< Mapisarema 99 >

1 Jehovha anobata ushe, ndudzi ngadzidedere; anogara pachigaro choushe chiri pakati pamakerubhi, nyika ngaizungunuke. 2 Jehovha mukuru paZioni; iye akasimudzirwa pamusoro pendudzi dzose. 3 Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa, iye mutsvene. 4 Mambo mukuru, anoda kururamisira, imi makasimbisa kururama; muna Jakobho makaita kururamisira nokururama. 5 Kudzai Jehovha Mwari wedu nokunamata pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene. 6 Mozisi naAroni vakanga vari pakati pavaprista vake, Samueri akanga ari pakati paavo vaidana kuzita rake, vakadana kuna Jehovha akavapindura. 7 Akataura kwavari ari mushongwe yegore; vakachengeta zvaakatema nemitemo yaakavapa. 8 Haiwa Jehovha Mwari wedu, imi makavapindura; makanga muri Mwari anokanganwira kuna Israeri, kunyange makavaranga pane zvavakaita. 9 Kudzai Jehovha Mwari wedu mumunamate pagomo rake dzvene, nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye mutsvene.

< Mapisarema 99 >