< Mapisarema 87 >

1 Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo. Akateya nheyo dzake pagomo dzvene; 2 Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho. 3 Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera 4 “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’” 5 Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.” 6 Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera 7 Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”

< Mapisarema 87 >