< Judha 1 >

1 Judha muranda waJesu Kristu, uye munin'ina waJakobho, kune vakaitwa vatsvene muna Mwari Baba, uye vakachengetedzwa muna Jesu Kristu, vakadanwa:
To those who, having received the call, have been loved by God the Father and protected by Jesus Christ, From Jude, a servant of Jesus Christ, and the brother of James.
2 Tsitsi kwamuri, nerugare, nerudo, ngazvipamhidzirwe.
May mercy, peace, and love be yours in ever increasing measure.
3 Vadikanwi, ndichiita kushingaira kwese kukunyorerai zvekuponeswa kwedu tese, zvakange zvakandifanira kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire rutendo rwakapiwa vatsvene kamwe.
Dear friends, while I was making every effort to write to you about our common salvation, I felt that I must write to you at once to encourage you to fight in defence of the faith that has once for all been entrusted to the keeping of Christ’s people.
4 Nokuti kuna vamwe vanhu vakapinda nekunyangira, vakagara vanyorerwa kupiwa mhosva uku, vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu kuita unzenza, uye vachiramba Tenzi umwe wega Mwari, naIshe wedu Jesu Kristu.
For there have crept in among you certain godless people, whose sentence has long since been pronounced, and who make the mercy of God an excuse for profligacy, and disown our only lord and master, Jesus Christ.
5 Asi ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maiziva ichi kamwe, kuti Ishe aponesa vanhu munyika yeEgipita, pashure akazoparadza avo vakange vasingatendi.
Now I want to remind you – but you already know it all – that, though the Lord delivered the people from Egypt, yet he afterwards destroyed those who refused to believe in him;
6 Nevatumwa vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya ugaro hwavo pachavo, wakavachengetera kutonga kwezuva guru nezvisungo zvekusingaperi pasi perima. (aïdios g126)
and that even those angels, who did not keep to their appointed spheres, but left their proper homes, have been kept by him for the judgment of the great day in everlasting chains and black darkness. (aïdios g126)
7 SeSodhoma neGomora, nemaguta akaapoteredza, akazvikumikidza kuupombwe nenzira yakafanana nawo, nekutevera imwe nyama, akaitwa mufananidzo pachena, akatambudzika pakurangwa nemoto usingaperi. (aiōnios g166)
Like Sodom and Gomorrah and the towns near them, which gave themselves up to fornication, and fell into unnatural vice, these angels now stand out as a warning, undergoing, as they are, punishment in eternal fire. (aiōnios g166)
8 Saizvozvowo neimwe nzira neava vachirota zvirokwazvo vanosvibisa nyama, vachiramba utongi, nekutuka ukuru.
Yet in the same way these people, too, cherishing vain dreams, pollute our human nature, reject control, and malign the celestial beings.
9 Asi Mikaeri mutumwa mukuru, nguva yaakapokana nadhiabhorosi akakakavara pamusoro pemutumbi waMozisi, haana kushinga kumupa mhosva nemutongo wekutuka, asi wakati: Ishe ngaakutsiure.
Yet even Michael, the archangel, when, in his dispute with the devil, he was arguing about the body of Moses, did not venture to charge him with maligning, but said merely “The Lord rebuke you!”
10 Asi ava vanotuka zvese zvavasingazivi; asi zvese zvavanoziva pachisikirwo, semhuka dzisina pfungwa, vanozviparadza muzvinhu izvi.
But these people malign whatever they do not understand; while they use such things as they know by instinct (like the animals that have no reason) for their own corruption.
11 Vane nhamo! Nokuti vakafamba nenzira yaKaini, uye vakazviwisira mukutsauka kwaBharami nekuda kwemubairo, vakaparadzwa panharo dzaKora.
Alas for them! They walk in the steps of Cain; led astray by Balaam’s love of gain, they plunge into sin, and meet their ruin through rebellion like Korah.
12 Ava makwapa pamabiko enyu erudo, kana vachipemberera nemwi, vachizvifunda vasina kutya; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando, isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa;
These are the people who are blots on your “love-feasts,” when they feast together and provide without scruple for themselves alone. They are clouds without rain, driven before the winds; they are leafless trees without a vestige of fruit, dead through and through, torn up by the roots;
13 mafungu egungwa anopengereka, anopupuma nyadzi dzawo pachawo; nyeredzi dzinongombeya, vakachengeterwa kusviba kwerima nekusingaperi. (aiōn g165)
they are wild sea waves, foaming with their own shame; they are “wandering stars,” for which the blackest darkness has been reserved for ever. (aiōn g165)
14 NaEnokiwo wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofita zvaivava achiti: Tarira, Ishe wakauya nevatsvene vake zvuru zvamazana,
To these people, as to others, Enoch, the seventh in descent from Adam, declared – “See! The Lord has come with his hosts of holy ones around him,
15 kuzoita mutongo unopikisa vese, nekupa mhosva vese vavo vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ese ekusada Mwari, avakaita mukusada Mwari, nepamusoro pezvikukutu zvese vatadzi vasingadi Mwari zvavakataura maererano naye.
to execute judgment on all people, and to convict all godless people of all their godless acts, which in their ungodliness they have committed, and of all the harsh words which they have spoken against him, godless sinners that they are!”
16 Ava van'un'uni, vasingagutsikani, vanofamba nekuchiva kwavo; uye muromo wavo unotaura zvekuzvikudza, vachirumbidza vanhu nekuda kwemubairo.
These people are always murmuring, and complaining of their lot; they follow where their passions lead them; they have arrogant words on their lips; and they flatter others for the sake of what they can get from them.
17 Asi imwi vadikanwi, rangarirai mashoko akagara ataurwa nevaapositori vaIshe wedu Jesu Kristu;
But you should, dear friends, recall what was foretold by the apostles of our Lord Jesus Christ;
18 kuti vakati kwamuri: Panguva yekupedzisira vaseki vachavapo, vachafamba nekuchiva kwavo kwekusada Mwari.
how they used to say to you – “As time draws to an end, there will be scoffers, who will be led by their godless passions.”
19 Ava ndivo vanozviparadzanisa, ndevechisikirwo, vasina Mweya.
These are the people – animal and unspiritual – who cause divisions.
20 Asi imwi vadikanwi, muchizvivaka parutendo rwenyu rwutsvene-tsvene, muchinyengetera muMweya Mutsvene,
But you must, dear friends, build up your characters on the foundation of your most holy faith, pray under the guidance of the Holy Spirit,
21 muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarisira tsitsi dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kusvikira kuupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
and keep within the love of God, while waiting for the mercy of our Lord Jesus Christ, to bring you to eternal life. (aiōnios g166)
22 Ivaiwo netsitsi nevamwe muchipa mutsauko,
To some show pity, because they are in doubt. “Drag them out of the fire,” and save them.
23 asi vamwe muvaponese nekutya, muchivabvuta kubva mumoto; muchivenga kunyange nguvo yakasvibiswa nezvinobva panyama.
To others show pity, but with caution, hating the clothing polluted by their touch.
24 Zvino kuna iye anogona kukuchengetai pasina kugumburwa, nekukuteyai musina chamungapomerwa pamberi pekubwinya kwake mumufaro mukuru,
To him who is able to guard you from falling, and to bring you into his glorious presence, blameless and rejoicing –
25 kuna Mwari umwe wakachenjera, Muponesi wedu, ngakuve nekubwinya uye ukuru, simba uye umambo, ikozvinowo narinhi kwese. Ameni. (aiōn g165)
to the one God, our Saviour, be ascribed, through Jesus Christ, our Lord, glory, majesty, power, and dominion, as it was before time began, is now, and will be for all time to come. Amen. (aiōn g165)

< Judha 1 >