< 2 Petro 3 >

1 Ikozvino iyi, vadikanwi, itsamba yechipiri yandinokunyorerai; panaidzodzi mbiri ndinomutsa murangariro wenyu wakachena nechiyeuchidzo, 2 kuti murangarire mashoko akambotaurwa nevaporofita vatsvene, nemurairo wedu tiri vaapasitori vaIshe neMuponesi; 3 muchiziva ichi pakutanga, kuti kuchauya pakuguma kwemazuva vanongoseka, vachifamba maererano neruchiva rwavo pachavo, 4 uye vachiti: Chiripi chivimbiso chekuuya kwake? Nokuti kubva zvarara madzibaba zvinhu zvese zvakaramba zvakadaro kubva pakutanga kwekusikwa. 5 Nokuti ichi vanokanganwa maune, kuti matenga aivapo kubva kare, nenyika, iripo kubva mumvura, kubudikidza nemvura, neshoko raMwari; 6 nazvo nyika yaivapo nguva iyo yakafukidzwa nemvura yakaparadzwa. 7 Asi matenga nenyika zviripo ikozvino zvakachengetwa neirori shoko, zvakachengeterwa moto pazuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari. 8 Asi chinhu chimwe ichi ngachirege kusazikanwa nemwi, vadikanwi, kuti zuva rimwe kuna Ishe rakaita samakore ane churu, nemakore ane churu sezuva rimwe. 9 Ishe haanonoki maererano nechivimbiso, sevamwe vanoti kunonoka; asi ane moyo murefu kwatiri, asingadi kuti ani nani aparare asi vese vasvike pakutendeuka. 10 Asi zuva raIshe richasvika sembavha usiku, naro matenga achapfuura nekutinhira kukuru, nezvekutanga zvichaguranyiwa nekupisa kukuru, nenyika nemabasa ari mairi achapiswa. 11 Sezvo zvinhu izvi zvese zvichaparadzwa, imwi munofanira kuva vakadini pamafambiro matsvene nekunamata Mwari, 12 makatarisira nekumhanyira kusvika kwezuva raMwari; naro matenga achipiswa achaparadzwa, nezvekutanga zvinyunguduke nekupisa kukuru. 13 Asi sechivimbiso chake tinotarisira matenga matsva nenyika itsva, mazviri munogara kururama. 14 Naizvozvo vadikanwi, zvamunotarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye murugare, musina gwapa uye musingamhuriki. 15 Zvino muti moyo murefu waIshe wedu ruponeso, hama yedu inodikanwa Pauro sezvaakakunyoreraiwo zvichienderana nenjere dzakapiwa kwaari; 16 semutsamba dzake dzesewo, achitaura madziri maererano nezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisisika, izvo avo vasina kudzidza nevasina kusimba vanozviminamisa, semamwewo magwaro, kusvika pakuparadzwa kwavo pachavo. 17 Naizvozvo imwi, vadikanwi, zvamagara muchiziva, chenjerai kuti murege kutsauswa pamwe nekunyengera kwevasina murairo, muwe pakusimba kwenyu. 18 Asi kurai munyasha neparuzivo rwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. Rukudzo ngaruende kwaari ikozvinowo uye kusvika zuva rekusingaperi. Ameni. (aiōn g165)

< 2 Petro 3 >

The World is Destroyed by Water
The World is Destroyed by Water