< Mapisarema 46 >

1 Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo. Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika. 2 Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa, 3 kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera 4 Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro. 5 Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza. 6 Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka. 7 Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera 8 Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika. 9 Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto. 10 “Mirai, muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.” 11 Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera

< Mapisarema 46 >