< Ruka 19 >

1 Zvino Jesu wakapinda, akagura muJeriko. 2 Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakange ari mutungamiriri wevateresi, uye iye waiva mufumi; 3 uye wakatsvaka kuona Jesu kuti ndiani; asi wakange asingagoni nekuda kwechaunga, nokuti wakange ane chimiro chifupi. 4 Zvino wakamhanyira mberi, akakwira mumuonde wemusikamori kuti amuone; nokuti wakange achizopfuura ne nzira iyo. 5 Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, wakatarira kumusoro, akamuona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako. 6 Zvino wakakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara. 7 Zvino vakati va zvi ona vakan'un'una vese vachiti: Wapinda kunogara nemurume mutadzi. 8 Asi Zakewu wakamira, akati kuna Ishe: Tarirai, hafu yefuma yangu, Ishe, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune umwe munhu nekunyengera, ndinodzosera runa. 9 Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nokuti iyewo mwanakomana waAbhurahama. 10 Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzotsvaka nekuponesa chakarasika. 11 Vakati vanzwa zvinhu izvi, wakawedzera akataura mufananidzo, nokuti wakange ava pedo neJerusarema, uye nekuti vaifunga kuti ushe hwaMwari hwobva hwodoonekereswa. 12 Naizvozvo wakati: Umwe munhu ane mbiri wakaenda kunyika iri kure, kunozvigamuchirira ushe agodzoka. 13 Zvino wakadana varanda vake gumi, ndokuvapa pondo gumi, ndokuti kwavari: Bhindaukai nayo kusvikira ndichiuya. 14 Asi vanhu venyika yake vakange vachimuvenga, vakatuma nhume shure kwake, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge. 15 Zvino zvakaitika kuti adzoka agamuchira ushe, wakaraira kuti vaya varanda vaakange apa mari, vadanirwe kwaari, kuti anzwe kuti umwe neumwe wakawana zvakadini nekutengeserana. 16 Wekutanga ndokusvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo gumi. 17 Zvino akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; nokuti wakange wakatendeka pachidiki-diki, uve nesimba pamusoro pemaguta gumi. 18 Newechipiri wakasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo shanu. 19 Akati kwaariwo: Newe, uve pamusoro pemaguta mashanu. 20 Zvino umwe wakasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakange ndakachengeta mumucheka wekumeso; 21 nokuti ndakange ndichikutyai, nokuti muri munhu wakaoma; munotora zvamusina kuisa, muchikohwa izvo zvamusina kudzvara. 22 Zvino wakati kwaari: Ndichakutonga nezvino buda mumuromo mako, muranda wakaipa; wakange uchiziva kuti ini ndiri munhu wakaoma, ndichitora zvandisakaisa, nekukohwa izvo zvandisina kudzvara; 23 naizvozvo sei usina kuisa mari yangu mubhanga, kuti kana ndouya ndigozoitora pamwe nezvibereko. 24 Ndokuti kune vakange vamirepo: Mutorerei pondo mupe kune ane pondo gumi. 25 Asi vakati kwaari: Ishe, ane pondo gumi. 26 Nokuti ndinoti kwamuri: Anazvo achapiwa; uye asina, kwaari kuchatorwa nezvaanazvo. 27 Asi vavengi vangu avo, vakange vasingadi kuti nditonge pamusoro pavo, uisai pano, mu va uraye pamberi pangu. 28 Zvino wakati areva zvinhu izvi, akapfuurira mberi, achikwira kuJerusarema. 29 Zvino zvakaitika oswedera kuBhetifage neBhetaniya pagomo rinonzi reMiorivhi, wakatuma vaviri vevadzidzi vake, 30 achiti: Fambai muende mumusha wakatarisana nemwi; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunungure, mugo ri uisa. 31 Zvino kana chero munhu akakubvunzai achiti: Muno ri sunungurirei? Muchataura kwaari kudai: Ishe anorida. 32 Avo vakatumwa vakaenda vakanowana sezvaakange ataura kwavari. 33 Zvino vakati vachisunungura dhongwana, varidzi varo vakati kwavari: Munosunungurirei dhongwana? 34 Ivo ndokuti: Ishe anorida. 35 Zvino vakariuisa kuna Jesu; ndokukanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri. 36 Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira. 37 Zvino wakati oswedera ikozvino pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chese chevadzidzi chikatanga kufara chichirumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ese esimba avakange vaona, 38 vachiti: Wakaropafadzwa mambo anouya muzita raIshe; rugare kudenga, nekubwinya kumusoro-soro. 39 Uye vamwe veVaFarisi vari pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu. 40 Zvino wakapindura akati kwavari: Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe achadanidzira. 41 Zvino wakati aswedera, wakaona guta, akachema pamusoro paro, 42 achiti: Dai newe waiziva, kunyange pazuva rino rako zvinhu zverugare rwako; asi zvino zvakavanzirwa meso ako. 43 Nokuti mazuva achasvika pamusoro pako, apo vavengi vako vachakukandira muchinjiziri wakakupoteredza, vachakukomba, nekukudzvinyidzira pamativi ese, 44 uye vachakuputsira pasi iwe nevana vako mukati mako, havangasii mukati mako ibwe pamusoro pebwe; nokuti hauna kuziva nguva yekushanyirwa kwako. 45 Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakange vachitengesamo nevaitenga, 46 achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti: Imba yangu imba yemunyengetero; asi imwi maiita bako remakororo. 47 Zvino waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vakatsvaka kumuparadza. 48 Asi havana kuwana zvavangaita, nokuti vanhu vese vakamunamatira vachi mu nzwa.

< Ruka 19 >