< Ruka 23 >

1 Zvino chaunga chavo chese chakasimuka, chikamutungamidza kuna Pirato.
Kwasekusukuma ixuku labo lonke, lamusa kuPilatu.
2 Zvino vakatanga kumupomera, vachiti: Tawana uyu achitsausa rudzi, nekudzivisa kupa mitero kuna Kesari, achiti iye pachake ndiKristu Mambo.
Baqala ukummangalela, besithi: Simficile lo eduhisa isizwe, esalela ukuthela kuKesari, esithi nguye onguKristu iNkosi.
3 Zvino Pirato wakamubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Ndokumupindura, akati: Unoreva iwe.
UPilatu wasembuza, wathi: Wena uyiNkosi yamaJuda yini? Wasemphendula wathi: Uyatsho wena.
4 Pirato ndokuti kuvapristi vakuru nezvaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.
Wasesithi uPilatu kubapristi abakhulu lemaxukwini: Kangitholi cala kulumuntu.
5 Asi vakasimbisa, vachiti: Unonyonganisa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rese, kutanga paGarirea kusvikira pano.
Kodwa baqinisa, besithi: Udunga abantu, efundisa kuyo yonke iJudiya, eqala eGalili kuze kufike lapha.
6 Pirato wakati anzwa zveGarirea, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
Lapho uPilatu esizwa kuthiwa iGalili wabuza ukuthi lumuntu ungumGalili yini.
7 Zvino paakangoziva kuti ndeweushe hwaHerodhe, wakamutumira kuna Herodhe, iye waivawo muJerusarema pamazuva iwayo.
Kwathi esezwile ukuthi ungowombuso kaHerodi, wamthumela kuHerodi, owayekhona laye eJerusalema ngalezonsuku.
8 Zvino Herodhe paakaona Jesu wakafara zvikurusa; nokuti waishuva kumuona kwenguva refu, nokuti wakange anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; uye wakatarisira kuona chimwe chiratidzo chichiitwa naye.
Kwathi uHerodi embona uJesu wathokoza kakhulu; ngoba wayekade ethanda ukumbona, ngoba wayezwile okunengi ngaye; wayethemba ukuthi uzabona isibonakaliso esithile sisenziwa nguye.
9 Ndokumubvunza nemashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
Wambuza ngamazwi amanengi; kodwa yena kamphendulanga lutho.
10 Zvino vapristi vakuru nevanyori vakamira vakamupomera zvine simba.
Abapristi abakhulu lababhali babemi, bemmangalela ngamandla.
11 NaHerodhe nemauto ake wakamuzvidza, nekuseka akamupfekedza nguvo refu inobwinya, akamudzosera kuna Pirato.
UHerodi lamabutho akhe bamyangisa, bamklolodela, basebemgqokisa isembatho esikhazimulayo, bambuyisela kuPilatu.
12 Nemusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari neshamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo.
Ngalolosuku uHerodi kanye loPilatu baba ngabangane omunye komunye; ngoba ngaphambi kwalokhu babelobutha phakathi kwabo.
13 Zvino Pirato wakati adanira pamwe vapristi vakuru nevatungamiriri nevanhu,
UPilatu wasebizela ndawonye abapristi abakhulu lababusi labantu,
14 akati kwavari: Mauisa munhu uyu kwandiri seanotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndaongorora pamberi penyu, handina kuwana mhosva kumunhu uyu yezvinhu zvamunomupomera;
wathi kubo: Limlethile kimi lumuntu, ngokungathi ungoduhisa abantu; njalo khangelani, mina ngimhlolile phambi kwenu, kangitholanga cala kulumuntu ngalezozinto elimmangalela ngazo;
15 kwete, kunyange Herodhe; nokuti ndinokutumai kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.
hatshi ngitsho loHerodi; ngoba ngilithumeze kuye, njalo khangelani, kakulalutho olufanele ukufa olwenziwe nguye.
16 Naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
Ngakho ngizamtshaya ngimkhulule.
17 Nokuti zvaiva zvakafanira kuti avasunungurire umwe pamutambo.
Kwakufanele ukuthi abakhululele abe munye ngomkhosi.
18 Asi vese vakadanidzira pamwe vachiti: Kure neuyu, asi mutisunungurire Bharabhasi.
Bamemeza bonke kanyekanye besithi: Msuse lo, usikhululele uBarabasi
19 Iye wakange akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bongozozo rakange raitika muguta uye neumhondi.
(owayephoselwe entolongweni ngenxa yomvukela othile owenzeka phakathi komuzi langenxa yokubulala).
20 Naizvozvo Pirato achida kusunungura Jesu, wakataurazve kwavari.
Ngakho uPilatu wabuya wakhuluma labo, efuna ukumkhulula uJesu.
21 Asi vakadanidzira, vachiti: Roverera pamuchinjikwa, muroverere pamuchinjikwa!
Kodwa bamemeza, besithi: Bethela, mbethele!
22 Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, iye waita chakaipa chipi? Handina kuwana mhosva yerufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
Wasesithi kubo ngokwesithathu: Ngoba lo enze bubi bani? Kangitholanga kuye icala afanele ukufa ngalo; ngakho ngizamtshaya ngimkhulule.
23 Asi vakasimbisa nemanzwi makuru, vachikumbira kuti arovererwe pamuchinjikwa. Manzwi avo neevapristi vakuru akabudirira.
Kodwa baqinisa ngamazwi amakhulu, befuna ukuthi abethelwe; lamazwi abo lawabapristi abakhulu aphumelela.
24 Zvino Pirato wakatema kuti chikumbiro chavo chiitike.
UPilatu wasequma ukuthi kwenziwe isicelo sabo.
25 Akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakange akandwa mutirongo nekuda kwebongozozo neumhondi; asi akakumikidza Jesu kuchido chavo.
Wasebakhululela lowo ababemcelile owayephoselwe entolongweni ngenxa yomvukela lokubulala; kodwa uJesu wamnikela entandweni yabo.
26 Zvino vakati vachimutungamidza, vakabata umwe Simoni muKurini achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti atakure shure kwaJesu.
Kwathi sebemqhuba, babamba uSimoni othile umKurene owayevela emaphandleni, bamethesa isiphambano, ukuthi asithwale ngemva kukaJesu.
27 Zvino kwakatevera kwaari chaunga chikuru chevanhu, nevakadzi vairirawo nekumuchema.
Laselimlandela ixuku elikhulu labantu, labesifazana labo ababekhala bemlilela.
28 Asi Jesu wakatendeukira kwavari akati: Vakunda veJerusarema, musachemera ini, asi muzvichemere imwi nevana venyu;
Kodwa uJesu ephendukela kubo wathi: Madodakazi eJerusalema, lingangikhaleli mina, kodwa zikhaleleni lina labantwana benu,
29 nokuti tarirai, mazuva anouya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kubereka, nemazamu asina kunwisa.
ngoba khangelani, ziyeza insuku abazakutsho ngazo ukuthi: Zibusisiwe inyumba, lezizalo ezingazalanga, lamabele angamunyisanga.
30 Ipapo vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nekuzvikomo: Tifukidzei.
Khona bezaqalisa ukuthi ezintabeni: Welani phezu kwethu; lemaqaqeni: Sisibekeleni.
31 Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, chii chichaitika kune wakawoma?
Ngoba uba besenza lezizinto esihlahleni esimanzi, kuzakwenzakalani kwesomileyo?
32 Zvino kwakatungamidzwawo vamwe vaiti vezvakaipa vaviri, kuti vaurawe pamwe naye.
Kwaqhutshwa labanye abenzi bobubi ababili, ukuthi babulawe kanye laye.
33 Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamuroverera pamuchinjikwa, nevaiti vezvakaipa, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe.
Sebefikile endaweni ethiwa luKhakhayi, bambethela khona, labenzi bobubi, omunye ngakwesokunene, lomunye ngakwesokhohlo.
34 Jesu ndokuti: Baba, vakanganwirei; nokuti havazivi chavanoita. Zvino vakagovana nguvo dzake, vakakanda mujenya.
UJesu wasesithi: Baba, bathethelele; ngoba kabakwazi abakwenzayo. Njalo babelana izembatho zakhe, benza inkatho yokuphosa.
35 Vanhu ndokumira vakatarira. Nevatongiwo pamwe navo vakamuseka, vachiti: Wakaponesa vamwe, ngaazviponese, kana iye ari Kristu, musanangurwa waMwari.
Labantu bema babukela. Lababusi kanye labo bamklolodela, besithi: Wasindisa abanye, kazisindise yena, uba yena enguKristu, okhethiweyo kaNkulunkulu.
36 Nemautowo akamuseka, achimuvigira vhiniga,
Labebutho bamklolodela, beza kuye bamnika iviniga,
37 uye vachiti: Kana iwe uri Mambo weVaJudha, zviponese.
besithi: Uba wena uyiNkosi yamaJuda, zisindise wena.
38 Zvino kwakange kune rugwarowo rwakanyorwa pamusoro pake nemavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti: UYU NDIMAMBO WEVAJUDHA.
Kwakukhona lombhalo ngaphezu kwakhe kulotshiwe ngamabala esiGriki langesiRoma langesiHebheru othi: LO UYINKOSI YAMAJUDA.
39 Uye umwe wevaiti vezvakaipa vakange vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana iwe uri Kristu, zviponese iwe nesu.
Lomunye wabenzi bobubi ababelengisiwe wamthuka, esithi: Uba wena unguKristu, zisindise wena lathi.
40 Asi umwe wakapindura achimutsiura, achiti: Iwe hautyi Mwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?
Kodwa omunye waphendula emkhuza, esithi: Wena kawumesabi yini uNkulunkulu, lokhu lawe ukulokhukulahlwa?
41 Isu zvirokwazvo zvakarurama, nokuti tinogamuchira zvakafanira zvatakaita; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
Thina kambe kusilungele, ngoba semukela okulingene ukwenza kwethu; kodwa lo kenzanga lutho olungafanelanga.
42 Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe hwenyu.
Wasesithi kuJesu: Ungikhumbule, Nkosi, lapha ufika embusweni wakho.
43 Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.
UJesu wasesithi kuye: Ngiqinisile ngithi kuwe: Lamuhla uzakuba lami eParadise.
44 Zvino rakange rava awa rinenge rechitanhatu; kukavapo rima pamusoro penyika yese, kusvikira paawa repfumbamwe.
Kwakungaba lihola lesithupha, kwaba khona ubumnyama phezu komhlaba wonke kwaze kwaba lihola lesificamunwemunye,
45 Nezuva rakadzikatirwa, uye vheiri retembere rakabvarurwa nepakati.
futhi ilanga lalifiphaziwe, leveyili lethempeli ladatshulwa phakathi.
46 Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru achiti: Baba, mumaoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvi, akapa mweya.
UJesu wasememeza ngelizwi elikhulu esithi: Baba, ezandleni zakho ngibeka umoya wami; esetshilo lokhu waphefumula okokucina.
47 Zvino mukuru wezana wakati aona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo munhu uyu wakange akarurama.
Kwathi induna yekhulu isibonile okwenzekileyo, yamdumisa uNkulunkulu, isithi: Isibili lumuntu ubelungile.
48 Nezvaunga zvese zvakange zvakaungana kuzoona izvozvi, zvakati zvichiona zvakaitika, zvikadzokera zvichizvirova zvifuva.
Lamaxuku wonke ayebuthene ukubukela lokho, sebebonile izinto ezenzekileyo, babuyela betshaya izifuba zabo.
49 Nevazikanwi vake vese, nevakadzi vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachiona zvinhu izvi.
Bonke abazana laye, labesifazana ababemlandela bevela eGalili, bema khatshana, bebona lezizinto.
50 Zvino tarira, murume wainzi Josefa, nhengo yedare, murume wakanaka uye wakarurama;
Njalo khangela, indoda ethiwa nguJosefa, ilunga lomphakathi, indoda elungileyo eqotho;
51 iye wakange asina kutenderana nezano nechiito chavo; waiva weArimatia, guta reVaJudha, naiyewo wakange achimirira ushe hwaMwari.
yena wayengavumelananga lecebo lesenzo sabo; wayevela eArimathiya umuzi wamaJuda, laye ngokwakhe wayelindele umbuso kaNkulunkulu;
52 Iye wakaenda kuna Pirato akakukumbira mutumbi waJesu.
lowo waya kuPilatu wacela isidumbu sikaJesu.
53 Zvino wakauburusa, akauputira nemucheka werineni, ndokuuradzika muguva rakange rakacherwa pabwe, makange musina kumboradzikwa munhu.
Wasesethula wasigoqela ngelembu elicolekileyo, wasibeka engcwabeni elaligujwe edwaleni, lapho okwakungazanga kubekwe khona umuntu.
54 Zvino waiva musi wegadziriro, uye sabata roswedera.
Kwakulusuku lwamalungiselelo, lesabatha laselisondela.
55 Nevakadziwo, vakange vauya naye vachibva Garirea, vakatevera mumashure, vakaona guva, nokuti mutumbi wake waradzikwa sei.
Labesifazana, ababeze laye bevela eGalili, balandela, balibona ingcwaba, lokuthi isidumbu sibekwe njani.
56 Uye vakadzokera, vakagadzirira zvinonhuhwira nezvizoro. Zvino vakazorora nesabata zvichienderana nemurairo.
Basebebuyela emuva balungisa amakha lamagcobo. Ngesabatha basebephumula njengokomlayo.

< Ruka 23 >