< Ruka 14 >

1 Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuVaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza.
息日,耶穌進了一個法利賽人首領的家中吃飯;他們就留心觀察他。
2 Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe.
在他面前有一個患水臌症的人。
3 Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo neVaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata?
耶穌對法學士及法利賽人說道:「安息日不許治病﹖」
4 Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda.
他們都默然不語。耶穌遂扶著那人,治好他,叫他走了。
5 Akavapindura achiti: Ndiani wenyu, ungati ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nezuva resabata?
然後向他們說:「你們中間,誰的兒子或牛掉在井裏,在安息日這一天,不立拉上來呢﹖」
6 Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.
他們這話不能答辯。
7 Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanosarudza sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari:
耶穌注意到被邀請的人,如何爭選首席,便對他們講了一個比喻說:「
8 Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe anokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye,
幾時你被人請去赴婚筵,不要坐在首席上,怕有比你更尊貴的客也被他請來,
9 zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kutora nzvimbo yepasisa nenyadzi.
那請你而又請他的人要來向你說:請讓坐給這個人! 那時,你就要含羞地去坐末席了。
10 Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe.
你幾時被請,應去坐末席,等那請你的人走來給你說: 朋友,請上坐罷! 那時,在你同席的眾人面前,你才有光彩。
11 Nokuti ani nani anozvikwiridzira, achaninipiswa; neanozvininipisa achakwiridzirwa.
因為凡高舉自己的,必被貶抑;凡貶抑自己的,必被高舉。」
12 Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirairo, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivowo vangazokukokazve, ugoripirwa.
耶穌也向請他的人說:「幾時你設午宴或晚宴,不要請你的朋友、兄弟、親戚及富有的鄰人,怕他們也要回請而還報你。
13 Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu;
但你幾時設宴,要請貧窮的、殘廢的、瘸腿的、瞎眼的人。
14 uye ucharopafadzwa, nokuti havana zvokukuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama.
如此,你有福了,因為他們沒有可報答你的;但在義人復活的時候,你必能得到償報。」
15 Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo achadya chingwa paushe hwaMwari.
有一個同席的聽了這些話,就向耶穌說: 「將來能在天上的國裏吃飯的,才是有福的! 」
16 Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirairo chikuru, akakokera vazhinji.
耶穌給他說: 「有一個人設了盛宴,邀請了許多人。
17 Akatuma muranda wake nenguva yekuraira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nokuti zvese zvagadzirwa zvino.
到了宴會的時刻,他便打發僕人去給被請的人說: 請來罷! 已經齊備了。
18 Zvino vese vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda ndinomuona; ndinokukumbira, ini undiregerere.
眾人開始一致推辭。第一個給他說:我買了一塊田地,必須前去看一看,請你原諒我。
19 Uye umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kunodziidza; ndinokumbira, ini undiregerere.
另一個說:我買了五對牛,要去試試牠們,請你原諒我。
20 Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya.
別的一個說:我才娶了妻,所以不能去。
21 Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nevanokamhina, nemhetamakumbo, nemapofu.
僕人回來這事告訴了主人。家主就生了氣,給僕人說:你快出去,到城中的大街小巷,把那些貧窮的、殘廢的、瞎眼的、瘸腿的,都領到這裏來。
22 Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.
僕人說:主,已經照你的吩咐辦了,可是還有空位子。
23 Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
主人對僕人說:你出去,到大道以及籬笆邊,勉強人進來,子坐滿我的屋子。
24 Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu.
我告訴你們:先前被請到的那些人,沒有一個能嘗我這宴席的。」
25 Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari:
有許多群眾與耶穌同行,耶穌轉身向他們說:「
26 Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu.
如果誰來就我,而不惱恨自己的父親、母親、妻子、兒女、兄弟、姊妹,甚至自己的性命,不能做我的門徒。
27 Zvino ani nani asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu.
不論誰,若不背著自己的十字架,在我後面走,不能做我的門徒。
28 Nokuti ndiani wenyu, anoti achida kuvaka shongwe, asingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa?
你們中間誰願意建造一座塔,而不先坐下籌算費用,是否有力完成呢﹖
29 Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vese vanoona vanotanga kumuseka,
免得他奠基以後,竟不能完工,所有看見的人都要譏笑他,
30 vachiti: Uyu munhu akatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.
說這個人開始建造,而不能完工。
31 Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, asingatangi agara pasi, akafungisisa kuti angagona here nezvuru gumi kusangana neanouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri?
或者一個國王要去同別的國王交戰,那有不先坐下運籌一下,能否以一萬人,去抵抗那領著兩萬來攻打他的呢﹖
32 Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, anotuma nhume, akumbire zverugare.
如果不能,就得趁那國王離得尚遠的時候,派遣使節去求和平的條款。
33 Saka saizvozvo, ani nani kwamuri asingasii zvese zvaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu.
同樣,你們中不論是誰,如不捨棄他的有一切所,就不能做我的門徒。
34 Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei?
鹽原是好的,但如果鹽也失了味道,要用什麼來調和它呢﹖
35 Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
既不利於土壤,又不適於糞料,惟有把它丟在外面。有耳聽的,聽罷! 」

< Ruka 14 >