< Mapisarema 61 >

1 Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi. Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu. 2 Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura. 3 Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu. 4 Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera 5 Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu. 6 Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi. 7 Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire. 8 Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo, uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.

< Mapisarema 61 >