< 1 VaKorinde 8 >

1 Zvino maererano nezvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti tese tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunovaka.
Περὶ δὲ τῶν εἰδωλοθύτων, οἴδαμεν ὅτι πάντες γνῶσιν ἔχομεν. ἡ γνῶσις φυσιοῖ, ἡ δὲ ἀγάπη οἰκοδομεῖ.
2 Uye kana ani nani achifunga kuti anoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva;
εἴ τις δοκεῖ ἐγνωκέναι τι, οὔπω ἔγνω καθὼς δεῖ γνῶναι·
3 asi kana ani achida Mwari, ndiye anozikanwa naye.
εἰ δέ τις ἀγαπᾷ τὸν θεόν, οὗτος ἔγνωσται ὑπ᾽ αὐτοῦ.
4 Naizvozvo maererano nekudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachisi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe.
περὶ τῆς βρώσεως οὖν τῶν εἰδωλοθύτων οἴδαμεν ὅτι οὐδὲν εἴδωλον ἐν κόσμῳ, καὶ ὅτι οὐδεὶς θεὸς εἰ μὴ εἷς.
5 Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga, kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji),
καὶ γὰρ εἴ περ εἰσὶν λεγόμενοι θεοὶ εἴτε ἐν οὐρανῷ εἴτε ἐπὶ γῆς, ὥσπερ εἰσὶν θεοὶ πολλοὶ καὶ κύριοι πολλοί·
6 asi kwatiri kuna Mwari umwe, Baba, zvinhu zvese zvinouya naye, nesu tiri maari; naIshe umwe, Jesu Kristu, zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, nesu tiripo naye.
ἀλλ᾽ ἡμῖν εἷς θεὸς ὁ πατήρ, ἐξ οὗ τὰ πάντα καὶ ἡμεῖς εἰς αὐτόν, καὶ εἷς κύριος Ἰησοῦς χριστός, δι᾽ οὗ τὰ πάντα καὶ ἡμεῖς δι᾽ αὐτοῦ.
7 Asi ruzivo harwuko kwavari vese; nokuti vamwe vane hana yechifananidzo kusvikira ikozvino, vanodya sezvakabairwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa.
ἀλλ᾽ οὐκ ἐν πᾶσιν ἡ γνῶσις· τινὲς δὲ τῇ συνηθείᾳ ἕως ἄρτι τοῦ εἰδώλου ὡς εἰδωλόθυτον ἐσθίουσιν, καὶ ἡ συνείδησις αὐτῶν ἀσθενὴς οὖσα μολύνεται.
8 Zvino kudya hakutiswededzi kuna Mwari; kwete nokuti kana tichidya, tinowanzirwa; uye kwete kuti kana tisingadyi, tinoshaiwa.
βρῶμα δὲ ἡμᾶς οὐ παραστήσει τῷ θεῷ· οὔτε ἐὰν μὴ φάγωμεν, ὑστερούμεθα, οὔτε ἐὰν φάγωμεν, περισσεύομεθα.
9 Zvino chenjerai, zvimwe kodzero yenyu iyi ive chigumbuso kune avo vasina simba.
βλέπετε δὲ μή πως ἡ ἐξουσία ὑμῶν αὕτη πρόσκομμα γένηται τοῖς ἀσθενέσιν.
10 Nokuti kana umwe achikuona iwe ane ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yeasina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabairwa zvifananidzo here?
ἐὰν γάρ τις ἴδῃ σε τὸν ἔχοντα γνῶσιν ἐν εἰδωλείῳ κατακείμενον, οὐχὶ ἡ συνείδησις αὐτοῦ ἀσθενοῦς ὄντος οἰκοδομηθήσεται εἰς τὸ τὰ εἰδωλόθυτα ἐσθίειν;
11 Uye neruzivo rwako hama isina simba ichaparara here, Kristu yaakafira?
ἀπόλλυται γὰρ ὁ ἀσθενῶν ἐν τῇ σῇ γνώσει, ὁ ἀδελφὸς δι᾽ ὃν χριστὸς ἀπέθανεν.
12 Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu.
οὕτως δὲ ἁμαρτάνοντες εἰς τοὺς ἀδελφοὺς καὶ τύπτοντες αὐτῶν τὴν συνείδησιν ἀσθενοῦσαν, εἰς χριστὸν ἁμαρτάνετε.
13 Naizvozvo kana kudya kuchigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvikira narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu. (aiōn g165)
διό περ εἰ βρῶμα σκανδαλίζει τὸν ἀδελφόν μου, οὐ μὴ φάγω κρέα εἰς τὸν αἰῶνα, ἵνα μὴ τὸν ἀδελφόν μου σκανδαλίσω. (aiōn g165)

< 1 VaKorinde 8 >