< Mapisarema 72 >

1 Pisarema raSoromoni. Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari, mwanakomana wamambo nokururama kwenyu.
所罗门的诗。 神啊,求你将判断的权柄赐给王, 将公义赐给王的儿子。
2 Achatonga vanhu venyu nokururama, navanonetswa venyu nokururamisira.
他要按公义审判你的民, 按公平审判你的困苦人。
3 Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama.
大山小山都要因公义使民得享平安。
4 Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri.
他必为民中的困苦人伸冤, 拯救穷乏之辈, 压碎那欺压人的。
5 Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera,
太阳还存,月亮还在, 人要敬畏你,直到万代!
6 achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa, seguti rinonyorovesa nyika.
他必降临,像雨降在已割的草地上, 如甘霖滋润田地。
7 Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka; kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.
在他的日子,义人要发旺, 大有平安,好像月亮长存。
8 Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa, uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika.
他要执掌权柄,从这海直到那海, 从大河直到地极。
9 Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake, uye vavengi vake vachananzva guruva.
住在旷野的,必在他面前下拜; 他的仇敌必要舔土。
10 Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure vachamuvigira mutero; madzimambo eShebha neSebha vachamupa zvipo.
他施和海岛的王要进贡; 示巴和西巴的王要献礼物。
11 Madzimambo ose achamupfugamira uye ndudzi dzose dzichamushandira.
诸王都要叩拜他; 万国都要事奉他。
12 Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira; vanonetswa vasina anovabatsira.
因为,穷乏人呼求的时候,他要搭救; 没有人帮助的困苦人,他也要搭救。
13 Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.
他要怜恤贫寒和穷乏的人, 拯救穷苦人的性命。
14 Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa zvinhu nechisimba, nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.
他要救赎他们脱离欺压和强暴; 他们的血在他眼中看为宝贵。
15 Iye ngaararame upenyu hurefu! Goridhe rinobva kuShebha ngaripiwe kwaari. Vanhu ngavarambe vachimunyengeterera uye vamuropafadze zuva rose.
他们要存活。 示巴的金子要奉给他; 人要常常为他祷告,终日称颂他。
16 Zviyo ngazviwande munyika yose; ngazvizengaire pamusoro pezvikomo. Zvibereko zvazvo ngazvikure zvakanaka seRebhanoni; ngazvibukire sebundo romusango.
在地的山顶上,五谷必然茂盛; 所结的谷实要响动,如黎巴嫩的树林; 城里的人要发旺,如地上的草。
17 Zita rake ngarigare nokusingaperi; ngarirambe riripo sokuvapo kwezuva. Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza naye, uye vachamuti, ano mufaro.
他的名要存到永远, 要留传如日之久。 人要因他蒙福; 万国要称他有福。
18 Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, iye oga anoita mabasa anoshamisa.
独行奇事的耶和华—以色列的 神 是应当称颂的!
19 Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; nyika yose ngaizadzwe nokubwinya kwake.
他荣耀的名也当称颂,直到永远。 愿他的荣耀充满全地! 阿们!阿们!
20 Ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese.
耶西的儿子—大卫的祈祷完毕。

< Mapisarema 72 >