< Mabasa 11 >

1 Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari.
The apostles and [other] believers who lived in various towns in Judea [province] heard people say that [some] non-Jewish people had believed the message [from] God [about Jesus].
2 Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye,
So when Peter [and the six other believers] returned [from Caesarea] to Jerusalem, [some] Jewish believers criticized Peter, [because they thought that Jews should not associate with non-Jews] [MTY].
3 vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.
They said to him, “Not only was it wrong for you(sg) to visit non-Jewish people, you [even] ate with them!”
4 Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti:
So Peter began to explain exactly [what had happened concerning Cornelius].
5 Ini ndakange ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri;
He said, “I was praying [by myself] in Joppa [town], and in a trance I saw a vision. I saw that something like a large sheet was being lowered from heaven. [It was tied with ropes] at its four corners, and it came down to where I was.
6 wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.
As I was looking intently into it, I saw some tame animals [but also animals that our laws forbid us to eat, including] wild animals, snakes, and wild birds.
7 Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye.
Then I heard God [MTY] commanding me, ‘Peter, get up, kill [some of these], and [cook and] eat [their meat]!’
8 Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nokuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu.
But I replied, ‘Lord, [you(sg)] surely do not [really want me to do that], because I have never eaten [MTY] meat [from any animal] that [our laws say] that we [(exc)] must not eat [SYN]!’
9 Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba.
God spoke from heaven [to me] a second time, ‘[I am] God, [so] if I have made something acceptable [to eat], do not say that it is not acceptable [to eat]!’
10 Uye izvi zvakaitika kusvikira katatu, zvese ndokukweverwazve kumusoro kudenga.
Then [after that happened three times, the sheet with] all [those animals and birds] was pulled up into heaven again.”
11 Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandakange ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya.
“At that exact moment, three men who had been {whom [Cornelius] had} sent from Caesarea arrived at the house where I was staying.
12 Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisiri asina chokwadi nechinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu;
[God’s] Spirit told me that I should be willing to go with them [even though they were not Jews]. These six [Jewish] believers [from Joppa] went with me [to Caesarea], and then we [(exc)] went into that [non-Jewish] man’s house.
13 iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, anonzi Petro,
He told us that he had seen an angel standing in his house. The angel told him, ‘Tell some [men] to go to Joppa and bring back Simon whose other name is Peter.
14 achakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yese.
He will tell you [(sg)] how you and everyone [MTY] else in your house will be saved {how [God] will save you and everyone [MTY] else in your house}.’
15 Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavowo, sezvazvakaita pamusoro pedu pakutanga.
After I started to speak, the Holy Spirit [suddenly] came down on them, just like he had first [MTY] come on us [during the Pentecost festival].
16 Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene.
Then I remembered what the Lord had said: ‘John caused people to be baptized in water, but [God] will cause the Holy Spirit [to enter you and change your lives.’]
17 Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari?
God gave those non-Jews the same Holy Spirit that he had given to us [(inc)] after we believed in the Lord Jesus Christ. So, ([I] could not [possibly] tell God that he did wrong [when he gave them the Holy Spirit!]/how could I [tell] God that he did wrong [when he gave them the Holy Spirit]?) [RHQ] [He was showing that he had received them]!”
18 Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu.
After [those Jewish believers] heard what Peter said, they stopped criticizing [him. Instead], they praised God, saying, “Then it is [clear to us that] God has also accepted the non-Jews so that they will have eternal life, if they turn from their sinful behavior [and believe in Jesus]!”
19 Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvikira paFenikia neSaipuresi neAndiyokiya, vasingatauri shoko kuna ani asi kuVaJudha chete.
After [people had killed] Stephen, many of the believers left [Jerusalem and went] to other places, because people were causing them to suffer [there in Jerusalem. Some of] them went to Phoenicia [region], some went to Cyprus [Island], and others went to Antioch [city in Syria province. In those places] they were continually telling people the message [about Jesus], but they told only other Jewish people.
20 Asi kwaiva nevamwe vavo, varume VaSaipuresi neVaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuVaHerenisiti, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu.
Some of the believers were men from Cyprus and from Cyrene [city in north Africa]. They went to Antioch, and [although they told other Jews about] the Lord Jesus, they also told non-Jewish people [there].
21 Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hukatendeukira kuna Ishe.
The Lord [God] [MTY] was powerfully enabling those [believers to preach effectively. As a result], very many [non-Jewish] people believed [their message and] trusted in the Lord [Jesus].
22 Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzeve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya;
The group of believers in Jerusalem heard [MTY] [people say that many people in Antioch were believing in Jesus. So] the [leaders] of the congregation in [Jerusalem] asked Barnabas to go to Antioch.
23 iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vese kuti varambire panaIshe nekuzvipira kwemoyo;
When he got [there], he realized that God had acted kindly toward [the believers. So] he was very happy, and he continually encouraged all of the [believers] to continue to trust completely in the Lord [Jesus].
24 nokuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe.
Barnabas was a good man [whom] the Holy Spirit completely controlled, one who trusted [God] completely. [Because of what Barnabas did], many people [there] believed in the Lord [Jesus].
25 Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro.
Then Barnabas went to Tarsus [in Cilicia province to try] to find Saul.
26 Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rese vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokiya.
After he found him, Barnabas brought him [back to] Antioch [to help teach the believers. So during] a whole year [Barnabas and Saul] met [regularly] with the congregation [there] and taught many of them [about Jesus. It was] at Antioch that the believers were first called Christians {[that people] first called the believers Christians}.
27 Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokiya vachibva kuJerusarema.
During the time [that Barnabas and Saul were] at Antioch, some [believers who were] prophets arrived there from Jerusalem.
28 Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yese; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari.
One of them, whose name was Agabus, stood up [in order to speak]. [God’s] Spirit enabled him to prophesy (that there would soon be a famine in many countries/that [people] in many countries [HYP] would soon [suffer because they] would not have enough [food] to eat). (That famine happened when Claudius was the [Roman Emperor].)
29 Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;
When the believers [there heard what Agabus said], they decided that they would send [money] to help the believers who lived in Judea. Each [of them decided to give as much money] as he was able [to give].
30 zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro.
They sent [the money] with Barnabas and Saul to the leaders of the congregation [in Jerusalem].

< Mabasa 11 >