< 2 VaKorinde 9 >

1 Nokuti maererano nerubatsiro rwevatsvene, hazvina kufanira kwandiri kuti ndikunyorerei;
Περὶ μὲν γὰρ τῆς διακονίας τῆς εἰς τοὺς ἁγίους περισσόν μοί ἐστιν τὸ γράφειν ὑμῖν·
2 nokuti ndinoziva kushingaira kwenyu, kwandinozvirumbidza nako pamusoro penyu kune veMakedhonia, kuti Akaya yakange yazvigadzirira kubvira gore rakapera; nekushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.
οἶδα γὰρ τὴν προθυμίαν ὑμῶν ἣν ὑπὲρ ὑμῶν καυχῶμαι Μακεδόσιν, ὅτι Ἀχαΐα παρεσκεύασται ἀπὸ πέρυσι, καὶ τὸ ὑμῶν ζῆλος ἠρέθισεν τοὺς πλείονας.
3 Asi ndakatuma hama, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kusava pasina pachinhu ichi; kuti, sezvandakareva, muve makagadzirira;
ἔπεμψα δὲ τοὺς ἀδελφούς, ἵνα μὴ τὸ καύχημα ἡμῶν τὸ ὑπὲρ ὑμῶν κενωθῇ ἐν τῷ μέρει τούτῳ, ἵνα καθὼς ἔλεγον παρεσκευασμένοι ἦτε,
4 zvimwe pamwe, kana veMakedhonia vachiuya neni vakuwanei musina kuzvigadzirira, isu tinyadziswe (kuti tisati, imwi) pakuvimba uku kwekuzvikudza.
μή πως ἐὰν ἔλθωσιν σὺν ἐμοὶ Μακεδόνες καὶ εὕρωσιν ὑμᾶς ἀπαρασκευάστους, καταισχυνθῶμεν ἡμεῖς, (ἵνα μὴ λέγωμεν ὑμεῖς), ἐν τῇ ὑποστάσει ταύτῃ.
5 Naizvozvo ndakaona zvakafanira kukurudzira hama, kuti vatange kuuya kwamuri, uye vatange kugadzira chipo chenyu chepachena chakataurwa nezvacho kare, kuti ichi chive chakagadzirirwa, saizvozvo sechipo chepachena asi kwete sekukara.
ἀναγκαῖον οὖν ἡγησάμην παρακαλέσαι τοὺς ἀδελφούς, ἵνα προέλθωσιν πρὸς ὑμᾶς καὶ προκαταρτίσωσιν τὴν προεπηγγελμένην εὐλογίαν ὑμῶν ταύτην ἑτοίμην εἶναι, οὕτως ὡς εὐλογίαν καὶ μὴ ὡς πλεονεξίαν.
6 Asi izvi kuti: Anodzvara zvishoma, anokohwawo zvishoma; neanodzvara zvizhinji, achakohwawo zvizhinji.
τοῦτο δέ, ὁ σπείρων φειδομένως φειδομένως καὶ θερίσει, καὶ ὁ σπείρων ἐπ᾽ εὐλογίαις ἐπ᾽ εὐλογίαις καὶ θερίσει.
7 Umwe neumwe sezvinoda moyo; kwete nekurwadziwa, kana nekurovererwa; nokuti Mwari anoda anopa nemufaro.
ἕκαστος καθὼς προῄρηται τῇ καρδίᾳ, μὴ ἐκ λύπης ἢ ἐξ ἀνάγκης· ἱλαρὸν γὰρ δότην ἀγαπᾷ ὁ θεός.
8 Uye Mwari anogona kukuwanzirai nyasha dzese, kuti nguva dzese muve nekuringana kwese pazvese, muwanze pabasa rese rakanaka;
δυνατεῖ δὲ ὁ θεὸς πᾶσαν χάριν περισσεῦσαι εἰς ὑμᾶς, ἵνα ἐν παντὶ πάντοτε πᾶσαν αὐτάρκειαν ἔχοντες περισσεύητε εἰς πᾶν ἔργον ἀγαθόν,
9 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaparadzira, wakapa varombo; kururama kwake kunogara nekusingaperi. (aiōn g165)
καθὼς γέγραπται, Ἐσκόρπισεν, ἔδωκεν τοῖς πένησιν, ἡ δικαιοσύνη αὐτοῦ μένει εἰς τὸν αἰῶνα. (aiōn g165)
10 Zvino iye anopa mbeu kumudzvari, nekupa chingwa chekudya, ngaawanze mbeu dzenyu dzakadzvarwa, nekuwedzera zvibereko zvekururama kwenyu;
ὁ δὲ ἐπιχορηγῶν σπόρον τῷ σπείροντι καὶ ἄρτον εἰς βρῶσιν χορηγήσει καὶ πληθυνεῖ τὸν σπόρον ὑμῶν, καὶ αὐξήσει τὰ γενήματα τῆς δικαιοσύνης ὑμῶν.
11 muchifumiswa pazvinhu zvese zvichibva pakupana kwese, zvinokonzera kubudikidza nesu kuvonga kuna Mwari.
ἐν παντὶ πλουτιζόμενοι εἰς πᾶσαν ἁπλότητα, ἥτις κατεργάζεται δι᾽ ἡμῶν εὐχαριστίαν τῷ θεῷ,
12 Nokuti basa rekushumira uku harizadzisi kushaiwa kwevatsvene chete, asi kunowanzisawo nekuvongwa kuzhinji kuna Mwari;
ὅτι ἡ διακονία τῆς λειτουργίας ταύτης οὐ μόνον ἐστὶν προσαναπληροῦσα τὰ ὑστερήματα τῶν ἁγίων, ἀλλὰ καὶ περισσεύουσα διὰ πολλῶν εὐχαριστιῶν τῷ θεῷ·
13 nekuda kweuchapupu hweshumiro iyi vanorumbidza Mwari pamusoro pekuteerera kwekupupura kwenyu evhangeri yaKristu, nekukura kwekupa kwenyu kwavari nekune vese.
διὰ τῆς δοκιμῆς τῆς διακονίας ταύτης δοξάζοντες τὸν θεὸν ἐπὶ τῇ ὑποταγῇ τῆς ὁμολογίας ὑμῶν εἰς τὸ εὐαγγέλιον τοῦ χριστοῦ καὶ ἁπλότητι τῆς κοινωνίας εἰς αὐτοὺς καὶ εἰς πάντας,
14 Uye nemunyengetero wavo pamusoro penyu, vachikushuvai nekuda kwenyasha hurusa dzaMwari pamusoro penyu.
καὶ αὐτῶν δεήσει ὑπὲρ ὑμῶν ἐπιποθούντων ὑμᾶς διὰ τὴν ὑπερβάλλουσαν χάριν τοῦ θεοῦ ἐφ᾽ ὑμῖν.
15 Zvino Mwari ngaavongwe nekuda kwechipo chake chisingarondedzereki.
χάρις τῷ θεῷ ἐπὶ τῇ ἀνεκδιηγήτῳ αὐτοῦ δωρεᾷ.

< 2 VaKorinde 9 >