< Mapisarema 96 >

1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, nyika yose. 2 Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. 3 Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi. 4 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. 5 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga. 6 Kubwinya noumambo zviri pamberi pake; simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene. 7 Remekedzai Jehovha, imi ndudzi dzose, ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha. 8 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake. 9 Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake; dederai pamberi pake, imi nyika dzose. 10 Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.” Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi; uye achatonga marudzi nokururama. 11 Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise; gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri; 12 masango ngaafare, nezvose zviri maari. Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro; 13 ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika nokururama, uye vanhu nechokwadi chake.

< Mapisarema 96 >