< 1 VaKorinde 14 >

1 Tevererai rudo; mushuve zvikuru zvemweya, asi zvikurusa kuti muporofite.
Sectamini caritatem, æmulamini spiritualia: magis autem ut prophetetis.
2 Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika.
Qui enim loquitur lingua, non hominibus loquitur, sed Deo: nemo enim audit. Spiritu autem loquitur mysteria.
3 Asi anoporofita anotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo.
Nam qui prophetat, hominibus loquitur ad ædificationem, et exhortationem, et consolationem.
4 Anotaura nendimi anozvivaka iye; asi anoporofita anovaka kereke.
Qui loquitur lingua, semetipsum ædificat: qui autem prophetat, ecclesiam Dei ædificat.
5 Ndinodawo kuti imwi mese mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa.
Volo autem omnes vos loqui linguis: magis autem prophetare. Nam major est qui prophetat, quam qui loquitur linguis; nisi forte interpretetur ut ecclesia ædificationem accipiat.
6 Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso?
Nunc autem, fratres, si venero ad vos linguis loquens: quid vobis prodero, nisi vobis loquar aut in revelatione, aut in scientia, aut in prophetia, aut in doctrina?
7 Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa rudimbwa?
Tamen quæ sine anima sunt vocem dantia, sive tibia, sive cithara; nisi distinctionem sonituum dederint, quomodo scietur id quod canitur, aut quod citharizatur?
8 Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo?
Etenim si incertam vocem det tuba, quis parabit se ad bellum?
9 Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo.
Ita et vos per linguam nisi manifestum sermonem dederitis: quomodo scietur id quod dicitur? eritis enim in aëra loquentes.
10 Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu.
Tam multa, ut puta genera linguarum sunt in hoc mundo: et nihil sine voce est.
11 Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri.
Si ergo nesciero virtutem vocis, ero ei, cui loquor, barbarus: et qui loquitur, mihi barbarus.
12 Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke.
Sic et vos, quoniam æmulatores estis spirituum, ad ædificationem ecclesiæ quærite ut abundetis.
13 Naizvozvo anotaura nendimi ngaanyengetere kuti adudzire.
Et ideo qui loquitur lingua, oret ut interpretetur.
14 Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu hadzina chibereko.
Nam si orem lingua, spiritus meus orat, mens autem mea sine fructu est.
15 Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo.
Quid ergo est? Orabo spiritu, orabo et mente: psallam spiritu, psallam et mente.
16 Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura?
Ceterum si benedixeris spiritu, qui supplet locum idiotæ, quomodo dicet: Amen, super tuam benedictionem? quoniam quid dicas, nescit.
17 Nokuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haavakwi.
Nam tu quidem bene gratias agis, sed alter non ædificatur.
18 Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mese;
Gratias ago Deo meo, quod omnium vestrum lingua loquor.
19 asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi.
Sed in ecclesia volo quinque verba sensu meo loqui, ut et alios instruam: quam decem millia verborum in lingua.
20 Hama, musava vana pafungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru.
Fratres, nolite pueri effici sensibus, sed malitia parvuli estote: sensibus autem perfecti estote.
21 Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe.
In lege scriptum est: Quoniam in aliis linguis et labiis aliis loquar populo huic: et nec sic exaudient me, dicit Dominus.
22 Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda.
Itaque linguæ in signum sunt non fidelibus, sed infidelibus: prophetiæ autem non infidelibus, sed fidelibus.
23 Naizvozvo kana kereke yese yaungana panzvimbo imwe, vese ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here?
Si ergo conveniat universa ecclesia in unum, et omnes linguis loquantur, intrent autem idiotæ, aut infideles: nonne dicent quod insanitis?
24 Asi kana vese vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevese, aongororwe nevese;
Si autem omnes prophetent, intret autem quis infidelis, vel idiota, convincitur ab omnibus, dijudicatur ab omnibus:
25 uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
occulta cordis ejus manifesta fiunt: et ita cadens in faciem adorabit Deum, pronuntians quod vere Deus in vobis sit.
26 Zvino chii, hama? Pega-pega pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvese ngazviitirwe kuvaka.
Quid ergo est, fratres? Cum convenitis, unusquisque vestrum psalmum habet, doctrinam habet, apocalypsim habet, linguam habet, interpretationem habet: omnia ad ædificationem fiant.
27 Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire.
Sive lingua quis loquitur, secundum duos, aut ut multum tres, et per partes, et unus interpretatur.
28 Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaataure kwaari nekuna Mwari.
Si autem non fuerit interpres, taceat in ecclesia: sibi autem loquatur, et Deo.
29 Vaporofitawo ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavatonge.
Prophetæ autem duo, aut tres dicant, et ceteri dijudicent.
30 Asi kana zvakazarurirwa umwe agerepo, wekutanga ngaanyarare.
Quod si alii revelatum fuerit sedenti, prior taceat.
31 Nokuti mese mungaporofita umwe-umwe, kuti vese vadzidze, uye vese vakurudzirwe;
Potestis enim omnes per singulos prophetare: ut omnes discant, et omnes exhortentur:
32 nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita.
et spiritus prophetarum prophetis subjecti sunt.
33 Nokuti Mwari haasi wenyonga-nyonga, asi werugare, sapamakereke ese evatsvene.
Non enim est dissensionis Deus, sed pacis: sicut et in omnibus ecclesiis sanctorum doceo.
34 Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo.
Mulieres in ecclesiis taceant, non enim permittitur eis loqui, sed subditas esse, sicut et lex dicit.
35 Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke.
Si quid autem volunt discere, domi viros suos interrogent. Turpe est enim mulieri loqui in ecclesia.
36 Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri mega here?
An a vobis verbum Dei processit? aut in vos solos pervenit?
37 Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe.
Si quis videtur propheta esse, aut spiritualis, cognoscat quæ scribo vobis, quia Domini sunt mandata.
38 Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi.
Si quis autem ignorat, ignorabitur.
39 Naizvozvo, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi.
Itaque fratres æmulamini prophetare: et loqui linguis nolite prohibere.
40 Zvinhu zvese ngazviitwe nemutoo wakafanira uye zvichitevedzana.
Omnia autem honeste, et secundum ordinem fiant.

< 1 VaKorinde 14 >