< Mapisarema 47 >

1 Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro. 2 Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose! 3 Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu, marudzi pasi petsoka dzedu. 4 Akatitsaurira nhaka yedu, iyo pfuma yaJakobho, waakada. Sera 5 Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro, Jehovha pakati pokurira kwehwamanda. 6 Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. 7 Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza. 8 Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose; Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene. 9 Makurukota amarudzi aungana savanhu vaMwari waAbhurahama, nokuti madzimambo enyika ndeaMwari; iye anokudzwa zvikuru kwazvo.

< Mapisarema 47 >