< Ruka 24 >

1 Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo. 2 Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva. 3 Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu. 4 Zvino vakati vakakanganiswa kwazvo nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya; 5 zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pavakafa? 6 Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea, 7 achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve. 8 Zvino vakarangarira mashoko ake. 9 Zvino vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu izvi zvese kuvanegumi neumwe nekune vamwe vese. 10 Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi. 11 Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda. 12 Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; akakotama ndokutarira, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yega; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika. 13 Zvino tarira, pazuva iroro vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia makumi matanhatu kubva kuJerusarema. 14 Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvese zvakange zvaitika. 15 Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo, 16 asi meso avo akange abatwa kuti vasamuziva. 17 Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukurirana muchifamba, uye makasuruvara? 18 Umwe, wainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe wega mutorwa muJerusarema, uye hauziva zvakaitikamo mumazuva ano here? 19 Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita ane simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vese; 20 uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa. 21 Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvese, nhasi izuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi. 22 Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva; 23 zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu. 24 Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadziwo sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona. 25 Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvese vaporofita zvavakataura! 26 Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here? 27 Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vese, akadudzira kwavari mumagwaro ese zvinhu zviri maererano naye. 28 Zvino vakaswedera kumusha kwavakange vachienda; iye ndokuita sewopfuurira. 29 Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nokuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo. 30 Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari. 31 Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari. 32 Zvino vakataurirana vachiti: Moyo wedu wanga usingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro? 33 Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo, 34 vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni. 35 Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa. 36 Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri. 37 Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya. 38 Zvino akati kwavari: Munonetsekerei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu? 39 Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo. 40 Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka. 41 Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here? 42 Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi. 43 Iye ndokutora akadya pamberi pavo. 44 Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvese zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni. 45 Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro. 46 Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvowo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kubva kuvakafa zuva retatu, 47 uye kuti kutendeuka nekanganwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ese muzita rake, kutanga paJerusarema. 48 Uye imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi. 49 Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro. 50 Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza. 51 Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga. 52 Zvino vakamunamata, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru; 53 uye vakagara nguva dzese mutembere, vachirumbidza nekutenda Mwari. Ameni.

< Ruka 24 >