< Mapisarema 67 >

1 Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Pisarema. Rwiyo. Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera 2 kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose. 3 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. 4 Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera 5 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. 6 Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza. 7 Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.

< Mapisarema 67 >