< Ruka 20 >

1 Zvino zvakaitika parimwe remazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere nekuparidza evhangeri, vapristi vakuru nevanyori vakasvika nevakuru, 2 ndokutaura kwaari vachiti: Tiudzei, munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndiani iye wakakupai simba iri? 3 Zvino wakapindura akati kwavari: Ini ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; uye mundiudze: 4 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? 5 Zvino vakarangana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; achati: Naizvozvo makaregerei kumutenda? 6 Asi kana tikati: Kuvanhu; vanhu vese vachatitaka nemabwe; nokuti vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita. 7 Vakapindura, vachiti havazivi kwarwakabva. 8 Jesu ndokuti kwavari: Neni handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi. 9 Zvino wakatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: Umwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akauhaisa kuvarimi, akaenda parwendo nguva refu; 10 zvino nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvechibereko chemunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamuendesa asina chinhu. 11 Zvino wakatumazve umwe muranda; naiye vakamurovawo vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu. 12 Zvino wakatumazve wechitatu; uyuwo ndokumukuvadza, vakamukandira kunze. 13 Zvino mwene wemunda wemizambiringa wakati: Ndichaitei? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vakaona iye vachamukudza. 14 Asi varimi vakati vachimuona vakarangana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuuraye, kuti nhaka igova yedu. 15 Vakamukandira kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya. Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achavaitirei? 16 Achauya, ndokuparadza varimi ivava, agopa munda wemizambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro! 17 Asi wakavatarisa, akati: Naizvozvo chii ichi chakanyorwa, chinoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rava musoro wekona? 18 Wese anowira pamusoro pebwe iro, achavhuniwa-vhuniwa; asi ani nani warinowira pamusoro richamukuya. 19 Zvino vapristi vakuru nevanyori neawa iroro vakatsvaka kuisa maoko paari, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakareva mufananidzo uyu akanangana navo. 20 Vakamucherekedza, vakatumira vashori vakanyepedzera kuva vakarurama, kuti vamubate pakutaura, kuti vamukumikidze kuushe nesimba remutungamiriri. 21 Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nekudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri chiso, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi. 22 Zviri pamutemo here kwatiri kupa mutero kuna Kesari, kana kwete? 23 Asi wakaziva unyengeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei? 24 Ndiratidzei dhenario; rine mufananidzo nerunyoro rwaani? Vakapindura vakati: ZvaKesari. 25 Ndokuti kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. 26 Vakakoniwa kumubata neshoko rake pamberi pevanhu; vakashamisika nemhinduro yake; vakanyarara. 27 Zvino kwakaswedera vamwe veVaSadhusi, vanoramba kuti kune kumuka, ndokumubvunza, 28 vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa ane mukadzi, asi iye akafa asina vana, munin'ina wake atore mukadzi, amutsire mukoma wake mbeu. 29 Naizvozvo kwakange kune vanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga ndokutora mukadzi, akafa asina mwana; 30 newechipiri akatora mukadzi uyo, neuyu akafa asina mwana; 31 newechitatu akamutora. Zvikadarowo nevanomwe, uye vakasasiya vana, vakafa. 32 Pakupedzisira kwavo vese mukadzi wakafawo. 33 Naizvozvo pakumuka, achava mukadzi waani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye semukadzi. 34 Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa; (aiōn g165) 35 asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kubva kuvakafa havawani kana kuwaniswa; (aiōn g165) 36 nokuti havagoni kufazve; nokuti vakaita sevatumwa, uye vanakomana vaMwari, vari vanakomana vekumuka. 37 Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange Mozisi wakaratidza pagwenzi reminzwa, paakaidza Ishe Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. 38 Nokuti haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu; nokuti vese vanoraramira iye. 39 Zvino vamwe vevanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka. 40 Uye havana kuzoshinga kumubvunzazve chinhu. 41 Zvino wakati kwavari: Vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi? 42 Nokuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku reMapisarema achiti: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, 43 kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako. 44 Naizvozvo Dhavhidhi anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake sei? 45 Zvino vanhu vese vachakateerera, wakati kuvadzidzi vake: 46 Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, uye vanoda kwaziso pamisika, nezvigaro zvepamusorosa mumasinagoge, nezvigaro zvemberi pazvirairo; 47 vanodya dzimba dzechirikadzi, vanonyepedzera nekuita minyengetero mirefu; ivavo vachagamuchira mutongo mukuru.

< Ruka 20 >