< Mapisarema 91 >

1 Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose. 2 Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.” 3 Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya. 4 Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako. 5 Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati, 6 kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati. 7 Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi pako, asi hazvingaswederi kwauri. 8 Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa. 9 Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu, 10 ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako. 11 Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose; 12 vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo. 13 Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka. 14 “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu. 15 Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza. 16 Ndichamugutsa noupenyu hurefu, uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”

< Mapisarema 91 >