< Ruka 3 >

1 Zvino negore regumi nemashanu rekutonga kwaTibherio Kesari, Pondiyo Pirato ari mutungamiriri weJudhiya, Herodhe ari umwe wevatongi vana weGarirea, Firipi munin'ina wake ari umwe wevatongi vana weIturea nedunhu reTrakoniti, Risanio ari umwe wevatongi vana weAbhirene, 2 Anasi naKayafasi vari vapristi vakuru, shoko raMwari rakasvika kuna Johwani mwanakomana waZakaria murenje. 3 Akasvika munyika yese yakapoteredza yaJoridhani, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeuka kuve kukanganwirwa kwezvivi; 4 sezvazvakanyorwa mubhuku remashoko aIsaya muporofita zvichinzi: Inzwi reanodana murenje richiti: Gadzirai nzira yaIshe; ruramisai migwagwa yake. 5 Mupata wese uchafusirwa, negomo rega-rega nechikomo zvichaderedzwa; zvakakombama zvicharuramiswa, uye makwiringwindi ave nzira dzakaenzana; 6 uye nyama yese ichaona ruponeso rwaMwari. 7 Naizvozvo wakati kuzvaunga zvaibudira kuzobhabhatidzwa naye: Imwi zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakutaridzirai kutiza hasha dzinouya? 8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka; uye musatanga kuti mukati menyu: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anogona kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahama vana. 9 Ikozvino sanhuwo ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti umwe neumwe usingabereki chibereko chakanaka unotemerwa pasi, ugokandirwa mumoto. 10 Zvaunga zvikamubvunza, zvichiti: Zvino tichaitei? 11 Akapindura akati kwavari: Ane nguvo refu mbiri, ngaagovane neasina; neane kudya ngaaite saizvozvo. 12 Zvino kwakauyawo vateresi kuzobhabhatidzwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, tichaitei? 13 Akati kwavari: Musateresa kupfuura pamakatemerwa napo. 14 Nemautowo akamubvunza, achiti: Ko isu tichaitei? Akati kwaari: Musatyityidzira munhu kana kupomera nhema; uye mugutsikane nemibairo yenyu. 15 Zvino vanhu vakati vachatarisira, vese vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohwani, kuti zvimwe iye angava Kristu, 16 Johwani akapindura kune vese achiti: Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura; asi ane simba kupfuura ini anouya, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto; 17 werusero rwake rwuri muruoko rwake; achachenesa kwazvo buriro rake; uye achaunganidza zviyo mudura rake, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki. 18 Naizvozvo achikurudzira nezvimwe zvinhu zvizhinji, akaparidzira vanhu evhangeri. 19 Asi Herodhe umwe wevatongi vana, wakati atsiurwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi waFiripi munin'ina wake, nezvakaipa zvese Herodhe zvaakange aita, 20 wakawedzerazve ichi pamusoro pazvo zvese, kuti wakapfigira Johwani mutirongo. 21 Zvino zvakaitika kuti vanhu vese vabhabhatidzwa, Jesuwo abhabhatidzwa, achinyengetera, denga rakazarurwa. 22 Mweya Mutsvene ndokuburukira pamusoro pake nechimiro chemuviri sewenjiva, inzwi ndokubva kudenga, richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, ndinofara mauri kwazvo. 23 Zvino iye Jesu wakange achitanga kuva nemakore anenge makumi matatu, ari (sezvaifungidzirwa) mwanakomana waJosefa, waHeri, 24 waMatati, waRevhi, waMeriki, waJanai, waJosefa, 25 waMatatiasi, waAmosi, waNaumi, waEsiri, waNagai, 26 waMaati, waMatatiasi, waSimeyi, waJosefa, waJudha, 27 waJohwana, waResa, waZerubhabheri, waSaratieri, waNeri, 28 waMeriki, waAdhi, waKosamu, waErimodhamu, waEri, 29 waJose, waEriezeri, waJorimu, waMatati, waRevhi, 30 waSimioni, waJudha, waJosefa, waJonanu, waEriakimu, 31 waMerea, waMenani, waMatata, waNatani, waDhavhidhi, 32 waJese, waObhedhi, waBhowazi, waSarimoni, waNaashoni, 33 waAminadhabhi, waAramu, waEsiromi, waFaresi, waJudha, 34 waJakobho, waIsaka, waAbhurahama, waTera, waNahori, 35 waSerugi, waRagau, waFareki, waEberi, waSara, 36 waKainani, waArifakisadhi, waSemu, waNowa, waRameki, 37 waMatusara, waEnoki, waJaredhi, waMarereeri, waKainani, 38 waEnosi, waSeti, waAdhamu, waMwari.

< Ruka 3 >