< VaHebheru 13 >

1 Rudo rweukama ngarugare.
Ἡ φιλαδελφία μενέτω.
2 Musakanganwa kugamuchira vaeni; nokuti mukudaro vamwe vakagamuchira vatumwa vasingazvizivi.
τῆς φιλοξενίας μὴ ἐπιλανθάνεσθε· διὰ ταύτης γὰρ ἔλαθόν τινες ξενίσαντες ἀγγέλους.
3 Rangarirai vasungwa, semakasungwa pamwe navo; vanoitirwa zvakaipa, sezvinonzi ndimwiwo muri pamuviri.
μιμνήσκεσθε τῶν δεσμίων ὡς συνδεδεμένοι, τῶν κακουχουμένων ὡς καὶ αὐτοὶ ὄντες ἐν σώματι.
4 Wanano ngaikudzwe kune vese, nenhovo irege kusvibiswa; asi Mwari achatonga mhombwe nezvifeve.
τίμιος ὁ γάμος ἐν πᾶσιν, καὶ ἡ κοίτη ἀμίαντος· πόρνους γὰρ καὶ μοιχοὺς κρινεῖ ὁ θεός.
5 Mararamiro enyu ngaave ekusakarira mari; gutsikanai nezvinhu zviripo; nokuti iye wakati: Handingatongokurasi, uye handingatongokusii.
ἀφιλάργυρος ὁ τρόπος· ἀρκούμενοι τοῖς παροῦσιν· αὐτὸς γὰρ εἴρηκεν, Οὐ μή σε ἀνῶ, οὐδ᾽ οὐ μή σε ἐγκαταλίπω·
6 Naizvozvo tingashinga tichiti: Ishe mubatsiri wangu, uye handingatyi munhu zvaangandiitira.
ὥστε θαῤῥοῦντας ἡμᾶς λέγειν, Κύριος ἐμοὶ βοηθός, [καὶ] οὐ φοβηθήσομαι· τί ποιήσει μοι ἄνθρωπος;
7 Rangarirai vanokutungamirirai, vakataura kwamuri shoko raMwari; muchicherekedza kuguma kwemafambiro avo, teverai rutendo rwavo.
μνημονεύετε τῶν ἡγουμένων ὑμῶν, οἵτινες ἐλάλησαν ὑμῖν τὸν λόγον τοῦ θεοῦ, ὧν ἀναθεωροῦντες τὴν ἔκβασιν τῆς ἀναστροφῆς, μιμεῖσθε τὴν πίστιν.
8 Jesu Kristu wakadaro zuro nanhasi, nekusingaperi. (aiōn g165)
Ἰησοῦς χριστὸς ἐχθὲς καὶ σήμερον ὁ αὐτός, καὶ εἰς τοὺς αἰῶνας. (aiōn g165)
9 Musakukurwa nedzidziso dzakasiyana-siyana uye dzisingazikanwi; nokuti chinhu chakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha, kwete nekudya, kwavasina kubatsirwa nako ivo vakafamba makuri.
διδαχαῖς ποικίλαις καὶ ξέναις μὴ παραφέρεσθε· καλὸν γὰρ χάριτι βεβαιοῦσθαι τὴν καρδίαν, οὐ βρώμασιν, ἐν οἷς οὐκ ὠφελήθησαν οἱ περιπατοῦντες.
10 Tine aritari, pavasina kodzero yekudya pairi ivo vanoshumira tabhenakeri.
ἔχομεν θυσιαστήριον, ἐξ οὗ φαγεῖν οὐκ ἔχουσιν ἐξουσίαν οἱ τῇ σκηνῇ λατρεύοντες.
11 Nokuti mhuka idzo, dzakaisirwa ropa radzo panzvimbo tsvene nemupristi mukuru nekuda kwechivi, mitumbi yadzo inopiswa kunze kwemusasa.
ὧν γὰρ εἰσφέρεται ζῴων τὸ αἷμα περὶ ἁμαρτίας εἰς τὰ ἅγια διὰ τοῦ ἀρχιερέως, τούτων τὰ σώματα κατακαίεται ἔξω τῆς παρεμβολῆς·
12 Naizvozvo naJesuwo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake pachake wakatambudzika kunze kwesuwo.
διὸ καὶ Ἰησοῦς, ἵνα ἁγιάσῃ διὰ τοῦ ἰδίου αἵματος τὸν λαόν, ἔξω τῆς πύλης ἔπαθεν.
13 Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemusasa, takatakura kunyadziswa kwake.
τοίνυν ἐξερχώμεθα πρὸς αὐτὸν ἔξω τῆς παρεμβολῆς, τὸν ὀνειδισμὸν αὐτοῦ φέροντες·
14 Nokuti pano hatina guta rinogara, asi tinotsvaka rinouya.
οὐ γὰρ ἔχομεν ὧδε μένουσαν πόλιν, ἀλλὰ τὴν μέλλουσαν ἐπιζητοῦμεν.
15 Naizvozvo kubudikidza naye ngatirambe tichibaira chibairo chekurumbidza kuna Mwari, ndicho chibereko chemiromo ichibvuma zita rake.
δι᾽ αὐτοῦ [οὖν] ἀναφέρωμεν θυσίαν αἰνέσεως διὰ παντὸς τῷ θεῷ, τουτέστιν, καρπὸν χειλέων ὁμολογούντων τῷ ὀνόματι αὐτοῦ.
16 Asi musakanganwa kuita zvakanaka nekudyidzana; nokuti Mwari anofadzwa nezvibairo zvakadaro.
τῆς δὲ εὐποιΐας καὶ κοινωνίας μὴ ἐπιλανθάνεσθε· τοιαύταις γὰρ θυσίαις εὐαρεστεῖται ὁ θεός.
17 Teererai vanokutungamirirai, uye muzviise pasi pavo; nokuti ava vanorindira mweya yenyu, sevachazopa rondedzero, kuti vaite izvozvo nemufaro, kwete nekugomera; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi.
Πείθεσθε τοῖς ἡγουμένοις ὑμῶν, καὶ ὑπείκετε· αὐτοὶ γὰρ ἀγρυπνοῦσιν ὑπὲρ τῶν ψυχῶν ὑμῶν, ὡς λόγον ἀποδώσοντες· ἵνα μετὰ χαρᾶς τοῦτο ποιῶσιν, καὶ μὴ στενάζοντες· ἀλυσιτελὲς γὰρ ὑμῖν τοῦτο.
18 Tinyengetererei; nokuti tinovimba kuti tine hana yakanaka, tichida kufamba zvakanaka pazvinhu zvese;
προσεύχεσθε περὶ ἡμῶν· πειθόμεθα γὰρ ὅτι καλὴν συνείδησιν ἔχομεν, ἐν πᾶσιν καλῶς θέλοντες ἀναστρέφεσθαι
19 uye ndinokukumbirisisai kuti muite izvozvi, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.
περισσοτέρως δὲ παρακαλῶ τοῦτο ποιῆσαι, ἵνα τάχιον ἀποκατασταθῶ ὑμῖν.
20 Zvino Mwari werugare, wakadzosa kubva kuvakafa Mufudzi mukuru wemakwai, neropa resungano yekusingaperi, iye Ishe wedu Jesu, (aiōnios g166)
Ὁ δὲ θεὸς τῆς εἰρήνης, ὁ ἀναγαγὼν ἐκ νεκρῶν τὸν ποιμένα τῶν προβάτων τὸν μέγαν ἐν αἵματι διαθήκης αἰωνίου, τὸν κύριον ἡμῶν Ἰησοῦν, (aiōnios g166)
21 ngaakupereredzei pabasa rese rakanaka kuti muite chido chake, achiita mukati menyu izvo zvinofadza pamberi pake kubudikidza naJesu Kristu, ngaave nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
καταρτίσαι ὑμᾶς ἐν παντὶ ἔργῳ ἀγαθῷ, εἰς τὸ ποιῆσαι τὸ θέλημα αὐτοῦ, ποιῶν ἐν ὑμῖν τὸ εὐάρεστον ἐνώπιον αὐτοῦ, διὰ Ἰησοῦ χριστοῦ· ᾧ ἡ δόξα εἰς τοὺς αἰῶνας τῶν αἰώνων. ἀμήν. (aiōn g165)
22 Asi ndinokukumbirisai, hama, gamuchirai makatsunga shoko rekurudziro, nokutiwo ndakunyorerai nemashoko mashoma.
Παρακαλῶ δὲ ὑμᾶς, ἀδελφοί, ἀνέχεσθε τοῦ λόγου τῆς παρακλήσεως· καὶ γὰρ διὰ βραχέων ἐπέστειλα ὑμῖν.
23 Zivai kuti Timotio hama yedu wakasunungurwa, kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai ndinaye.
γινώσκετε τὸν ἀδελφὸν ἡμῶν Τιμόθεον ἀπολελυμένον, μεθ᾽ οὗ, ἐὰν τάχιον ἔρχηται, ὄψομαι ὑμᾶς.
24 Kwazisai vese vanokutungamirirai, nevatsvene vese. Vanobva Itaria vanokukwazisai.
Ἀσπάσασθε πάντας τοὺς ἡγουμένους ὑμῶν, καὶ πάντας τοὺς ἁγίους. ἀσπάζονται ὑμᾶς οἱ ἀπὸ τῆς Ἰταλίας.
25 Nyasha ngadzive nemwi mese. Ameni.
Ἡ χάρις μετὰ πάντων ὑμῶν. ἀμήν. ΠΡΟΣ ἙΒΡΑΙΟΥΣ.

< VaHebheru 13 >