< Ruka 14 >

1 Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuVaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza. 2 Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe. 3 Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo neVaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata? 4 Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda. 5 Akavapindura achiti: Ndiani wenyu, ungati ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nezuva resabata? 6 Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi. 7 Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanosarudza sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari: 8 Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe anokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye, 9 zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kutora nzvimbo yepasisa nenyadzi. 10 Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe. 11 Nokuti ani nani anozvikwiridzira, achaninipiswa; neanozvininipisa achakwiridzirwa. 12 Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirairo, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivowo vangazokukokazve, ugoripirwa. 13 Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu; 14 uye ucharopafadzwa, nokuti havana zvokukuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama. 15 Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo achadya chingwa paushe hwaMwari. 16 Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirairo chikuru, akakokera vazhinji. 17 Akatuma muranda wake nenguva yekuraira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nokuti zvese zvagadzirwa zvino. 18 Zvino vese vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda ndinomuona; ndinokukumbira, ini undiregerere. 19 Uye umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kunodziidza; ndinokumbira, ini undiregerere. 20 Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya. 21 Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nevanokamhina, nemhetamakumbo, nemapofu. 22 Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo. 23 Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe. 24 Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu. 25 Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari: 26 Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu. 27 Zvino ani nani asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu. 28 Nokuti ndiani wenyu, anoti achida kuvaka shongwe, asingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa? 29 Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vese vanoona vanotanga kumuseka, 30 vachiti: Uyu munhu akatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa. 31 Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, asingatangi agara pasi, akafungisisa kuti angagona here nezvuru gumi kusangana neanouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri? 32 Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, anotuma nhume, akumbire zverugare. 33 Saka saizvozvo, ani nani kwamuri asingasii zvese zvaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu. 34 Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? 35 Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.

< Ruka 14 >