< VaKorose 1 >

1 Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama,
Paul, an Apostle of Jesus Christ, by the purpose of God, and Timothy our brother,
2 kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu dziri paKorose: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
To the saints and true brothers in Christ at Colossae: Grace to you and peace from God our Father.
3 Tinovonga Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, tichikunyengetererai nguva dzese,
We give praise to God the Father of our Lord Jesus Christ, making prayer for you at all times,
4 sezvo takanzwa zverutendo rwenyu muna Kristu Jesu, uye zverudo kuvatsvene vese,
After hearing of your faith in Christ Jesus, and of the love which you have for all the saints,
5 nekuda kwetariro yakaisirwa imwi kumatenga, yamakagara manzwa pashoko rechokwadi cheevhangeri,
Through the hope which is in store for you in heaven; knowledge of which was given to you before in the true word of the good news,
6 yasvika kwamuri sepanyika yesewo; ichibereka chibereko, sezvainoitawo kwamuri, kubvira pazuva ramakanzwa nekuziva nyasha dzaMwari muchokwadi;
Which has come to you; and which in all the world is giving fruit and increase, as it has done in you from the day when it came to your ears and you had true knowledge of the grace of God;
7 sezvamakadzidzawo kuna Epafrasi, muranda anodikanwa pamwe nesu, anova mushumiri wakatendeka waKristu nekuda kwenyu,
As it was given to you by Epaphras, our well-loved helper, who is a true servant of Christ for us,
8 wakatiudzawo zverudo rwenyu muMweya.
And who, himself, made clear to us your love in the Spirit.
9 Nekuda kweizvi isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatimiri kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwechido chake pauchenjeri hwese nekunzwisisa kwemweya,
For this reason, we, from the day when we had word of it, keep on in prayer for you, that you may be full of the knowledge of his purpose, with all wisdom and experience of the Spirit,
10 kuti mufambe zvinofanira Ishe pane zvese zvinofadza, muchibereka zvibereko pabasa rese rakanaka, muchikura paruzivo rwaMwari;
Living uprightly in the approval of the Lord, giving fruit in every good work, and increasing in the knowledge of God;
11 muchisimbiswa nesimba rese, zvichienderana nesimba rekubwinya kwake, pamoyo murefu wese nekutsungirira pamwe nemufaro;
Full of strength in the measure of the great power of his glory, so that you may undergo all troubles with joy;
12 muchivonga kuna Baba, vakatiita kuti tifanire kugoverana kwenhaka yevatsvene muchiedza,
Giving praise to the Father who has given us a part in the heritage of the saints in light;
13 vakatinunura pasimba rerima, vakatishandurira muushe hweMwanakomana werudo rwavo,
Who has made us free from the power of evil and given us a place in the kingdom of the Son of his love;
14 watine dzikunuro maari neropa rake, ndiko kukanganwirwa kwezvivi.
In whom we have our salvation, the forgiveness of sins:
15 Anova mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rechisikwa chega-chega.
Who is the image of the unseen God coming into existence before all living things;
16 Nokuti maari zvinhu zvese zvakasikwa, zviri kumatenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zveushe, kana umambo, kana ukuru, kana masimba; zvinhu zvese zvakasikwa naye, zvikasikirwa iye.
For by him all things were made, in heaven and on earth, things seen and things unseen, authorities, lords, rulers, and powers; all things were made by him and for him;
17 Ndiyewo anotangira zvinhu zvese, uye zvinhu zvese zvakabatanidzwa maari.
He is before all things, and in him all things have being.
18 Uye iye musoro wemuviri, wekereke; anova kutanga, dangwe kubva kune vakafa; kuti pazvese iye ave wekutanga;
And he is the head of the body, the church: the starting point of all things, the first to come again from the dead; so that in all things he might have the chief place.
19 nokuti zvakafadza Baba, kuti kuzara kwese kugare maari,
For God in full measure was pleased to be in him;
20 uye ayananisa naye zvinhu zvese kwaari, aita rugare neropa remuchinjikwa wake kubudikidza naiye, kunyange zviri panyika kunyange zviri kumatenga.
Through him uniting all things with himself, having made peace through the blood of his cross; through him, I say, uniting all things which are on earth or in heaven.
21 Nemwi maimbova vaeni nevavengi mufungwa nemabasa akaipa, asi ikozvinowo wayanana nemwi
And you, who in the past were cut off and at war with God in your minds through evil works, he has now made one
22 mumuviri wenyama yake kubudikidza nerufu, akukumikidzei muri vatsvene uye musina mhosva uye musingamhuriki pamberi pake;
In the body of his flesh through death, so that you might be holy and without sin and free from all evil before him:
23 zvino kana muchirambira parutendo makateyiwa uye makasimbiswa, uye hamubviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa chisikwa chega-chega chiri pasi pedenga; iyo yandakaitwa mushumiri wayo ini Pauro.
If you keep yourselves safely based in the faith, not moved from the hope of the good news which came to you, and which was given to every living being under heaven; of which I, Paul, was made a servant.
24 Zvino ikozvino ndinofara pamatambudziko angu nekuda kwenyu, nekuzadzisa zvakasara pamatambudziko aKristu munyama yangu nekuda kwemuviri wake, unova kereke;
Now I have joy in my pain because of you, and in my flesh I undergo whatever is still needed to make the sorrows of Christ complete, for the salvation of his body, the church;
25 ini yandakaitwa mushumiri wayo zvichienderana nekubatiswa kwaMwari chandakapiwa pamusoro penyu, kuzadzisa shoko raMwari,
Of which I became a servant by the purpose of God which was given to me for you, to give effect to the word of God,
26 chakavanzika chakange chakavanzwa kubvira kare uye kubva kumazera, asi ikozvino chinoratidzwa kuvatsvene vake, (aiōn g165)
The secret which has been kept from all times and generations, but has now been made clear to his saints, (aiōn g165)
27 kune ivo Mwari vaakada kuzivisa kuti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya;
To whom God was pleased to give knowledge of the wealth of the glory of this secret among the Gentiles, which is Christ in you, the hope of glory:
28 watinoparidza isu, tichiyambira munhu umwe neumwe, nekudzidzisa munhu umwe neumwe munjere dzese, kuti tikumikidze munhu umwe neumwe akakwana muna Kristu Jesu;
Whom we are preaching; guiding and teaching every man in all wisdom, so that every man may be complete in Christ;
29 ndizvo zvandinoshingairirawo, ndichirwa zvinoenderana nekubata kwake kunobata mandiri nesimba.
And for this purpose I am working, using all my strength by the help of his power which is working in me strongly.

< VaKorose 1 >