< Ruka 1 >

1 Sezvo vazhinji vakabata kuronga nhoroondo yezvinhu zvakavimbika zvizere pakati pedu,
MURIN me toto ar intiniedier kajoi pan meakan, me kitail kin kamelele,
2 sezvavakapa kwatiri ivo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko,
Duen ir, me kajokajoi on kit, me jaunkakede o papa pan majan jan ni tapi o,
3 zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvese kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro changamire,
I ap pil lamedar, me mau, i en intin won komui, Main Tiopiluj, pwe i lelepokki karoj jan in tapi o kokodo.
4 kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
Pwe komui en aja duen meakan me komui aleer, me pun melel.
5 Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti.
Ni muein Erodej nanmarki en ludiia, jamoro amen mia, kijan pwin on Apia, me mar a Jakariaj, o a paud amen jan nain Aron jeripein oko, me mar a Elijapet.
6 Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemirairo yese nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa.
Ira karoj me pun mon Kot, o ira ineneweita ni en Kaun a kujoned o tiak kan karoj.
7 Uye vakange vasina mwana, nokuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri.
A jota naira jeri, pwe Elijapet li dapwan amen, o ira karoj likailapalar.
8 Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake,
A kadekadeo ni a kapwaiada a dodok en jamero mon Kot ni anjau o, me a pwin pwaijaneki,
9 maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuhwira apinda mutembere yaIshe.
Duen a kin wiaui ren jamero kan, o anjau en ijik mairon lao leler, a kotilon on nan im en kaudok en Kaun o.
10 Zvino chaunga chese chevanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
A pokon kalaimun mi liki, wiawia kapakap ni klok en ijij.
11 Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
A tounlan en Kaun amen pwara don i, kotikot ni pali maun en pei jaraui en potik.
12 Zvino Zakaria wakati achimuona akanetseka, kutya kukamuwira.
Jakariaj lao majani, ap lujikida o majapwekada.
13 Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.
A tounlan o majani on i: Jakariaj, der majak, pwe om kapakap pwaidar, om paud Elijapet pan naitikeda jeri ol amen, a koe pan ki on mar a Ioanej.
14 Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
O a pan kare on uk peren o popol, o me toto pan perenki a ipwidi.
15 Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, haangatongonwi waini kana zvinodhaka; uye achazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake.
Pwe a pan lapalap ren Kaun o, a jota pan nim wain, pil jo eu jon en joko; a pan dir en Nen jaraui nan kupur en in a.
16 Nevazhinji vevana vaIsraeri achatendeusira kuna Ishe Mwari wavo;
A me toto ren nain Ijrael akan, me a pan kawuki on Kaun ar Kot.
17 uye iye achafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa.
A pan tion mo a ni nen o rojon en Eliaj, pwen kawuki on jeri kan monion en jam arail akan o me jopeik kan on lamalam en me pun kan, pwen kaonopadan Kaun o pwin aramaj lelapok eu.
18 Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nokuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake.
A Jakariaj majani on tounlan o: Da me i en ajaki me wet? Pwe I ol laudalar amen, o ai paud pil likailapalar.
19 Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, anomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
A tounlan japen majani on i: Nai Kapriel, me kin ariri Kot, o me pakadarado, en lokaia on uk, o wa don uk ronamau pukat.
20 Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.
Kilan, koe pan loton la, o jaja lokaia lao lel ran o, me mepukat pan pwaida, pweki om jota kamelele ai kajoi, me pan pwaida ni a anjau.
21 Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.
A pokon o auiaui Jakariaj, puriamuiki a pwapwand nan im ni kaudok.
22 Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti akange aona chiratidzo mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumumu.
A lao pedoi jan, a jolar kak majan on irail. Irail ap dedeki, me e udial manaman eu nan im en kaudok o. A olol on irail o lotonlar.
23 Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.
Kadekadeo ran akan en a dodok lao nikier, a kotin purelan japwe koieilan im a.
24 Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
Murin ran pukat a paud Elijapet lijeanda o mimieta nan deu a jaunipon limau indada:
25 Ishe wandiitira saizvozvi nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.
Iduen Kaun o kotin wiai on ia ni ran oko, ni a kotin majan don ia, pwen kotiki jan ia kanamenok pai ren aramaj.
26 Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhirieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta,
Ni kawonu en jaunipon tounlan Kapriel pakadarala jan ren Kot on nan kanim en Kalilaa eu, me ad a Najaret,
27 kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume zita rake raiva Josefa, weimba yaDhavhidhi; uye zita remhandara riri Maria.
Ren jeripein makelekel amen, me kijin nin on ol amen, me mar a Iojep, kijan kadaudok en Dawid; jeripein makelekel o adaneki Maria.
28 Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe anewe, wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi.
Tounlan o kotilon on nan deu a majani on i: Kajelelia Main, kom meid pai, Kaun o kotikot re omui! Kom meid pai nan pun en li akan!
29 Iye wakati achimuona akanetseka neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai.
A lao kilaner i, o ronadar a majan, ap majapwekadar madamadaua: Duen jon en ranamau o.
30 Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nokuti wawana nyasha kuna Mwari.
A tounlan majani on i: Maria, ender majak, pwe komui me konekonelar ren Kot.
31 Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu.
A kilan, komui pan lijeanda o naitikeda jeri ol amen, a komui pan ki on mar a Iejuj.
32 Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari achapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi.
Nan i me pan lapalap, o a pan maraneki Japwilim en Kaun lapalap, o Kaun Kot pan kotiki on i mol en jam a Dawid.
33 Achatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahungavi nemugumo. (aiōn g165)
O a pan kakaunda kadaudok en Iakop kokolata, o japwilim a wei jota pan imwila. (aiōn g165)
34 Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nokuti handizivi murume?
Maria ap majani on tounlan o: Daduen mepukat pan kak wiaui, aki i jaja ol amen?
35 Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWekumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.
Tounlan o kotin japen majani on i: Nen jaraui pan kotin ti po omui o rojon en Kaun lapalap pan kipa komui di, i me jaraui o, me pan ipwi jan komui, pan marenki: Japwilim en Kot.
36 Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje.
O majani, ri om Elijapet pil lijeandar ni a likailapala, a pan neitikeda jeri ol amen, a kawonu en jaunipon anjau wet; iei i me dapwan,
37 Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki.
Pwe jota meakot, me Kot jota kak on.
38 Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.
A Maria potoan on: Majani, nai lidu en Kaun o; en wiaui on ia duen omui majan. Tounlan o ap kotila jan re a.
39 Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yezvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha;
I ran oko Maria madan kotila pon nana o nan kanim en luda eu,
40 akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.
Ap pedelon on nan im en Jakariaj o ranamau on Elijapet.
41 Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,
Kadekadeo Elijapet lao roner en Maria a ranamau on i, jeri o ap mokideda nan kaped a; a Elijapet ap direkila Nen jaraui,
42 akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!
O nil laudeda majani: Komui meid pai ren li akan, o meid iajanai ipwin kupur omui!
43 Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kwandiri?
A iaduen pai wet a ko jan ia, pwe in en ai Kaun koti don ia?
44 Nokuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro.
Majani, ni ai roner omui ranamau, jeri o ap mokideda nan kaped i aki a peren.
45 Uye wakaropafadzwa anotenda, nokuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.
O komui meid pai, pweki komui pojon! Pwe a pan pwaida, me Kaun o kotin majani on komui.
46 Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
Maria ap majani: Lol ai kapina Kaun o,
47 nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu;
O nen i perenki Kot ai Jaunkamaur.
48 nokuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nokuti tarira, kubva zvino mazera ese achati ndakaropafadzwa.
Pwe a kotin kupurala japwilim a lidu tikitik o. Kilan, jan met o kokolata di karoj pan kapai kin ia,
49 Nokuti ane masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene.
Pwe a kotin wiaer jon en manaman on ia, me lapalap o mar a me jaraui.
50 Netsitsi dzake dziri kuna avo vanomutya kubva kumazera kusvika kumazera.
A kotin kalanan on di karoj kokolata, on irail me kin lan i.
51 Wakaita zvine simba neruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo.
O a kotin wia kida lim a manaman akan. O a kotin kara wan pajan, me kin lemai nan monion arail.
52 Wakaburusa vane masimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakaderera.
A kotin jikin wei jaupeidi kan jan mol ar, ap id kajapwilada me tikitik kan.
53 Vane nzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu.
A kotin kamede kida kapwa me men manadar akan, ap kotin kadarala kaip me kapwapwa kan.
54 Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi,
A kotin upor kin japwilim a ladu Ijrael, o kotin tamataman a kalanan,
55 sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahama nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)
Duen a kotin majani on jam atail akan, on Apraam o kadaudok a kokolata. (aiōn g165)
56 Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumba kwake.
A Maria kotikot re a jaunipon jilu, ap purelan im a.
57 Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana.
Ari, anjaun Elijapet leler pwen naitik, a naitikeda jeri ol amen.
58 Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakange amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye.
O men imp a kan o jau i ronadar, me Kaun o kotin kupura i, rap ian i peren kida.
59 Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza maererano nezita rababa vake Zakaria.
Kadekadeo auel en ran o re pwara don jirkomjaij jeri o; ir ari ki on mar en jam a Jakariaj.
60 Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi achanzi Johwani.
A in a japen indada: O kaidin, pwe a pan maraneki Ioanej.
61 Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzako anodaidzwa nezita iri.
lrail ap indan i: Nan jota jau om men me maraneki met.
62 Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani.
Irail ap olol on jam a, duen me a mauki, jeri en adaneki.
63 Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vese.
I ari poeki jlet eu, ap intiniedier o majani: A pan adaneki loanej. Irail karoj ap puriamuiki.
64 Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari.
A madan jilan i wajok pajan o tenap a japadokada; i ari majani o kapina Kot.
65 Kutya kukawira vese vaigara vakavakomba; nemashoko awa ese akataurwa kunyika yese yezvikomo yeJudhiya.
A majak kipadi karoj, me kaukaujon imp ar, o wiawia pukat lolok jili pon nana en Iudaa karoj.
66 Zvino vese vakanzwa, vakazviisa mumoyo mavo, vachiti: Mucheche uyu achazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.
A karoj me ronadar, kin nekinekid nan monion arail, indada: Da me jeri men et pan wiala? Pwe lim en Kaun o kotin ian i.
67 Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
A jam a Jakariaj direkila Nen jaraui ap kokopada majani:
68 Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira nekuita rudzikunuro kuvanhu vake;
Kapina on Kaun Kot en Ijrael, pwe a kotidier ren japwilim a aramaj akan dore ir ala.
69 akatisimudzira runyanga rweruponeso mumba maDhavhidhi muranda wake;
O kotin wiadan kitail kamaur patail jan nan kadaudok en japwilim a ladu Dawid.
70 sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare; (aiōn g165)
Duen a kotin majanier ren japwilim a jaukop jaraui kan, jan tapin kaua kokodo, (aiōn g165)
71 ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavese vanotivenga;
Me a pan kotin dore kitail la jan ren atail imwintiti o jan nan pa en me kailon kin kitail,
72 kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene,
O kotin kalanan on jam atail akan, o kotin kupureda a inau jaraui,
73 mhiko yaakapika kuna Abhurahama baba vedu;
O kaula eu, me a kotin kauki on jam atail Apraam, en kotiki on kitail.
74 kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi;
Pwe jen dore jan nan pa en atail imwintiti, ap papa i jo majak,
75 muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ese eupenyu hwedu.
Nin tiak lelapok o pun mon jilan i ran karoj kokolata.
76 Newe mucheche, uchanzi muporofita weWekumusoro-soro, nokuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake;
A koe nai jeri pan adaneki: Jaukop en me lapalap o, pwe koe pan tion mon jilan en Kaun o, pwen kuonopada japwilim a al akan
77 kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake mukanganwiro yezvivi zvavo;
Pwen kawewe on japwilim a aramaj kamaur, iei lapwa pan dip ar akan;
78 netsitsi dzemoyo dzaMwari wedu, mauri mambakwedza anobva kumusoro anotishanyira;
Pweki en atail Kot a kalanan melel, me marain dakaraki don kitail jan poa.
79 kuvhenekera vagere murima nemumvuri worufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.
Pwen kamaraini toun pali rotorot o mot en mela, o kainen on na atail nan al en popol.
80 Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvikira zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.
A jeri o kakairida, o kelail ni nen e, o a kin mimi nan jap tan, lao a pan janjal on Ijrael.

< Ruka 1 >