< 2 Petro 3 >

1 Ikozvino iyi, vadikanwi, itsamba yechipiri yandinokunyorerai; panaidzodzi mbiri ndinomutsa murangariro wenyu wakachena nechiyeuchidzo,
Ταύτην ἤδη, ἀγαπητοί, δευτέραν ὑμῖν γράφω ἐπιστολήν, ἐν αἷς διεγείρω ὑμῶν ἐν ὑπομνήσει τὴν εἰλικρινῆ διάνοιαν,
2 kuti murangarire mashoko akambotaurwa nevaporofita vatsvene, nemurairo wedu tiri vaapasitori vaIshe neMuponesi;
μνησθῆναι τῶν προειρημένων ῥημάτων ὑπὸ τῶν ἁγίων προφητῶν καὶ τῆς τῶν ἀποστόλων ὑμῶν ἐντολῆς, τοῦ κυρίου καὶ σωτῆρος·
3 muchiziva ichi pakutanga, kuti kuchauya pakuguma kwemazuva vanongoseka, vachifamba maererano neruchiva rwavo pachavo,
τοῦτο πρῶτον γινώσκοντες, ὅτι ἐλεύσονται ἐπ᾽ ἐσχάτων τῶν ἡμερῶν ἐν ἐμπαιγμονῇ ἐμπαῖκται, κατὰ τὰς ἰδίας ἐπιθυμίας αὐτῶν πορευόμενοι
4 uye vachiti: Chiripi chivimbiso chekuuya kwake? Nokuti kubva zvarara madzibaba zvinhu zvese zvakaramba zvakadaro kubva pakutanga kwekusikwa.
καὶ λέγοντες, Ποῦ ἐστιν ἡ ἐπαγγελία τῆς παρουσίας αὐτοῦ; ἀφ᾽ ἧς γὰρ οἱ πατέρες ἐκοιμήθησαν, πάντα οὕτως διαμένει ἀπ᾽ ἀρχῆς κτίσεως.
5 Nokuti ichi vanokanganwa maune, kuti matenga aivapo kubva kare, nenyika, iripo kubva mumvura, kubudikidza nemvura, neshoko raMwari;
Λανθάνει γὰρ αὐτοὺς τοῦτο θέλοντας, ὅτι οὐρανοὶ ἦσαν ἔκπαλαι, καὶ γῆ ἐξ ὕδατος καὶ δι᾽ ὕδατος συνεστῶσα τῷ τοῦ θεοῦ λόγῳ,
6 nazvo nyika yaivapo nguva iyo yakafukidzwa nemvura yakaparadzwa.
δι᾽ ὧν ὁ τότε κόσμος ὕδατι κατακλυσθεὶς ἀπώλετο,
7 Asi matenga nenyika zviripo ikozvino zvakachengetwa neirori shoko, zvakachengeterwa moto pazuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.
οἱ δὲ νῦν οὐρανοὶ καὶ ἡ γῆ τῷ αὐτοῦ λόγῳ τεθησαυρισμένοι εἰσὶν πυρὶ τηρούμενοι εἰς ἡμέραν κρίσεως καὶ ἀπωλείας τῶν ἀσεβῶν ἀνθρώπων.
8 Asi chinhu chimwe ichi ngachirege kusazikanwa nemwi, vadikanwi, kuti zuva rimwe kuna Ishe rakaita samakore ane churu, nemakore ane churu sezuva rimwe.
ἓν δὲ τοῦτο μὴ λανθανέτω ὑμᾶς, ἀγαπητοί, ὅτι μία ἡμέρα παρὰ κυρίῳ ὡς χίλια ἔτη, καὶ χίλια ἔτη ὡς ἡμέρα μία.
9 Ishe haanonoki maererano nechivimbiso, sevamwe vanoti kunonoka; asi ane moyo murefu kwatiri, asingadi kuti ani nani aparare asi vese vasvike pakutendeuka.
οὐ βραδύνει κύριος τῆς ἐπαγγελίας, ὥς τινες βραδύτητα ἡγοῦνται· ἀλλὰ μακροθυμεῖ εἰς ὑμᾶς, μὴ βουλόμενός τινας ἀπολέσθαι, ἀλλὰ πάντας εἰς μετάνοιαν χωρῆσαι.
10 Asi zuva raIshe richasvika sembavha usiku, naro matenga achapfuura nekutinhira kukuru, nezvekutanga zvichaguranyiwa nekupisa kukuru, nenyika nemabasa ari mairi achapiswa.
ἥξει δὲ ἡμέρα κυρίου ὡς κλέπτης, ἐν ᾗ οἱ οὐρανοὶ ῥοιζηδὸν παρελεύσονται, στοιχεῖα δὲ καυσούμενα λυθήσεται, καὶ γῆ καὶ τὰ ἐν αὐτῇ ἔργα εὑρεθήσεται.
11 Sezvo zvinhu izvi zvese zvichaparadzwa, imwi munofanira kuva vakadini pamafambiro matsvene nekunamata Mwari,
Τούτων οὖν πάντων λυομένων, ποταποὺς δεῖ ὑπάρχειν ὑμᾶς ἐν ἁγίαις ἀναστροφαῖς καὶ εὐσεβείαις,
12 makatarisira nekumhanyira kusvika kwezuva raMwari; naro matenga achipiswa achaparadzwa, nezvekutanga zvinyunguduke nekupisa kukuru.
προσδοκῶντας καὶ σπεύδοντας τὴν παρουσίαν τῆς τοῦ θεοῦ ἡμέρας, δι᾽ ἣν οὐρανοὶ πυρούμενοι λυθήσονται, καὶ στοιχεῖα καυσούμενα τήκεται;
13 Asi sechivimbiso chake tinotarisira matenga matsva nenyika itsva, mazviri munogara kururama.
καινοὺς δὲ οὐρανοὺς καὶ γῆν καινὴν κατὰ τὸ ἐπάγγελμα αὐτοῦ προσδοκῶμεν, ἐν οἷς δικαιοσύνη κατοικεῖ.
14 Naizvozvo vadikanwi, zvamunotarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye murugare, musina gwapa uye musingamhuriki.
διό, ἀγαπητοί, ταῦτα προσδοκῶντες σπουδάσατε ἄσπιλοι καὶ ἀμώμητοι αὐτῷ εὑρεθῆναι ἐν εἰρήνῃ,
15 Zvino muti moyo murefu waIshe wedu ruponeso, hama yedu inodikanwa Pauro sezvaakakunyoreraiwo zvichienderana nenjere dzakapiwa kwaari;
καὶ τὴν τοῦ κυρίου ἡμῶν μακροθυμίαν σωτηρίαν ἡγεῖσθε, καθὼς καὶ ὁ ἀγαπητὸς ἡμῶν ἀδελφὸς Παῦλος κατὰ τὴν δοθεῖσαν αὐτῷ σοφίαν ἔγραψεν ὑμῖν,
16 semutsamba dzake dzesewo, achitaura madziri maererano nezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisisika, izvo avo vasina kudzidza nevasina kusimba vanozviminamisa, semamwewo magwaro, kusvika pakuparadzwa kwavo pachavo.
ὡς καὶ ἐν πάσαις ἐπιστολαῖς, λαλῶν ἐν αὐταῖς περὶ τούτων· ἐν αἷς ἐστιν δυσνόητά τινα, ἃ οἱ ἀμαθεῖς καὶ ἀστήρικτοι στρεβλοῦσιν, ὡς καὶ τὰς λοιπὰς γραφάς, πρὸς τὴν ἰδίαν αὐτῶν ἀπώλειαν.
17 Naizvozvo imwi, vadikanwi, zvamagara muchiziva, chenjerai kuti murege kutsauswa pamwe nekunyengera kwevasina murairo, muwe pakusimba kwenyu.
Ὑμεῖς οὖν, ἀγαπητοί, προγινώσκοντες φυλάσσεσθε ἵνα μὴ τῇ τῶν ἀθέσμων πλάνῃ συναπαχθέντες ἐκπέσητε τοῦ ἰδίου στη ριγμοῦ,
18 Asi kurai munyasha neparuzivo rwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. Rukudzo ngaruende kwaari ikozvinowo uye kusvika zuva rekusingaperi. Ameni. (aiōn g165)
αὐξάνετε δὲ ἐν χάριτι καὶ γνώσει τοῦ κυρίου ἡμῶν καὶ σωτῆρος Ἰησοῦ χριστοῦ. αὐτῷ ἡ δόξα καὶ νῦν καὶ εἰς ἡμέραν αἰῶνος. [ἀμήν]. ΠΕΤΡΟΥ Βʹ. (aiōn g165)

< 2 Petro 3 >

The World is Destroyed by Water
The World is Destroyed by Water