< Mapisarema 64 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndinzweiwo, imi Mwari, pandinotaura chichemo changu; dzivirirai upenyu hwangu pakutyisidzira kwavavengi. 2 Ndivanzei pakurangana kwavakaipa, ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa. 3 Vanorodza ndimi dzavo seminondo, uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya. 4 Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva; vanomupfura pakarepo, vasingatyi. 5 Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa, vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti, “Ndianiko achaiona?” 6 Vanorangana kusaruramisira vachiti, “Tafunga zano rakakwana!” Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera. 7 Asi Mwari achavapfura nemiseve; pakarepo vachawira pasi. 8 Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire, uye achavaisa pakuparadzwa; vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka. 9 Marudzi ose avanhu achatya; achaparidza mabasa aMwari, uye achafungisisa zvaakaita. 10 Vakarurama ngavafare muna Jehovha uye vavande maari; vose vakarurama mumwoyo ngavamurumbidze!

< Mapisarema 64 >