< Mapisarema 8 >

1 Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro. 2 Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi. 3 Kana ndichifunga nezvamatenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo, 4 munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye? 5 Makamuita muduku zvishoma pana Mwari, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa. 6 Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake: 7 makwai ose nemombe, nemhuka dzesango, 8 neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa. 9 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

< Mapisarema 8 >