, even this, what David did when he hungered, he, and they who were with him—
4 kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora akadya zvingwa zvekuratidza, akapa nevakange vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi nevapristi vega?
How he entered into the house of God, and, the presence-bread, receiving, did eat, and gave to them who were with him, which it is not allowable to eat, save alone, to the priests?
5 Ndokuti kwavari: Mwanakomana wemunhu ndiIshe wesabatawo.
And he was saying to them—The Son of Man is, Lord of the Sabbath.
6 Zvino zvakaitikawo nerimwe sabata kuti wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakange kune munhu ipapo uye ruoko rwake rwerudyi rwakange rwakawonyana.
And it came to pass, on another Sabbath, that he entered into the synagogue, and was teaching, and there was a man there, and, his right hand, was withered.
7 Vanyori neVaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angaporesa nesabata, kuti vawane mhosva yavangamupomera.
Now the Scribes and the Pharisees were narrowly watching him, whether, on the Sabbath, he healeth, —that they might find whereof to accuse him.
8 Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakange ane ruoko rwakawonyana: Simuka, uende unomira pakati. Akasimuka akamira.
But, he, knew their reasonings, and said to the man who had the, withered, hand—Arise, and stand forward in the midst! And, arising, he stood forward.
9 Zvino Jesu akati kwavari: Ndichakubvunzai chimwe chinhu: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu kana kuparadza?
And Jesus said unto them—I ask you, whether it is allowed, on the Sabbath, to do good or to do harm, —life, to save, or, to destroy.
10 Zvino akaringa-ringa kwavari vese, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akaita saizvozvo. Ruoko rwake rwukaporeswa ndokugwinya serumwe.
And, looking round upon them all, he said unto him—Stretch forth thy hand! and, he, did so, and his hand was restored.
11 Ivo vakazara neupengo; vakataurirana umwe neumwe, kuti vangamuitei Jesu.
But, they, were filled with folly, and began conversing one with another, as to, what they might do with Jesus.
12 Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti wakabuda akaenda kugomo kunonyengetera; agara usiku hwese mukunyengetera kuna Mwari.
And it came to pass, in these days, that he went forth into the mountain to pray, and was spending the night in the prayer-house of God.
13 Zvino kwakati kwaedza, akadanira vadzidzi vake kwaari; akasanangura kwavari gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti vaapositori;
And, when it became day, he called his disciples, and chose from them, twelve, whom also he named, Apostles, —
14 Simoni, waakatumidzawo Petro, naAndiriya munin'ina wake, Jakobho naJohwani, Firipi naBhatoromiyo,
Simon, whom also he named Peter, and Andrew his brother; and James and John; and Philip and Bartholomew;
15 Matewu naTomasi, Jakobho waArifiyosi, naSimoni wainzi Ziroti;
and Matthew and Thomas; and James, son of Alphaeus, and Simon, who was called Zealot; and Judas, [son] of James,
16 Judhasi waJakobho, naJudhasi Isikariyoti, wakavawo mutengesi.
and Judas Iscariot, who became betrayer; —
17 Akaburuka navo, akamira panzvimbo pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chevanhu vaibva Judhiya rese neJerusarema, nepagungwa reTire neSidhoni, vakauya kuzomunzwa, nekuporeswa pazvifo zvavo;
and, coming down with them, he stood upon a level place, also a great multitude of his disciples, —and a great throng of the people, from all Judaea and Jerusalem and the sea-coast of Tyre and Zidon, who had come to hearken unto him and to be healed from their diseases;
18 nevakange vachitambudziwa nemweya yetsvina, vakaporeswa.
and, they who were molested by impure spirits, were being cured;
19 Chaunga chese chikatsvaka kumubata; nokuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vese.
and, all the multitude, were seeking to touch him, because, power, from him, was coming forth, and healing all.
20 Ndokusimudzira meso ake kuvadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa varombo, nokuti ushe hwaMwari ndohwenyu.
And, he, lifting up his eyes towards his disciples, was saying: —Happy, ye destitute, for, yours, is the kingdom of God.
21 Makaropafadzwa imwi mune nzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imwi munochema ikozvino, nokuti muchaseka.
Happy, ye that hunger now, for ye shall be filled. Happy, ye that weep now, for ye shall laugh.
22 Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, uye kana vachikusarurai, vachikunyombai, vachirasa zita renyu serakashata, nekuda kweMwanakomana wemunhu.
Happy, are ye, whensoever men shall hate you, and whensoever they shall separate you, and reproach you, and cast out your name as evil, for the sake of the Son of Man:
23 Farai nezuva iro, muuruke nemufaro; nokuti tarirai, mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti zvakaita madzibaba avo saizvozvo kuvaporofita.
be rejoiced in that day, and leap, for lo! your reward, is great in heaven; for, according to the same things, were their fathers doing unto the prophets.
24 Asi mune nhamo imwi vakafuma! Nokuti magamuchira nyaradzo yenyu.
But alas! for you, ye wealthy, for ye are duly receiving you consolation.
25 Mune nhamo imwi munoguta! Nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imwi munoseka zvino! Nokuti muchachema nekuwungudza.
Alas! for you, ye who are filled full now, for ye shall hunger. Alas! ye that laugh now, for ye shall mourn and weep.
26 Mune nhamo kana vanhu vese vachitaura zvakanaka pamusoro penyu! Nokuti madzibaba avo akaita saizvozvo kuvaporofita venhema.
Alas! whensoever all men shall, speak well of you, for, according to the same things, were their fathers doing unto the false prophets.
27 Asi ndinoti kwamuri munonzwa: Idai mhandu dzenyu, itai zvakanaka kune vanokuvengai,
But, unto you, I say, who are hearkening: Be loving your enemies; be doing, good, unto them that hate you;
28 ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa.
Be blessing them that curse you; be praying for them that wantonly insult you.
29 Kune anokurova padama, umupe rimwewo; anokutorera nguvo, usarambidza neshati.
To him who is smiting thee upon the one cheek, be offering, the other also; and, from him who is taking away thy mantle, thy tunic also, do not forbid:
30 Asi upe umwe neumwe anokumbira kwauri; neanokutorera zvako, usazvirevazve.
To every one asking thee, give, and, from him that taketh away thy possessions, ask them not back.
31 Uye sezvamunoda kuti vanhu vaite kwamuri, imwi muvaitirewo saizvozvo.
And, according as ye desire that men be doing unto you, be ye doing unto them, in like manner.
32 Uye kana muchida avo vanokudai, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadziwo vanoda vanovada.
And, if ye love them that love you, what sort of thanks are there for you? for, even sinners, love, such as love them.
33 Uye kana muchiitira zvakanaka kune avo vanokuitirai zvakanaka, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadzi vanoitawo izvozvo.
[For], if ye even do good unto them that do good unto you, what sort of thanks are there for you? Even sinners, the same, are doing.
34 Uye kana muchikweretesa vamunotarisira kugamuchira kwavari, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadzi vanokweretesawo vatadzi, kuti vagamuchirezve zvakaenzana nazvo.
And, if ye lend to them from whom ye are hoping to receive, what sort of thanks are there for you? Even sinners, unto sinners, do lend, that they may receive back, as much.
35 Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mukweretese musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana veWekumusoro-soro; nokuti iye ane moyo munyoro kune vasingavongi nevakaipa.
But love your enemies, and do good and lend, hoping for, nothing, back; and your reward shall be, great, and ye shall be sons of the Most High, —for, he, is, gracious, unto the ungrateful and wicked.
36 Naizvozvo ivai netsitsi, sababa venyuwo vane tsitsi.
Become ye compassionate, according as, your Father, is, compassionate;
37 Musatonga, uye hamungazotongwi; musapa mhosva, uye hamungazopiwi mhosva; regererai, mugoregererwawo.
And do not judge, and in nowise shall ye be judged; and do not condemn, and in nowise shall ye be condemned; release, and ye shall be released;
38 Ipai, nemwi muchapiwa; chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, nekuzunguzirwa, chinopfachukira vachakupai pachifuva chenyu. Nokuti nechiyero ichocho chamunoyera nacho muchayerwa nacho zvekare.
Give, and it shall be given unto you: good measure, pressed down, shaken together, running over, will they give into your lap; for, with what measure ye mete, shall it be measured back unto you.
39 Akataura mufananidzo kwavari akati: Ko bofu ringatungamirira bofu here? Ko haangawiri mugomba ari maviri here?
He spake, moreover, a parable also, unto them: Can, the blind, guide, the blind? will not, both, fall into, a ditch?
40 Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi wake; asi umwe neumwe kana apedzeredzwa achava semudzidzisi wake.
A disciple is not above the teacher; but, when trained, every one shall be as his teacher.
41 Uye unotarirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi danda riri muziso rako pachako haurinanzereri?
But why beholdest thou the mote that is in the eye of thy brother, while, the beam that is in thine own eye, thou dost not consider?
42 Kana unogona kureva sei kune umwe wako, uchiti: Umwe wangu, rega ndibudise rubanzu rwuri muziso rako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso rako? Iwe munyepedzeri, budisa pakutanga danda kubva muziso rako, zvino ipapo uchaona zvakanaka kubudisa rubanzu rwuri muziso reumwe wako.
How canst thou say to thy brother—Brother! let me cast out the mote that is in thine eye, —thyself, the beam in thine own eye, not beholding? Hypocrite! cast out, first, the beam out of thine own eye, and, then, shalt thou see clearly, to cast out, the mote that is in the eye of thy brother.
43 Nokuti hausi muti wakanaka unobereka chibereko chakaipa; kana muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka.
For a good tree doth not produce worthless fruit, neither again doth, a worthless tree, produce good fruit.
44 Nokuti muti umwe neumwe unozikanwa nechibereko chawo pachawo. Nokuti paminzwa, havatanhi maonde, kana parukato kutanha mazambiringa.
For, every tree, by its own fruit, becometh known. For not, of thorns, do they gather figs, neither, of a bramble-bush, do they gather, a bunch of grapes.
45 Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yemoyo wake anobudisa zvakanaka, nemunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yemoyo wake anobudisa zvakaipa; nokuti kubva pazvizere mumoyo muromo wake anotaura.
The good man, out of the good treasure of the heart, bringeth forth that which is good; and, the wicked man, out of the wicked heart, bringeth forth that which is wicked; for, out of an overflowing of heart, speaketh, his mouth.
46 Zvino munondiidzirei Ishe, Ishe, musingaiti zvinhu zvandinoreva?
And why call ye me, Lord! Lord! and not do the things that I say?
47 Ani nani anouya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ndichakuratidzai kuti wakafanana nani;
Every one coming unto me, and hearkening unto my words, and doing them, I will suggest to you, whom he is like:
48 wakafanana nemunhu wakavaka imba, akachera akadzikisa, akateya nheyo paruware; zvino mafashame akati auya, rukova rukarova zvine simba paimba iyo, rukasagona kuizunungusa; nokuti yakange yakateyiwa paruware.
He is like unto a man building a house, who digged, and deepened, and laid a foundation upon the rock, —and, a flood, coming, the stream burst against that house, and was not strong enough to shake it, because it had been, well, built.
49 Asi anonzwa asingaiti, wakafanana nemunhu wakavaka imba pavhu isina nheyo; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa, kuwa kweimba iyo kukava kukuru.
But, he that hath heard and not done, is like unto a man having built a house upon the earth, without a foundation, —against which the stream burst, and, straightway, it fell in; and it came to pass, that, the crash of that house, was, great.

< Ruka 6 >