< 1 Timoti 2 >

1 Naizvozvo kutanga pazvese ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vese; 2 pamadzimambo nevese vari panzvimbo dzakakwirira kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kwese nerukudzo; 3 nokuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu, 4 uyo anoda kuti vanhu vese vaponeswe uye vasvike pakuziva chokwadi. 5 Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu, 6 wakazvipa iye kuva rudzikunuro rwevese, chive chapupu panguva dzakafanira, 7 icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi. 8 Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzese, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana. 9 Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera, kana nguvo dzinodhura, 10 asi, zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari, nemabasa akanaka. 11 Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzvininipisa kwese. 12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara. 13 Nokuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha; 14 naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika, 15 asi achaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo neutsvene pamwe nekuzvidzora.

< 1 Timoti 2 >