< Mapisarema 82 >

1 Pisarema raAsafi. Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti, 2 “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera 3 Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa. 4 Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa. 5 “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa. 6 “Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’ 7 Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.” 8 Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.

< Mapisarema 82 >