< Ruka 20 >

1 Zvino zvakaitika parimwe remazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere nekuparidza evhangeri, vapristi vakuru nevanyori vakasvika nevakuru,
On one of those days, as he was teaching the people in the temple and preaching the Good News, the priests and scribes came to him with the elders.
2 ndokutaura kwaari vachiti: Tiudzei, munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndiani iye wakakupai simba iri?
They asked him, “Tell us: by what authority do you do these things? Or who is giving you this authority?”
3 Zvino wakapindura akati kwavari: Ini ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; uye mundiudze:
He answered them, “I also will ask you one question. Tell me:
4 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu?
the baptism of John, was it from heaven, or from men?”
5 Zvino vakarangana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; achati: Naizvozvo makaregerei kumutenda?
They reasoned with themselves, saying, “If we say, ‘From heaven,’ he will say, ‘Why didn’t you believe him?’
6 Asi kana tikati: Kuvanhu; vanhu vese vachatitaka nemabwe; nokuti vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita.
But if we say, ‘From men,’ all the people will stone us, for they are persuaded that John was a prophet.”
7 Vakapindura, vachiti havazivi kwarwakabva.
They answered that they didn’t know where it was from.
8 Jesu ndokuti kwavari: Neni handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
Jesus said to them, “Neither will I tell you by what authority I do these things.”
9 Zvino wakatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: Umwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akauhaisa kuvarimi, akaenda parwendo nguva refu;
He began to tell the people this parable: “A man planted a vineyard and rented it out to some farmers, and went into another country for a long time.
10 zvino nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvechibereko chemunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.
At the proper season, he sent a servant to the farmers to collect his share of the fruit of the vineyard. But the farmers beat him and sent him away empty.
11 Zvino wakatumazve umwe muranda; naiye vakamurovawo vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu.
He sent yet another servant, and they also beat him and treated him shamefully, and sent him away empty.
12 Zvino wakatumazve wechitatu; uyuwo ndokumukuvadza, vakamukandira kunze.
He sent yet a third, and they also wounded him and threw him out.
13 Zvino mwene wemunda wemizambiringa wakati: Ndichaitei? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vakaona iye vachamukudza.
The lord of the vineyard said, ‘What shall I do? I will send my beloved son. It may be that seeing him, they will respect him.’
14 Asi varimi vakati vachimuona vakarangana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuuraye, kuti nhaka igova yedu.
“But when the farmers saw him, they reasoned amongst themselves, saying, ‘This is the heir. Come, let’s kill him, that the inheritance may be ours.’
15 Vakamukandira kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya. Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achavaitirei?
Then they threw him out of the vineyard and killed him. What therefore will the lord of the vineyard do to them?
16 Achauya, ndokuparadza varimi ivava, agopa munda wemizambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro!
He will come and destroy these farmers, and will give the vineyard to others.” When they heard that, they said, “May that never be!”
17 Asi wakavatarisa, akati: Naizvozvo chii ichi chakanyorwa, chinoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rava musoro wekona?
But he looked at them and said, “Then what is this that is written, ‘The stone which the builders rejected was made the chief cornerstone’?
18 Wese anowira pamusoro pebwe iro, achavhuniwa-vhuniwa; asi ani nani warinowira pamusoro richamukuya.
Everyone who falls on that stone will be broken to pieces, but it will crush whomever it falls on to dust.”
19 Zvino vapristi vakuru nevanyori neawa iroro vakatsvaka kuisa maoko paari, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakareva mufananidzo uyu akanangana navo.
The chief priests and the scribes sought to lay hands on him that very hour, but they feared the people—for they knew he had spoken this parable against them.
20 Vakamucherekedza, vakatumira vashori vakanyepedzera kuva vakarurama, kuti vamubate pakutaura, kuti vamukumikidze kuushe nesimba remutungamiriri.
They watched him and sent out spies, who pretended to be righteous, that they might trap him in something he said, so as to deliver him up to the power and authority of the governor.
21 Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nekudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri chiso, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi.
They asked him, “Teacher, we know that you say and teach what is right, and aren’t partial to anyone, but truly teach the way of God.
22 Zviri pamutemo here kwatiri kupa mutero kuna Kesari, kana kwete?
Is it lawful for us to pay taxes to Caesar, or not?”
23 Asi wakaziva unyengeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei?
But he perceived their craftiness, and said to them, “Why do you test me?
24 Ndiratidzei dhenario; rine mufananidzo nerunyoro rwaani? Vakapindura vakati: ZvaKesari.
Show me a denarius. Whose image and inscription are on it?” They answered, “Caesar’s.”
25 Ndokuti kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.
He said to them, “Then give to Caesar the things that are Caesar’s, and to God the things that are God’s.”
26 Vakakoniwa kumubata neshoko rake pamberi pevanhu; vakashamisika nemhinduro yake; vakanyarara.
They weren’t able to trap him in his words before the people. They marvelled at his answer and were silent.
27 Zvino kwakaswedera vamwe veVaSadhusi, vanoramba kuti kune kumuka, ndokumubvunza,
Some of the Sadducees came to him, those who deny that there is a resurrection.
28 vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa ane mukadzi, asi iye akafa asina vana, munin'ina wake atore mukadzi, amutsire mukoma wake mbeu.
They asked him, “Teacher, Moses wrote to us that if a man’s brother dies having a wife, and he is childless, his brother should take the wife and raise up children for his brother.
29 Naizvozvo kwakange kune vanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga ndokutora mukadzi, akafa asina mwana;
There were therefore seven brothers. The first took a wife, and died childless.
30 newechipiri akatora mukadzi uyo, neuyu akafa asina mwana;
The second took her as wife, and he died childless.
31 newechitatu akamutora. Zvikadarowo nevanomwe, uye vakasasiya vana, vakafa.
The third took her, and likewise the seven all left no children, and died.
32 Pakupedzisira kwavo vese mukadzi wakafawo.
Afterward the woman also died.
33 Naizvozvo pakumuka, achava mukadzi waani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye semukadzi.
Therefore in the resurrection whose wife of them will she be? For the seven had her as a wife.”
34 Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa; (aiōn g165)
Jesus said to them, “The children of this age marry and are given in marriage. (aiōn g165)
35 asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kubva kuvakafa havawani kana kuwaniswa; (aiōn g165)
But those who are considered worthy to attain to that age and the resurrection from the dead neither marry nor are given in marriage. (aiōn g165)
36 nokuti havagoni kufazve; nokuti vakaita sevatumwa, uye vanakomana vaMwari, vari vanakomana vekumuka.
For they can’t die any more, for they are like the angels and are children of God, being children of the resurrection.
37 Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange Mozisi wakaratidza pagwenzi reminzwa, paakaidza Ishe Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
But that the dead are raised, even Moses showed at the bush, when he called the Lord ‘The God of Abraham, the God of Isaac, and the God of Jacob.’
38 Nokuti haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu; nokuti vese vanoraramira iye.
Now he is not the God of the dead, but of the living, for all are alive to him.”
39 Zvino vamwe vevanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.
Some of the scribes answered, “Teacher, you speak well.”
40 Uye havana kuzoshinga kumubvunzazve chinhu.
They didn’t dare to ask him any more questions.
41 Zvino wakati kwavari: Vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi?
He said to them, “Why do they say that the Christ is David’s son?
42 Nokuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku reMapisarema achiti: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
David himself says in the book of Psalms, ‘The Lord said to my Lord, “Sit at my right hand,
43 kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
until I make your enemies the footstool of your feet.”’
44 Naizvozvo Dhavhidhi anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake sei?
“David therefore calls him Lord, so how is he his son?”
45 Zvino vanhu vese vachakateerera, wakati kuvadzidzi vake:
In the hearing of all the people, he said to his disciples,
46 Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, uye vanoda kwaziso pamisika, nezvigaro zvepamusorosa mumasinagoge, nezvigaro zvemberi pazvirairo;
“Beware of those scribes who like to walk in long robes, and love greetings in the marketplaces, the best seats in the synagogues, and the best places at feasts;
47 vanodya dzimba dzechirikadzi, vanonyepedzera nekuita minyengetero mirefu; ivavo vachagamuchira mutongo mukuru.
who devour widows’ houses, and for a pretence make long prayers. These will receive greater condemnation.”

< Ruka 20 >