< Ruka 22 >

1 Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika.
Now the feast of unleavened bread, which is called the Passover, drew near.
2 Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vaitya vanhu.
The chief priests and the scribes sought how they might kill him, for they feared the people.
3 Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi anotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri.
Satan entered into Judas, who was called Iscariot, who was numbered with the twelve.
4 Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti angamutengesa sei kwavari.
He went away, and talked with the chief priests and captains about how he might deliver him to them.
5 Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari.
They were glad, and agreed to give him money.
6 Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.
He consented, and sought an opportunity to deliver him to them in the absence of the crowd.
7 Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika.
The day of unleavened bread came, on which the Passover lamb must be sacrificed.
8 Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye.
He sent Peter and John, saying, "Go and prepare the Passover for us, that we may eat."
9 Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire?
They said to him, "Where do you want us to prepare?"
10 Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda.
He said to them, "Look, when you have entered into the city, a man carrying a pitcher of water will meet you. Follow him into the house which he enters.
11 Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi anoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu?
Tell the master of the house, 'The Teacher says to you, "Where is the guest room, where I may eat the Passover with my disciples?"'
12 Uye iye achakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo.
He will show you a large, furnished upper room. Make preparations there."
13 Zvino vakaenda vakanowana sezvaakange avaudza; ndokugadzirira pasika.
They went, found things as he had told them, and they prepared the Passover.
14 Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye.
When the hour had come, he reclined at the table, and the apostles joined him.
15 Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika;
He said to them, "I have earnestly desired to eat this Passover with you before I suffer,
16 nokuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari.
for I say to you, I will not eat of it again until it is fulfilled in the Kingdom of God."
17 Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana.
He received a cup, and when he had given thanks, he said, "Take this, and share it among yourselves,
18 Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.
for I tell you, from now on I will not drink of the fruit of the vine until the kingdom of God comes."
19 Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopiwa pachinzvimbo chenyu; izvi itai kundirangarira.
He took bread, and when he had given thanks, he broke it, and gave to them, saying, "This is my body which is given for you. Do this in remembrance of me."
20 Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.
Likewise, he took the cup after they had eaten, saying, "This cup is the new covenant in my blood, which is poured out for you.
21 Asi tarirai, ruoko rweanonditengesa rwuneni patafura.
But look, the hand of him who betrays me is with me on the table.
22 Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu anoenda sezvazvakatemwa; asi ane nhamo munhu uyo waanotengeswa naye!
The Son of Man indeed goes, as it has been determined, but woe to that man through whom he is betrayed."
23 Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari achaita chinhu ichi.
They began to question among themselves, which of them it was who would do this thing.
24 Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari anoverengwa semukurusa.
There arose also a contention among them, which of them was considered to be greatest.
25 Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri.
He said to them, "The kings of the nations lord it over them, and those who have authority over them are called 'benefactors.'
26 Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semudiki, nemutungamiriri seanoshandira.
But not so with you. But one who is the greater among you, let him become as the younger, and one who is governing, as one who serves.
27 Nokuti ndiani mukuru, uyo agere pakudya kana anoshandira? Haasi iye agere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seanoshandira.
For who is greater, one who sits at the table, or one who serves? Is it not he who sits at the table? But I am in the midst of you as one who serves.
28 Nemwi ndimwi makagara neni pamiedzo yangu;
But you are those who have continued with me in my trials.
29 zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri;
I confer on you a kingdom, even as my Father conferred on me,
30 kuti mudye nekunwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
that you may eat and drink at my table in my kingdom, and you will sit on thrones judging the twelve tribes of Israel."
31 Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi;
And the Lord said, "Simon, Simon, look, Satan has demanded to have you all, to sift you like wheat,
32 asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako.
but I prayed for you, that your faith would not fail. You, when once you have turned again, establish your brothers."
33 Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvese mutirongo nemurufu.
He said to him, "Lord, I am ready to go with you both to prison and to death."
34 Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe haringatongoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.
He said, "I tell you, Peter, the rooster will by no means crow today until you deny that you know me three times."
35 Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.
He said to them, "When I sent you out without money bag, and pack, and shoes, did you lack anything?" They said, "Nothing."
36 Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, ane chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neasina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo.
Then he said to them, "But now, whoever has a money bag must take it, and likewise a pack. Whoever has none, must sell his cloak, and buy a sword.
37 Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nokuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo.
For I tell you that this which is written must still be fulfilled in me: 'And he was numbered with transgressors.' For that which concerns me has an end."
38 Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.
They said, "Lord, look, here are two swords." He said to them, "That is enough."
39 Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidziwo vake vakamutevera.
He came out, and went, as his custom was, to the Mount of Olives. His disciples also followed him.
40 Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo.
When he was at the place, he said to them, "Pray that you do not enter into temptation."
41 Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama akanyengetera,
He was withdrawn from them about a stone's throw, and he knelt down and prayed,
42 achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.
saying, "Father, if you are willing, remove this cup from me. Nevertheless, not my will, but yours, be done."
43 Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa.
And an angel from heaven appeared to him, strengthening him.
44 Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi.
Being in agony he prayed more earnestly. His sweat became like great drops of blood falling down on the ground.
45 Zvino wakati asimuka pamunyengetero, akauya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu.
When he rose up from his prayer, he came to the disciples, and found them sleeping because of grief,
46 Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.
and said to them, "Why do you sleep? Rise and pray that you may not enter into temptation."
47 Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.
While he was still speaking, look, a crowd came, and he who was called Judas, one of the twelve, was leading them. He came near to Jesus to kiss him.
48 Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here?
But Jesus said to him, "Judas, do you betray the Son of Man with a kiss?"
49 Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here?
When those who were around him saw what was about to happen, they said to him, "Lord, shall we strike with the sword?"
50 Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi.
A certain one of them struck the servant of the high priest, and cut off his right ear.
51 Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.
But Jesus answered and said, "No more of this." Then he touched his ear and healed him.
52 Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vakange vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here?
Jesus said to the chief priests, captains of the temple, and elders, who had come against him, "Have you come out as against a robber, with swords and clubs?
53 Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi zvino iawa renyu, nesimba rerima.
When I was with you in the temple daily, you did not stretch out your hands against me. But this is your hour, and the power of darkness."
54 Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakapinda naye mumba memupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure.
They seized him, and led him away, and brought him into the high priest's house. But Peter followed from a distance.
55 Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo.
When they had kindled a fire in the middle of the courtyard, and had sat down together, Peter sat among them.
56 Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo wakange anaye.
A certain servant girl saw him as he sat in the light, and looking intently at him, said, "This man also was with him."
57 Asi iye wakamurambira, achiti: Mukadzi, handimuzivi.
But he denied it, saying, "Woman, I do not know him."
58 Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handisi.
After a little while someone else saw him, and said, "You also are one of them." But Peter answered, "Man, I am not."
59 Zvino nguva inenge awa rimwe yakati yapfuura, umwezve wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo wakange anaye; nokuti muGarireawo.
After about one hour passed, another confidently affirmed, saying, "Truly this man also was with him, for he is a Galilean."
60 Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira.
But Peter said, "Man, I do not know what you are talking about." Immediately, while he was still speaking, a rooster crowed.
61 Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
The Lord turned, and looked at Peter. Then Peter remembered the Lord's word, how he said to him, "Before the rooster crows today you will deny me three times."
62 Zvino Petro wakabuda panze akachema zvinorwadza.
And he went out, and wept bitterly.
63 Zvino varume vakange vakabata Jesu, vakamuseka, vakamurova.
The men who held him began mocking and beating him.
64 Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova?
And having blindfolded him, they were striking his face and kept asking him, saying, "Prophesy, who is the one who struck you?"
65 Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachituka.
They spoke many other things against him, insulting him.
66 Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota vachiti:
As soon as it was day, the council of the elders of the people gathered together, both chief priests and scribes, and they led him away into their council, saying,
67 Kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi;
"If you are the Christ, tell us." But he said to them, "If I tell you, you won't believe,
68 uyewo kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura.
and if I ask, you will not answer me, or let me go.
69 Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu achagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.
From now on, the Son of Man will be seated at the right hand of the power of God."
70 Vese ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini.
They all said, "Are you then the Son of God?" He said to them, "You say that I am."
71 Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nokuti tomene tanzwa pamuromo wake.
They said, "Why do we need any more witness? For we ourselves have heard from his own mouth."

< Ruka 22 >