< Ruka 11 >

1 Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake.
When he finished praying in a certain place, one of his disciples said to him, “Lord, teach us to pray, just as Yochanan also taught his disciples.”
2 Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyikawo sezvachinoitwa kudenga.
He said to them, “When you pray, say, ‘Our Father in heaven, may your name be kept holy. May your Kingdom come. May your will be done on earth, as it is in heaven.
3 Mutipei zuva rimwe nerimwe kudya kwedu kwemazuva ese.
Give us day by day our daily bread.
4 Uye mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti isuwo tinokanganwira ani nani ane ngava kwatiri. Uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa.
Forgive us our sins, for we ourselves also forgive everyone who is indebted to us. Bring us not into temptation, but deliver us from the evil one.’”
5 Akati kwavari: Ndeupi wenyu ane shamwari, uye anoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,
He said to them, “Which of you, if you go to a friend at midnight and tell him, ‘Friend, lend me three loaves of bread,
6 nokuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera;
for a friend of mine has come to me from a journey, and I have nothing to set before him,’
7 uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vadiki vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa.
and he from within will answer and say, ‘Don’t bother me. The door is now shut, and my children are with me in bed. I can’t get up and give it to you’?
8 Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake achamuka akamupa zvese zvaanoshaiwa.
I tell you, although he will not rise and give it to him because he is his friend, yet because of his persistence, he will get up and give him as many as he needs.
9 Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
“I tell you, keep asking, and it will be given you. Keep seeking, and you will find. Keep knocking, and it will be opened to you.
10 Nokuti wese anokumbira anogamuchira; neanotsvaka anowana; neanogogodza anozarurirwa.
For everyone who asks receives. He who seeks finds. To him who knocks it will be opened.
11 Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, angazomupa ibwe? Kanawo hove, angazomupa nyoka panzvimbo yehove here?
“Which of you fathers, if your son asks for bread, will give him a stone? Or if he asks for a fish, he won’t give him a snake instead of a fish, will he?
12 Kanawo kuti akakumbira zai, angazomupa chinyavada here?
Or if he asks for an egg, he won’t give him a scorpion, will he?
13 Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.
If you then, being evil, know how to give good gifts to your children, how much more will your heavenly Father give the Holy Spirit to those who ask him?”
14 Zvino wakange achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika.
He was casting out a demon, and it was mute. When the demon had gone out, the mute man spoke; and the multitudes marvelled.
15 Asi vamwe vavo vakati: Anobudisa madhimoni naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
But some of them said, “He casts out demons by Beelzebul, the prince of the demons.”
16 Uye vamwe vachiidza, vakatsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga.
Others, testing him, sought from him a sign from heaven.
17 Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwese hunopesana huchizvipikisa hunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa.
But he, knowing their thoughts, said to them, “Every kingdom divided against itself is brought to desolation. A house divided against itself falls.
18 Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hungazomira sei? Nokuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri.
If Satan also is divided against himself, how will his kingdom stand? For you say that I cast out demons by Beelzebul.
19 Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
But if I cast out demons by Beelzebul, by whom do your children cast them out? Therefore they will be your judges.
20 Asi kana ndichibudisa madhimoni nemunwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
But if I by God’s finger cast out demons, then God’s Kingdom has come to you.
21 Kana chikakarara chashonga zvombo chichirinda chivanze chacho, nhumbi dzacho dziri murugare;
“When the strong man, fully armed, guards his own dwelling, his goods are safe.
22 asi kana wakasimba kuchipfuura akachirwisa, akachikunda, anotora nhumbi dzacho dzese dzekurwa dzachange chichivimba nadzo, ndokugovera zvaapamba zvacho.
But when someone stronger attacks him and overcomes him, he takes from him his whole armour in which he trusted, and divides his plunder.
23 Asina ini anopesana neni; neasingaunganidzi neni anoparadzira.
“He who is not with me is against me. He who doesn’t gather with me scatters.
24 Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba uchigura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi uchishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda.
The unclean spirit, when he has gone out of the man, passes through dry places, seeking rest; and finding none, he says, ‘I will turn back to my house from which I came out.’
25 Zvino kana wasvika unowana yatsvairwa nekurongedzwa.
When he returns, he finds it swept and put in order.
26 Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, ndokupinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga.
Then he goes and takes seven other spirits more evil than himself, and they enter in and dwell there. The last state of that man becomes worse than the first.”
27 Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa.
It came to pass, as he said these things, a certain woman out of the multitude lifted up her voice and said to him, “Blessed is the womb that bore you, and the breasts which nursed you!”
28 Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.
But he said, “On the contrary, blessed are those who hear the word of God, and keep it.”
29 Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
When the multitudes were gathering together to him, he began to say, “This is an evil generation. It seeks after a sign. No sign will be given to it but the sign of Jonah the prophet.
30 Nokuti Jona sezvaakava chiratidzo kuVaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri.
For even as Jonah became a sign to the Ninevites, so the Son of Man will also be to this generation.
31 Mambokadzi wechamhembe achasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akavapa mhosva; nokuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
The Queen of the South will rise up in the judgement with the men of this generation and will condemn them, for she came from the ends of the earth to hear the wisdom of Solomon; and behold, one greater than Solomon is here.
32 Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona ari pano.
The men of Nineveh will stand up in the judgement with this generation, and will condemn it, for they repented at the proclaiming of Jonah; and behold, one greater than Jonah is here.
33 Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.
“No one, when he has lit a lamp, puts it in a cellar or under a basket, but on a stand, that those who come in may see the light.
34 Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wese uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima.
The lamp of the body is the eye. Therefore when your eye is good, your whole body is also full of light; but when it is evil, your body also is full of darkness.
35 Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chisava rima.
Therefore see whether the light that is in you isn’t darkness.
36 Naizvozvo kana muviri wako wese uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wese, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya.
If therefore your whole body is full of light, having no part dark, it will be wholly full of light, as when the lamp with its bright shining gives you light.”
37 Wakati achitaura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.
Now as he spoke, a certain Pharisee asked him to dine with him. He went in and sat at the table.
38 Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti wakange asina kutanga ashamba asati adya chisvusvuro.
When the Pharisee saw it, he marvelled that he had not first washed himself before dinner.
39 Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi VaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi.
The Lord said to him, “Now you Pharisees cleanse the outside of the cup and of the platter, but your inward part is full of extortion and wickedness.
40 Imwi mapenzi, heya wakaita kunze, haana kuita mukatiwo?
You foolish ones, didn’t he who made the outside make the inside also?
41 Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvese zvichava zvakachena kwamuri.
But give for gifts to the needy those things which are within, and behold, all things will be clean to you.
42 Asi mune nhamo VaFarisi! Nokuti munopa chegumi cheminte neruyi nemiriwo yese, uye muchidarika mutongo nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe.
But woe to you Pharisees! For you tithe mint and rue and every herb, but you bypass justice and God’s love. You ought to have done these, and not to have left the other undone.
43 Mune nhamo VaFarisi! Nokuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika.
Woe to you Pharisees! For you love the best seats in the synagogues and the greetings in the marketplaces.
44 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.
Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! For you are like hidden graves, and the men who walk over them don’t know it.”
45 Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvi munotuka isuwo.
One of the Torah scholars answered him, “Rabbi, in saying this you insult us also.”
46 Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyi neumwe weminwe yenyu.
He said, “Woe to you Torah scholars also! For you load men with burdens that are difficult to carry, and you yourselves won’t even lift one finger to help carry those burdens.
47 Mune nhamo! Nokuti munovaka marinda evaporofita, uye madzibaba enyu akavauraya.
Woe to you! For you build the tombs of the prophets, and your fathers killed them.
48 Naizvozvo munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo.
So you testify and consent to the works of your fathers. For they killed them, and you build their tombs.
49 Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, vamwe vavo vachauraya nekushusha;
Therefore also the wisdom of God said, ‘I will send to them prophets and emissaries; and some of them they will kill and persecute,
50 kuti ropa revaporofita vese rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri,
that the blood of all the prophets, which was shed from the foundation of the world, may be required of this generation,
51 kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri.
from the blood of Abel to the blood of Zechariah, who perished between the altar and the sanctuary.’ Yes, I tell you, it will be required of this generation.
52 Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nokuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira.
Woe to you Torah scholars! For you took away the key of knowledge. You didn’t enter in yourselves, and those who were entering in, you hindered.”
53 Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori neVaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji,
As he said these things to them, the scribes and the Pharisees began to be terribly angry, and to draw many things out of him,
54 vachimuteya, nekutsvaka kubata chinhu chinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.
lying in wait for him, and seeking to catch him in something he might say, that they might accuse him.

< Ruka 11 >